ZveRusimbiso rweVechidiki
Ropafadzo Rako raPatiriyaki
Chikunguru 2024


“Mashoko oKurarama Nawo,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Chikunguru 2024.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Chikunguru 2024

Ropafadzo Rako raPatiriyaki

Zvakatorwa kubva kunhaurwa dzemusangano mukuru waKubvumbi 2023 dzakapuwa naGosa Kaazuhiko Yamashita uye naGosa Randall K. Bennett veMakumi Manonwe.

Mufananidzo
mukomana wechidiki

Mifananidzo naGuev

  • Ropafadzo raPatiriyaki rine rairo yako pachako iwe inobva kuna Ishe.

  • Mufananidzo
    mutsetse wemadzitateguru

    Rinokuzivisa dzinza rako muimba yaIsraeri.

  • Mufananidzo
    magwaro matsvene

    Igwaro dzene rako pachako iwe.

  • Mufananidzo
    chihuri

    Rinoera uye rakavanzika.

  • Mufananidzo
    mepu

    Haritsananguri mafambiro achazoita upenyu hwako hwose.

  • Mufananidzo
    kiyi yemhinduro

    Haripindure mibvunzo yako yose.

Kana rikasataura chiitiko chakakosha muhupenyu, usatora izvi sezvinoreva kuti hauzowani mukana iwoyo. Ropafadzo rapatiriyaki ndere kusingaperi, uye kana ukararama zvakakodzera, vimbiso dzisina kuzadzikiswa muupenyu hwuno dzinozopuwa mune hwunotevera.

Mufananidzo
madzimai

Unofanira Kuva Wakura Zvakadii?

  • Unofanira kuva wakura zvakakwana kunzwisisa kukosha uye nokuera kweropafadzo racho uye kunzwisisa dzidziso yekutanga yevhangeri.

  • Zvakanyanya kunaka kuti uve uchiri mudiki zvakakwana zvokuti sarudzo zhinji dzakakosha dzehupenyu dzichiri mberi.

Maropafadzo kubva Kuropafadzo Rako

Dhinda