Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Zvita 2024
Kuzvarwa kwaJesu
Dzidza pamusoro pechiitiko ichi chinozivikanwa cheKirisimasi uye kuti chinotibatsira sei kunangisa pfungwa pana Muponesi.
Betrehema
Betrehema zvinoreva “imba yechingwa” muchiHeberu. Dzimwe nguva inodaidzwa kuti guta raDavidi, uyo kubva mudzinza rake Mesiasi akaporofitwa kuti aizouya (ona Jeremiah 23:5; Johane 7:42). Samueri akazodza Davidi kuva mambo muBetrehema (ona 1 Samueri 16:1–13). Zvakaporofitwa kuti Mesiasi aizozvarirwa ikoko (ona Mika 5:2).
Imba yevaeni
Shoko rechiGiriki reimba yevaeni rinokwanisa kureva papi zvapo pokugara kwenguva pfupi, kusanganisira mupanda wevaeni. Maria “akaradzika [Mwana Kristu] muchidyiro; nokuti vakashaiwa nzvimbo mumba mavaeni” (Ruka 2:7). (Dudziro yaJoseph Smith inoti “dzimba dzavaeni.”) “Vakashaiwa nzvimbo” zvinokwanisa kureva kuti vakadzingwa kana kuti hapana nzvimbo yavaikwanisa kugara yaiva nenzvimbo yekuzvarira mwana. Zvisinei hazvo, vakaenda kune imwe nzvimbo iyo yaiva nechidyiro.
Chidyiro
Chidyiro ibhokisi rakakwirira kana chinwiro chinochengeterwa zvekudya zvezvipfuyo . MuJudea yechinyakare, izvi kazhinji zvaiva zvakagadzirwa nemabwe. Dzimba dzevaeni dzaiva nezvivanze zvepakati pezvivako zvine zvidyiro uye dzimba zhinji dzaivawo nezvidyiro mumupanda mukuru kuitira kuti zvipfuyo zvikwanise kuchengetwa imomo usiku hwose.
Micheka Yekuputira
Vanaamai vakagara vachiputira vana vachangozvarwa (vachivaputira mugumbeze kana mucheka) kwezviuru zvamakore. Izvi zvinovadzikamisa nekuvanyaradza mushure mevhundutso yekubuda muchibereko. Mucheka wakashandiswa naMaria unogona kunge waiva nechiratidzo chakakosha chine revo kumhuri yavo chete.
Maria naJosefa
Vaiva vanhu vakanaka uye vakarurama, uye vose vaiva zvizvarwa zvaDavidi. Umwe neumwe wavo akanga ashanyirwa nengirozi mukugadzirira kuzvarwa kweMuponesi (ona Mateo 1:18–25; Ruka 1:26–38). Vakafamba makiromita 100–140 (mamaira 60–90) kuenda kuBetrehema. Maria aiva nepamuviri panguva yerwendo urwu.
Vafudzi
Vafudzi vaiva vachifudza zvipfuyo zvavo pedyo neBetrehema. Maererano nedzimwe nyanzvi dzezvedzidzo, makwai aichengeterwa zvibayiro zvetemberi ndiwo chete aibvumirwa kufudzwa pedyo neguta. Saka vafudzi ava vanogona kunge vaifudza makwai aizomiririra kuzvipira kwaJesu Kristu kwatiri (ona Mosesi 5:6–7). Vakasiya zvipfuyo zvavo kuti vanoona Mesiasi, uyo kuzvipira kwerudzikinuro kwake kwaizobvisa zvibayiro zvemhuka.
Mwana Kristu
Jesu Kristu ndiye munhu akakosha zvikuru wechiitiko cheKuzvarwa kwaJesu—uye weupenyu hwedu.
© 2024 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly For the Strength of Youth Message, December 2024. Shona. 19346 731