2000–2009
Dzimba Dzinoyera, Matemberi Anoyera
Kubvumbi 2009


Dzimba Dzinoyera, Matemberi Anoyera

Kunzwisisa chimiro chekusingaperi chetemberi zvinokuswededza kumhuri yako, kunzwisisa chimiro chekusingaperi chemhuri zvinokuswededza kutemberi.

Wanga wakanakisa zvakadii musangano uno. Takakomborerwa zvakadii kunzwa rairo yeVatungamiri Vekutanga neChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri avo vatinotsigira sevaporofita, vaoni, uye vadudziri.

Ndinorangarira masikati aidziya, kuine nezuva apo mwaka wechirimo pawaiedza kuuya mushure menguva yechando yakareba muCache Valley, Utah. Baba vangu, avo Migovera yavo yaigara izere nemabasa epamba evazukuru vavo, vakasvika nepamba pedu vakatikoka “kuenda kunofamba-famba nemotokari.” Nokuva vaifarira nguva dzose kukwira motokari yaSekuru, vanakomana vedu vane makore mana uye nematanhatu ekuberekwa vakachimbidza kupinda kuchigaro chekumashure kwemotokari, uye ini ndakagara nababa vangu kumberi. Rwendo rwedu rwakatiendesa nemunzira dzedhorobha reLogan, dzinotenderera Temberi yeLogan, yakavakwa panoenekwa zvikuru pachikomo, chiri pakati pakanakisisa muguta racho. Apo patakafamba tichienda kure kubva muguta, takabuda kubva munzira dzetara, dzinonyanya kufambwa kuenda mune dzisinganyanyi kufambwa dzisina tara, umo matakayambuka mazambuko ekare uye tikapinda nemumiti kuenda kure kumamisha. Taive tiri kure kubva kune dzimwe motokari uye tiritoga.

Vaona kuti vazukuru vavo vaive munzvimbo yavakanga vasina kumbosvika, baba vangu vakamisa motokari. “Munofunga kuti tarasika here?” vakabvunza vakomana vaive vavhura maziso zvakanyanya apo pavaitarisa kunze mhiri kwenhika nepawindisikirini. Zvichiteverwa nechinguva chidiki cheongororo muchinyararire kwakauya mhinduro yakadzama yemwana mudiki. “Tarisai,” akadaro, achinongedzera chigunwe chake. “Sekuru, hamuna kumborasika kana muchikwanisa kuona temberi.” Maziso edu akatendeuka, achitarisa neake, tichiona zuva richipenya kubva pashongwe dzepamusoro peTemberi yeLogan, kure mhiri kwenhika.

Hauna kumborasika kana uchikwanisa kuona temberi. Temberi inopa nhungamiro kwauri uye nemhuri yako munyika yakazara nemhirizhonga. Inhungamiro yekusingaperi iyo inozokubatsira kubva pakurasika “mumhute yerima.”1 Imba yaIshe.2 Inzvimbo iyo inoitwa zvibvumirano uye zvisungo zvekusingaperi.

MuBhuku raMormoni, Mambo Benjamin vakaraira Vatendi venguva nenzvimbo yavo kuti vaungane, “murume wose akamisa musuo wetende wakatarisa kutemberi.”3 Senhengo dzeChechi, takagamuchira munguva pfupi ichangopfuura rairo kubva kune vaporofita vemazuva ano iyo, kana ikatevedzerwa, inozotendeutsa zvanyanya kuzara misuo yedzimba dzedu kutarisa kutemberi.

Vatungamiri Vekutanga vakakoka “nhengo dzevakuru kuti dzive nebvumiro yekupinda mutemberi yazvino uye kushanyira temberi kazhinjisa” apo nguva nemamiriro ezvinhu pazvinobvumira uye vakakurudzira nhengo “kuti dzitsive zvimwe zviitwa zvenguva yekuzorora nekuenda kunoshandira mutemberi.” Vakakurudzirawo “nhengo dzichiri itsva nevechidiki veChechi vane makore gumi nemaviri zvichikwira kuti vararame zvakakodzera kuti vabatsire mubasa guru iri kuburikidza nekushandira sevamiririri parubhabhatidzo nesimbiso.”4 Kunyangwe vana vedu vadiki vakakurudzirwa kushanyira zvivanze zvetemberi uye nekunobata temberi.5 Mutungamiri Thomas S. Monson vakambopa rairo yekuti, “Apo patinobata temberi, temberi inobata mwoyo yedu.”6

Takaropafadzwa kurarama mumukuwo wekuvakwa kwematemberi umo mune matemberi anosvika zana nemakumi mana nematanhatu akakumikidzwa kana kuziviswa.7 Pazasi petsananguro yezvinoreva shoko rekuti “Temberi” muBible Dictionary, tinoverenga zvinotevera: “Inzvimbo tsvene zvakanyanyisa kupfuura nzvimbo ipi zvayo yekushumira nekunamata panyika, ichiteverwa nendevo ino ineuchenjeri inoti: “Pamba chete ndipo panokwanisa kuenzaniswa netemberi mukuyera.”8 Kwandiri izvi zvinopa pfungwa yehukama hunoyera pakati petemberi nepamba. Hatikwanise chete kutendeutsira misuo yedzimba dzedu ichitarisa kutemberi, kana imba yaIshe; tinokwanisa kuita dzimba dzedu “imba yaIshe.”

Munguva pfupi ichangopfuura, mumusangano wesiteki, vanhu vose vaivepo vakakokwa nemutungamiri aiva achishanya, Gosa Glen Jenson, wevane Makumi Manomwe veNharaunda, kuti vashanyire dzimba dzavo mupfungwa vachishandisa maziso avo emweya. Ndinoda kukoka mumwe nemumwe wenyu kuti aitewo izvi. Kuri nekupi zvako kungave kuine imba yenyu uye nemagadzirirwo api zvawo ayo, mashandisirwo emisimboti yevhangeri yekusingaperi mukati memadziro ayo akafanana kwese kwese. Ngatitangei. Funga kuti uri kuvhura musuo wepamberi uye uchifamba mukati meimba yako. Chii chaunoona, uye unonzwa sei? Inzvimbo here yerudo, runyararo, uye utiziro kubva kunyika, sezvakaita temberi? Yakachena here uye nekurongeka? Apo paunofamba mumipanda yeimba yako, unoona mifananidzo inosimudzira here inosanganisira mifananidzo yakafanira yetemberi uye neMuponesi? Mupanda wekurara kana nzvimbo yekurara yako inzvimbo here yemunamato wako pachezvako? Nzvimbo yekuungana kana kicheni yako inzvimbo here iyo inogadzirwa zvokudya uye inofarwa pamwechete, inobvumira nhaurirano inosimudzira uye nenguva yemhuri? Magwaro matsvene anowanikwa here mumupanda umo mhuri mainokwanisa kunzvera, kunamata, uye nekudzidza pamwechete? Unokwanisa kuwana nzvimbo yekunzvera vhangeri kwako pachako here? Nziyo dzamunonzwa kana varaidzo dzamunoona pakombiyuta kana nedzimwe nzira, dzinogumbura Mweya Mutsvene here? Nhaurirano dzenyu dzinosimudzira here uye dziri dzisina gakava? Uku ndiko kupera kweshanyiro yedu. Pamwe iwe, seni, wawana nzvimbo shoma dzinoda kumwe “kunatsurudzwa kweimba”—ndinovimba kuti kwete “kuvakwa patsva kweimba yako.”

Kunyangwe nzvimbo yedu yekugara iri yakakura kana diki, yakaninipa kana inoshamisira zvikuru, mune nzvimbo yechimwe nechimwe chezvinokosha zvevhangeri izvi muneimwe neimwe yedzimba dzedu.

Kuti tikwanise kuchengeta temberi ichiyera uye neavo vanoenda kwairi vachiyera uye vari vakakodzera, Ishe vakamisa mwero kuburikidza nevaranda Vavo, vaporofita. Rinozova zano rakanaka kwatiri kufunga pamwechete, mudare remhuri, mwero yedzimba dzedu kuti tidzichengete dzichiyera uye nekudzibvumira kuti dzive “imba yaIshe.” Raiiro yekuti “misa … imba yemunamato, imba yekutsanya, imba yerutendo, imba yekudzidza, imba yekubwinya, imba yakarongeka, imba yaMwari”9 inopa nzwisiso yehumwari murudzi rweimba iyo Ishe yavanoda kuti tivake. Kuita zvinhu zvakaita saizvozvi kunovamba kuvakwa “kwemuzinda mukuru wemweya” umo tose matinokwanisa kugara zvisinei nemamiriro ezvinhu edu emunyika—imba yakazadzwa nepfuma iyo “isina zvipfukuto kana ngura zvinopedza.”10

Imomo mune kubatana kwakarurama pakati petemberi uye nepamba. Kunzwisisa chimiro chekusingaperi chetemberi kunokuswededza kumhuri yako, kunzwisisa chimiro chekusingaperi chemhuri kunokuswededza kutemberi. Mutungamiri Howard W. Hunter vakataura kuti, Muzvisungo zvetemberi, hwaro hwemhuri yekusingaperi hwakasungwa zvakasimba.”11

Mutungamiri Boyd K. Packer vakaraira kuti: “Taura izwi rekuti temberi. Ritaure chinyararire uye zvine ruremekedzo. Ritaure uchidzokorora kakawanda. Temberi. Temberi. Temberi. Wedzera izwi rinoti Tsvene Temberi Tsvene. Ritaure sekunge rakapereterwa nemavara makuru, zvisinei neapo parinoonekwa mumutsara.

“Temberi. Rimwe reshoko rakaenzana mukukosha kune Mutendi waMazuva Ekupedzisira nderinoti, Pamba. Isa mashoko ekuti temberi tsvene uye pamba pamwechete, unenge watsanangura imba yaIshe!”12

Gore rakapfuura vana vePuraimari vakaungana, zviuru zvavo, kubva panyika pose muimwe neimwe wadhi yavo uye nemumapazi avo, vachiimba kumhuri dzavo uye kunhengo dzewadhi yavo sechikamu chePrimary sacrament meeting presentation. Vakaimba nezvechido, zvivimbiso, uye gadziriro. Zvinhu izvo zvavakaimba zvinotanga mudzimba dzinoyera uye zvinoenderera mberi mutemberi dzinoyera. Ndinofunga munozonzwa chuni yacho mukati memwoyo apo pandichaverenga mashoko ano:

Ndinoda kuona temberi.

Ndichaenda ikoko rimwe zuva

Kunonzwa Mweya Mutsvene,

Kunoteerera nekunamata.

Nekuti temberi imba yaMwari,

Nzvimbo yerudo nerunako.

Ndichazvigadzirira pachangu ndichiri mudiki;

Iri ndiro basa rangu rinoyera.

Ndinoda kuona temberi.

Ndichapinda mukati rimwe zuva.

Ndichabvumirana naBaba vangu;

Ndinovimbisa kuteerera.

Nekuti temberi inzvimbo tsvene

Umo matinosunganidzwa pamwechete.

Semwana waMwari, ndakadzidza chokwadi ichi.

Mhuri ndeyekusingaperi.13

Mutungamiri Boyd K. Packer vakataura kuti, chinangwa chekupedzisira chezvose zvatinodzidzisa ndeche kubatanidza vabereki nevana murutendo muna Ishe Jesu Kristu, kuti vave vanofara pamba, vakasunganidzwa mumuchato wekusingaperi, vakabatanidzwa kuzvizvarwa zvavo, uye vachivimbiswa kusimudzirwa kumusoro-soro pamberi paBaba vedu Vokudenga.”14

Ndinopupura kwamuri kuti kushandisa misimboti iyi kunozokubatsirai kutendeutsira misuo yeimba yenyu kutemberi, kana imba yaIshe, uye zvigokubvumidzai zvakanyanya kuzara kuita kuti imba yenyu inoyera ive imba yaIshe.

Ndinopedzisira nepandatangira, nemashoko emwana asina mhosva ekuti: “Hauna kumborasika kana uchikwanisa kuona temberi.” Uye ndinowedzera uchapupu hwangu hwechimiro chinoyera chedzimba dzedu uye nematemberi aIshe. Ndinoziva kuti Mwari ndiBaba vedu Vokudenga Vane rudo. Ndinopa uchapupu hwaJesu Kristu uye nebasa Rake seMuponesi uye Mununuri uye nerevaporofita vanorarama vane mvumo yekushandisa makiyi ose ehupirisita kubva kuna Joseph Smith kusvika kuna Thomas S. Monson. Ndinodaro muzita rinoyera raJesu Kristu, ameni.

  1. 1 Nifai 8:24.

  2. Ona Nhungamiro Kumagwaro Matsvene, “Temberi, Imba yaIshe,” “Temple, House of the Lord,” in Guide to the Scriptures, at scriptures.lds.org.

  3. Mosaya 2:6

  4. Tsamba yeVatungamiri Vekutanga, Kurume 11, 2003

  5. Ona Thomas S. Monson, “Finding Peace,” Liahona uye Ensign, Kurume. 2004, 5–6.

  6. MuJoAnn Jolley, “A Shining Beacon on a Hill: Jordan River Temple Is Dedicated,” Ensign, Ndira. 1982 77: “Mukutanga kwevhiki, Gosa Thomas S. Monson veChikwata chevaneGumi naVaviri vakataura revo yezvemweya yakadzama yekuvapo chaipo patemberi. Vakarondedzera nyaya yamushakabvu Gosa Matthew Cowley pamusoro pasekuru vakatora muzukurusikana wavo muduku pazuva rekupemberera kuzvarwa kwake kuenda kuno shanya pazvivanze zveTemberi yeSalt Lake. Nemvumo yemuchengeti wezvivanze zvetemberi, vakafamba kuenda kumisuo mikuru yetemberi. Vakamupa pfungwa yekuti aise ruoko rwake pamudhuri wetemberi uye nepamusuo, vachitaura zvinyoronyoro kwaari kuti , ‘Rangarira kuti zuva ranhasi wabata temberi. Rimwe zuva uchapinda nepamusuo uno.’ Chipo chavo chakakosha kumuzukurusikana wavo chaive chekutenda neImba yaIshe. Zvakarewo, vakaraira Gosa Monson, Apo tinobata temberi, temberi inobata mwoyo yedu.’”

  7. Ona. “Temples around the World,” temples.lds.org. Dzvanya pa Chronological.

  8. Bible Dictionary, “Temple,” 781.

  9. D&Z 88:119.

  10. Ona Mateo 6:19–20; 3 Nifai 13:19–20.

  11. Howard W. Hunter, “A Temple-Motivated People,” Liahona, Chivabvu 1995,4; Ensign, Kukadzi. 1995, 2.

  12. Boyd K. Packer, “The Temple, the Priesthood,” Ensign Chivabvu 1993, 20–21.

  13. “I Love to See the Temple,” Children’s Songbook, 95.

  14. Boyd K. Packer, “The Shield of Faith Ensign, Chivabvu 1995, 8.

Dhinda