Makiyi neMvumo zveHupirisita
Makiyi ehupirisita anotungamira madzimai pamwe nevarume, uye zvisungo zvehupirisita nemvumo yehupirisita zvinoshanda kumadzimai pamwe nevarume.
I.
Pamusangano uno taona kusunungurwa kwemamwe mabhuratha akatendeka, uye tatsigira kudanwa kwevamwe. Nekuchinjwa uku kwedaidzo—kunowanikwa kwazvo muChechi—“hatiderere kutora chigaro chepasi” kana tasunungurwa, uye hatikwirire kuchigaro chepamusoro kana tadanwa. Hamuna “daidzo iri pamusoro kana iri pasi” mukushandira Ishe. Munongova chete “nekuenda mberi kana kudzokera kumashure,” uye mutsauko iwoyo unoenderana nemagamuchiriro atinoita uye zvatinoita tasunungurwa padaidzo dzedu. Ndakambotungamira pakasunungurwa kwemutungamiri wesiteki wechidiki uyo akanga ashanda zvakanaka kwemakore mapfumbamwe uye aive zvino ave kufara mukusunungurwa kwake uye nekudanwa kutsva kwavaive vagamuchira iye nemudzimai wake. Vakadaidzwa kuti vave vatungamiri vevana vadiki-diki (venesari) muwadhi mavo. MuChechi muno chete izvi mazvinowonekwa sezvakaenzana mukuremekedzwa!
II.
Achitaura pamusangano wemadzimai, mutungamiri mukuru weChita cheRubatsiro, Linda K. Burton akati, .“Tinovimba kumisa zvakasimba mukati memumwe nemumwe wedu chido chikuru chekunzwisisa zvirinani hupirisita.”1 Kudikanwa ikoko kunotarisirwa kwatiri tose, uye ini ndichatevera vimbo iyoyo nekutaura nezve makiyi uye mvumo yehupirisita. Sezvo misoro yenyaya iyi iine kukosha kwakaenzana kuvarume nekuvakadzi, ndinofara kuti zviitiko izvi zvinotepfenurwa nekushambadzwa kunhengo dzese dzeChechi. Simba reHupirisita rinotikomborera tese. Makiyi ehupirisita anotungamira madzimai pamwe nevarume, uye zvisungo zvehupirisita nemvumo yehupirisita zvinoshanda kumadzimai pamwe nevarume.
III.
Mutungamiri Joseph F. Smith vakatsanangura hupirisita “sesimba raMwari rakapihwa kuvanhu, kuti naro vanhu vagone kushanda pasi pano kuitira ruponeso rwemhuri yevanhu.”2 Vamwe vatungamiri vakatidzidzisa kuti Hupirisiti “ndiro simba guru guru pasi pano. Ndiro simba rakasikiswa pasi naro .”3 Magwaro matsvene anotidzidzisa kuti “Hupirisita humwechetehwo, hwaivepo pakutanga, huchavepowo mukuguma kwenyika ” (Mosesi 6:7). Nokuda kwaizvozvo, hupirisita ndiro simba ratichamutswa kuvakafa naro uye tigoenda kuupenyu husingaperi.
Kunzwisisa kwatinotsvaga kunotanga nekunzwisisa kwezve makiyi ehupirisita. “Makiyi ehupirisita imvumo yakapihwa naMwari [kune vane] hupirisita kuti vatungamire, varaire, uye vatonge kushandiswa kwehupirisita Hwavo pasi pano.”4 Chese chiitiko kana chisungo chinoitwa muChechi chinoitwa pasi pemvumo yeuyo ane makiyi ebasa iroro. Sekutsanangura kwaita Gosa M. Russell Ballard kuti, “Avo vane makiyi ehupirisita … ndivo vanonyatsoita kuti zvikwanisike kune vese vanoshanda zvakatendeka pasi pehutungamiri hwavo kuti vashandise mvumo yehupirisita uye vawane simba rehupirisita.”5
Mukutongwa kwemashandisirwo emvumo yehupirisita, basa remakiyi ehupirisita rinobvumira zvese nekuganhura. Rinobvumira kuburikidza nekuita kuti zvikwanisike kuti mvumo nemakomborero zvehupirisita zviwanikwe kune vese vana vaMwari. Rinoganhura nekuraira kuti ndiani anopihwa mvumo yehupirisita, ndiani anove nezvigaro muhupirisita, uye kuti kodzero dzahwo nemasimba ahwo zvinozogadzwa sei. Semuenzaniso, munhu ane hupirisita haakwanise kugadza chigaro chake kana mvumo kune mumwe kunze kwekunge abvumidzwa neuyo ane makiyi acho. Pasina mvumo iyoyo, kugadzwa ikoko kunenge kusingashande. Izvi zvinotsanangura chikonzero chekuti sei munhu ane hupirisita—zvisinei nechinzvimbo chehupirisita chaainacho—asingakwanise kugadza nhengo yemhuri yake kana kupa sakaramendi mumba make pasina mvumo kubva kune uyo ane makiyi acho akakodzera.
Kunze kwebasa rinoyera rinoitwa nemasisita mutemberi pasi pemakiyi ane mutungamiriri wetemberi, ayo andichatsanangura pashure peizvi, munhu ane chigaro chehupirisita chete ndiye anogona kutungamira muchisungo chehupirisita. Uye zvisungo zvese zvehupirisita zvakabvumidzwa zvinonyorwa parendedzero dzeChechi.
Pakupedzisira, makiyi ese ehupirisita ana Ishe Jesu Kristu, avo hupirisita uhwu huri hwavo. Ndivo vanosarudza kuti makiyi api anopihwa kune vanhu uye kuti makiyi iwayo achashandiswa sei. Tinowanzo funga kuti makiyi ese ehupirisita akagadzwa panaJoseph Smith muTemberi yeKirtland, asi chinyorwa chitsvene chinotaura kuti izvo zvese zvakagadzwa ipapo “aive makiyi emukuwo uno (D&Z 110:16). Pamusangano mukuru makore mazhinji akapfuura, Mutungamiri Spencer W. Kimball vakatiyeuchidza kuti kune mamwe makiyi ehupirisita asina kupihwa kuvanhu pasi pano, kusanganisira makiyi ekusika neekumuka kuvakafa.6
Rudzi rwehumwari rwemiganhu yakaiswa pakushandiswa kwemakiyi ehupirisita hunotsanangura musiyano wakakosha pakati pesarudzo dzepamusoro penyaya dzekutungamirirwa kweChechi nesarudzo dziri maererano nehupirisita. Hutungamiri hweKutanga neDare reHutungamiri hweKutanga uye Chikwata chevane Gumi neVaviri, vanotungamira Chechi, vanobvumirwa kuita sarudzo dzakawanda dzine chekuita nezvirongwa nenzira dzemaitirwo ezvinhu zveChechi—zvinhu zvakaita sekunovakirwa zvivako zveChechi nemazera ehushandiri hwehushumiri. Asi kunyangwe zvazvo vatungamiri ava vaine uye vachishandisa ese emakiyi akapihwa kune varume mumukuwo uno, havana kusununguka kushandura maitiro akaziviswa naMwari ekuti varume chete ndivo vachave nezvigaro muhupirisita.
IV.
Ndavakuzotaura zvino pamusoro penyaya yemvumo yehupirisita. Ndinotanga nemisimboti mitatu ichangobva kukurukurwa: (1) hupirisiti isimba raMwari rakapihwa kuvanhu kuti vashandise kuitira ruponeso rwemhuri yevanhu, (2) mvumo yehupirisita inotongwa nevane hupirisita avo vane makiyi ehupirisita, uye (3) sezvo magwaro matsvene achitaura kuti “dzimwe mvumo dzese [uye] nezvigaro muchechi zvibatanidzwa muhupirisita uhu [hwaMerikizedheki]” (D&Z 107:5), zvese zvinoitwa pasi pehutungamiri hwemakiyi iwayo ehupirisita zvinoitwa nemvumo yehupirisita.
Izvi zvinoshanda sei kumadzimai? Munhaurwa kuChita cheRubatsiro, Mutungamiri Joseph Fielding Smith, pavaive Mutungamiri weChikwata cheVaapositora vaneGumi neVaviri, vakataura izvi: “Kunyange masisita asina kupihwa Hupirisita, hahuna kugadzwa pavari, hazvireve kuti Ishe havana kuvapa mvumo. … Munhu anogona kunge aine mvumo yakapihwa kwaari, kana sisita kwaari, kuti aite zvimwe zvinhu muChechi izvo zvinosungira uye zvinodikanwa zvikuru kuruponeso rwedu, sezvakaita basa rinoitwa nemasisita edu muImba yaIshe. Vane mvumo yakapihwa kwavari yekuti vaite zvimwe zvinhu zvikuru uye zvinoshamisa, zvinoyera kuna Ishe, uye zvinesungiro yakasimba sezvinoita makomborero anopiwa nevarume vane Hupirisita.”7
Munhaurwa iyoyo yakakosha, Mutungamiri Smith vakadzokorora kuti madzimai akapihwa mvumo. Kumadzimai vakati, “Munogona kutaura nemvumo, nekuti Ishe vakaisa mvumo pamusoro penyu.” Vakataurawo kuti Chita cheRubatsiro “[chaka]pihwa simba nemvumo yekuita zvinhu zvikurusa zvakawanda. Basa ravanoita rinoitwa nemvumo yehumwari”. Uye, hongu, basa reChechi rinoitwa nemadzimai kana nevarume, mungave mutemberi kana mumawadhi kana mumapazi, rinoitwa pasi pehutungamiri hweavo vane makiyi ehupirisita. Naizvozvo, vachitaura nezve Chita cheRubatsiro, Mutungamiri Smith vakatsanangura kuti, “[Ishe] vakapa kwavari sangano rino guru ravaine mvumo yekushandira vari pasi pehutungamiri hwemabhishopu emawadhi … , vachiona nezve mugariro wevanhu vedu zvese zvemweya nezvenyama.”8
Nekudaro, zvinotaurwa zvechokwadi kuti Chita cheRubatsiro hachingova chete chikwata chemadzimai asi chimwe chinhu chavari nhengo machiri—chibatanidzwa kuhupirisita chakamiswa nehumwari.9
Hatiwanzo taura nezvemadzimai sevanhu vane mvumo yehupirisita mudaidzo dzavo dzeChechi, asi ingange iri imwe mvumo ipi? Kana mudzimai—wechidiki kana wechikuru—akatsaurwa kuti aparidze vhangeri semushumiri wenguva yakazara, anopiwa mvumo yehupirisita yekuita basa rehupirisita. Zvimwechetezvo ndezvechokwadi apo mudzimai paanotsaurwa kuti ashande semutungamiri kana semudzidzisi musangano reChechi ari pasi pehutungamiri hweuyo ane makiyi ehupirisita. Ani nani anoshanda muchigaro kana daidzo zvakagamuchirwa kubva kune uyo ane makiyi ehupirisita anoshandisa mvumo yehupirisita mukuita mabasa ake aakapihwa.
Ani nani anoshandisa mvumo yehupirisita vanofanira kukanganwa nezvekodzero dzavo uye vonangisa pfungwa pamabasa avo. Uyu musimboti unodikanwa muruzhinji rwevanhu. Munyori wokuRussia akakurumbira Aleksandr Solzhenitsyn anotapwa achiti, “Ino inguva … yekudzivirira kwete zvakanyanya kodzero dzevanhu sekudzivirira sungiro dzevanhu.10 Vatendi veMazuva Ekupedzisira chokwadi vanoziva kuti kukodzera kusimudzirwa kumusoro-soro haisi nyaya yekumanikidzira kodzero asi inyaya yekuzadzikisa mabasa.
V.
Ishe vakaraira kuti varume chete ndivo vanogadzwa kuzvigaro muhupirisita. Asi, sekusimbisa kwakaita vatungamiriri veChechi vakasiyana siyana, varume havasi “hupirisita.”11 Varume vane hupirisita, nebasa rinoyera rekuhushandisa kuitira kukomborera kwevese vana vaMwari.
Simba guru guru rakapihwa naMwari kuvanakomana Vavo harigone kushandiswa pasina hufambidzani hwemumwe wevanasikana Vavo, nekuti chete kuvanasikana Vavo ndiko kwakapihwa simba naMwari “rekuve musiki wemiviri … kuitira kuti chinangwa chaMwari neChirongwa Chikuru zvigozadzikiswa.12 Ayo ndiwo mashoko eMutungamiri J. Reuben Clark.
Vakaenderera mberi vachiti: “Iri ndiro basa remadzimai edu uye neranamai vedu muChirongwa cheKusingaperi. Ivo havasi vaneHupirisita; havapihwe basa rekuita mishando nezviitwa zveHupirisita; kana kuremedzwa nemabasa ahwo; ivo vavaki uye nevarongi vari pasi pesimba rahwo, uye vagashiri vemakomborero ahwo, vaine tsigiro yemasimba eHupirisita uye vaine basa sekudanwa kwehumwari, rakakosha zvekusingaperi munzvimbo yaro seHupirisita pachahwo.”13
Mumashoko iwayo akafemerwa, Mutungamiri Clark vaitaura nezvemhuri. Sekutaurwa kwazvakaitwa muchiziviso kumhuri, baba vanotungamira mumhuri uye ivo naamai vane mabasa akatsaukana, asi “vanosungirwa kubatsirana sevabatidzani vakaenzana.14 Makore akapfuura chiziviso kumhuri chisati chavapo, Mutungamiri Spencer W. Kimball vakapa tsananguro yakafemerwa iyi vachiti: “Kana tichitaura nezve muchato sehubatidzani, ngatitaurei nezvemuchato sehubatidzani hwakazara chose. Hatidi kuti madzimai edu eLDS vave vabatidzani vasingatore chinhano mukuitwa kwesarudzo kana vabatidzani vasina zvizvinji zvavanobvumirwa kutaura mune iro basa rekusingaperi! Ndapota ivai mutori vechinhano uye mubatidzani azere zvakanyanya.”15
Mumaziso aMwari, mungave muChechi kana mumhuri, madzimai nevarume vakaenzana, vaine mabasa akasiyana.
Ndinovhara nezvimwe zvokwadi pamusoro pemakomborero ehupirisita. Kusiyana kwemakiyi ehupirisita nekugadzwa kwehupirisita, makomborero ehupirisita anowanikwa kumadzimai uye nekuvarume zvakafanana. Chipo cheMweya Mutsvene uye makomborero etemberi zviratidzo zvinozivikanwa kwazvo zvechokwadi ichi.
Munhaurwa yavo inehuchenjeri pamusangano weVhiki reDzidziso dzakasiyana weBYU muzhizha rakapfuura, Gosa M. Russell Ballard vakapa dzidziso idzi:
“Dzidziso yeChechi yedu inoona madzimai sevakaenzana nevarume asi zvakadaro vari vakasiyana nevarume. Mwari havatarise murume kana mukadzi searinani kana akakosha kupfuura mumwe. …
“Apo varume nemadzimai pavanoenda kutemberi, vese vanoropafadzwa nesimba rimwechetero, rinova simba rehupirisita. … Kuwanikwa kwesimba uye makomborero zvehupirisita kuripo kune vese vana vaMwari.”16
Ndinopupura nezve simba uye makomborero ehupirisita hwaMwari, zvinowanikwa zvakaenzana kuvanakomana nevanasikana Vavo. Ndinopupura nezve mvumo yehupirisita, iyo inoshanda muzvigaro nemuzviitiko zvese zveChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira . Ndinopupura nezve basa remakiyi ehupirisita rinotungamirirwa muhumwari, akabatwa uye anoshandiswa mukuzara kwawo nemuporofita uye mutungamiri, Thomas S. Monson. Chekupedzisira uye chakakoshesesa, ndinopupura nezvaIshe neMuponesi wedu, Jesu Kristu, uyo hupirisita uhu hwunova hwake uye watiri varanda vake, muzita raJesu Kristu, ameni.