2000–2009
Asi Kana Zvikasaitika …
Kubvumbi 2004


Asi Kana Zvikasaitika …

Vanhu vanobudirira pazvinhu zvinoshamisa kuburikidza nekuvimba munaIshe uye nekuchengeta mirairo Yavo—kuburikidza nekushandisa rutendo kunyangwe apo pavanenge vasingazive maumbirwo avari kuitwa naIshe.

Semukomana wechidiki, ndakadzokera kumba ndichibva kumakwikwi emutambo webhasiketibhoro wegwaro rechisere ndakaora mwoyo, ndakasuruvara, uye ndakavhiringika. Ndakadaidzira kuna amai vangu kuti, “Handizive kuti sei takundwa—ndanga ndiine rutendo rwekuti tinokunda!”

Ndavakuziva zvino kuti ndakanga ndisingazive panguva iyoyo kuti rutendo chii.

Rutendo harusi hushingi hwenhema, harusi rungori chishuviro chete , harusi rungori tariro chete. Rutendo rwechokwadi rutendo muna Ishe Jesu Kristu—huchokwadi uye ruvimbo muna Jesu Kristu zvinotungamira munhu kuMutevera.1

Mazana emakore akapfuura ayo, Danieri nevafambidzani vake vechidiki vakaerekana vabviswa kubva muchengeteko yedzimba dzavo vachiiswa munyika—nyika yavaiva vasingazive uye yaityisa. Apo Shadraki, Meshaki, naAbedinego pavakaramba kukotamira pasi nekushumira chifananidzo chegoridhe chakamiswa namambo, Nebukadnezari uyo aiva atsamwa zvikuru akavaudza kuti kana vakasashumira sekurairwa kwavaiva vaitwa, vaizokandwa pakarepo muchoto chemoto unopfuta zvikuru. “Mwari achakurwirai mumaoko angu ndoupiko?”2

Varume vechidiki vatatu ava vakapindura nekukurumidza uye nechivimbo vachiti,“Kana zvikaitika hazvo [kana mukatikanda muchoto], Mwari wedu watinoshumira ungagona kutirwira pachoto chomoto unopfuta kwazvo, uye uchatirwira paruoko rwenyu.” Urwu runoratidzika serudzi rwerutendo rwangu rwemurugwaro rwechisere. Asi zvino vakaratidza kuti vainzwisisa zvakazara kuti rutendo chii. Vakaenderera mberi vachiti, “Asi kana zvikasaitika, … hatingashumiri vamwari venyu, kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa imi.”3 Icho chirevo cherutendo rwechokwadi.

Vaiziva kuti vaikwanisa kuvimba naMwari—kunyangwe kana zvinhu zvikasaitika nenzira yavaitarisira.4 Vaiziva kuti rutendo rwunopfuura bvumo yemupfungwa, rwunopfuura bvumo yekuti Mwari vanorarama. Rutendo ruvimbo rwakazara maVari.

Rutendo kutenda kuti kunyangwe zvazvo tisinganzwisise zvinhu zvose, Ivo vanozvinzwisisa. Rutendo kuziva kuti kunyangwe zvazvo simba redu riri shoma, Ravo harisi shoma. Rutendo muna Jesu Kristu runosanganisira kuvimba zvakazara paAri.

Shadraki, Meshaki, naAbednego vaiziva kuti vaikwanisa kuvimba Naye nguva dzose nokuti vaiziva chirongwa Chake, uye vaiziva kuti Haashanduke.5 Vaiziva, sekuziva kwatinoita, kuti upenyu hwunofa hachisi chiitiko chisina chinangwa. Chikamu chidiki chechirongwa chikuru6 chaBaba vedu vari Kudenga vane rudo chekuita kuti zvikwanisike kwatiri, vanakomana nevanasikana Vavo, kuwana maropafadzo mamwechetewo Avanawo, kana tiri tinoda.

Vaiziva, sekuziva kwatinoita, kuti muupenyu hwedu tisati tazvarwa panyika, takarairwa Navo maererano nechinangwa cheupenyu hwunofa: “Tichaita nyika apo ava pavachagara; Uye tichavayedza nekuita izvi, kuti tione kana vachizoita zvose zvinhu zviri zvipi zvazvo Ishe Mwari vavo zvavachavaraira.”7

Saka tine umboo—kuti iyedzo. Nyika inzvimbo yekuyedzwa yavarume namadzimai venyama inofa. Apo patinonzwisisa kuti zvose izvi iyedzo, inotungamirwa naBaba vedu Vokudenga, vanoda kuti tivimbe maVari uye nekuVatendera kuti vatibatsire, tinokwanisa zvino kuona zvinhu zvose zvakanyanya kujeka.

Basa Ravo neKubwinya Kwavo, Vakatiudza, ndere “kuunza kusafa neupenyu hwokusingaperi hwevanhu.”8 Ivo vakatowana humwari kare. Zvino chinangwa Chavo chete ndechekutibatsira—kutikwanisa kudzokera kwaVari uye kuti tive saIvo uye tirarame rudzi rweupenyu Hwavo nekusingaperi.

Vachiziva zvose izvi, zvaive zvisina kuoma kuvaHeberu vechidiki vatatu ivavo kuita sarudzo yavo. Vaizotevera Mwari; vaizoshandisa rutendo maVari. Vaizovasunungura, asi kana zvikasaitika—uye isu tinoziva imwe yose nyaya yacho.

Ishe vakatipa kwaniso yesarudzo, kodzero uye nebasa rekusarudza.9 Vanotiedza nekutibvumira kuti tisangane nezvinetso. Vanotivimbisa kuti haVazotitenderi kuti tiedzwe kupfuura kwaniso yedu yekukunda.10 Asi tinofanira kunzwisisa kuti zvinetso zvakaoma zvinoburitsa vanhu vane hunhu hwakanyanya kunaka. Hatitsvaki dambudziko, asi kana tikaritambira murutendo, Ishe vanotisimbisa. Mashoko okuti asi kana zvikasaitika anokwanisa kuva maropadzo anoshamisa.

Muapositora Pauro akadzidza chidzidzo chakakosha ichi uye akazivisa pachena, mushure memakumi emakore ehushumiri hwekuzvipira kuti,“Ngatifare mumatambudziko … tichiziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira; Uye kutsungirira kunouyisa kuidzwa, kuidzwa kunouyisa tariro: Uye tariro hainyadzisi.”11

Akavimbiswa neMuponesi kuti, “Nyasha dzangu dzinokuringana: nokuti simba rangu rinozadziswa pautera.”12

Pauro akapindura kuti, “Naizvozvo zvirinani kuti ndirumbidze nomufaro mukuru noutera hwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu. … Ndinofara noutera, nokuzvidzwa, nokushaiwa, nokutambudzika, nenhamo nokuda kwaKristu: nokuti kana ndinoutera ipapo ndinesimba.”13 Apo Pauro paakasangana nezvinetso zvake nenzira yaIshe, rutendo rwake rwakawedzera.

Nokutenda Abrahama, achiidzwa, wakabayira Isaka.”14 Abrahama, nokuda kwerutendo rukuru rwake, akavimbiswa chizvarwa chikurusa muhuwandu kupfuura nyeredzi dziri mudenga, uye kuti chizvarwa ichocho chaizouya kuburikidza naIsaka. Asi Abrahama pakarepo akateerera kurairo yaIshe. Mwari vaizochengeta vimbiso Yavo, asi kana zvikasaitika nemutoo waitarisirwa naAbrahama, akaramba achivimba Navo zvakazara.

Vanhu vanobudirira pazvinhu zvinoshamisa kuburikidza nekuvimba munaIshe uye nekuchengeta mirairo Yavo—kuburikidza nekushandisa rutendo kunyangwe apo pavanenge vasingazive maumbirwo avari kuitwa naIshe.

Nokutenda Mosesi … akaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao;

“Akati zvirinani kuitirwa zvakaipa pamwechete navanhu vaMwari, pakufarira zvivi nguva duku;

“Akati kuzvidzwa kwaKristu ipfuma huru kukupfuma kwose kweEgipita. …

Nokutenda wakabva Egipita, asingatyi kutsamwa kwamambo. …

Nokutenda vakayambuka Gungwa Dzvuku sepanyika yakawoma. …

Nokutenda masvingo eJeriko akawira pasi.”15

Vamwe “kuburikidza nekutenda vakakunda hushe ,… vakapiwa zvipikirwa, vakadzivira miromo yeshumba,

“vakadzima simba remoto, vakatiza minondo inopinza, vakasimbiswa pautera, vakava nesimba pakurwa.”15

Asi mukati memhedzisiro dzinoshamisa dzose idzodzo dzaitarisirwa uye nekufungidzirwa neavo vaitora chinhanho, nguva dzose paiva namashoko okuti asi kana zvikasaitika:

“Vamwe vakaidzwa vachisekwa, vachirohwa zvikuru, … vachisungwa, vachiiswa mutorongo:

“Vakatakwa namabwe, vakatemwa–temwa nejeko, vakaidzwa, vakaurawa nomunondo: vakadzungaira … vasina chinhu, vachitambudzika, vachiitirwa zvakaipa; … 16

“Nokuti Mwari vakanga vavagadzirira zvimwe zvinhu zvirinani kuburikidza namatambudziko avo, nokuti pasina matambudziko havaikwanisa kuitwa vakarurama.”17

Magwaro matsvene edu uye nenhoroondo yedu zvizere nerondedzero dzavarume nemadzimai vakuru vaMwari avo vaitenda kuti Vaizovasunungura, asi kana zvikasaitika, vakaratidza kuti vaizovimba uye nekuva pachokwadi.

Vane simba, asi iyedzo yedu.

Chii icho Ishe chavanotarisira kwatiri maererano nezvinetso zvedu? Vanotarisira kuti tiite zvose zvatinokwanisa kuita. Ivo vanoita zvimwe zvose. Nifai akati, “Nokuti tinoziva kuti tinoponeswa nenyasha, mushure mezvose zvatinokwanisa kuita.18

Tinofanira kuva nerutendo rumwecheterwo saShadraki, Meshaki, naAbednego.

Mwari vedu vanozotisunungura kubva mukusekwa uye nekutambudzwa, asi kana zvikasaitika. … Mwari vedu vanozotisunungura kubva muurwere uye muhosha, asi kana zvikasaitika … . Vanozotisunungura kubva murusurukirwo, rusuruvaro rukuru, kana kutya, asi kana zvikasaitika. … Mwari vedu vanozotisunungura kubva mukutyisidzirwa, kupomerwa mhosva, uye nokusagadzikana, asi kana zvikasaitika. … Vanozotisunungura kubva murufu kana kuremara kwevadikanwi, asi kana zvikasaitika, … tinozovimba munaIshe.

Mwari vedu vanozoona kuti tagamuchira ruramisiro uye neruenzaniso, asi kana zvikasaitika. … Vanozoita chokwadi chekuti tinodiwa uye tinozivikanwa, asi kana zvikasaitika. … Tinozogamuchira mufambidzani akarurama nevana vakarurama uye vanoteerera, asi kana zvikasaitika, … tinozova nerutendo munaIshe Jesu Kristu, tichiziva kuti kana tikaita zvose zvatinokwanisa kuita, munguva Yavo uye nemunzira Yavo, tinozosunungurwa. uye tinozogamuchira zvose izvo zvaVainazvo.19 Ndinopupura ndichidaro nemuzita raJesu Kristu, ameni.