Sei Muchato, Sei Mhuri
Mhuri yakavakirwa pamuchato wemurume nemudzimai inopa mamiriro akanakisisa ekuti chirongwa chaMwari chibudirire zvikuru.
Pamusoro peGreat West Door reWestminster Abbey inomukurumbira muLondon, England, pakamira zvivezwa zvavaKristu gumi vakaurairwa chitendero vemuzana ramakore rechimakumi maviri. Pakati pavo pana Dietrich Bonhoeffer, nyanzvi huru yezvidzidziso zvebhaibheri akazvarwa muna 1906.1 Bonhoeffer akava mupikisi aitaura zvikuru neudzvinyiriri hwechiNazi uye kubata kwawaiita vaJuda uye vamwe. Akaiswa mutirongo nokuda kwerupikiso rwapachena rwake uye pokupedzisira akazouraiwa mumakamba avatapwi. Bonhoeffer aiva munyori akanyora zvinhu zvakawanda zvikuru, uye zvimwe zvezvinyorwa zvake zvinonyanya kuzivikanwa itsamba idzo majerigadhi aiva nemutsa adzakamubatsira kuburitsa muchivande kubva mutirongo, dzikazoshambadzwa pashure seLetters and Papers from Prison.
Imwe yetsamba idzodzo yaienda kumwanasikana wehanzvadzi yake asati achata. Yaisanganisira maonero akakosha aya: “Muchato unoreva zvakawanda kupfuura kungova rudo pakati penyu. … Murudo rwenyu munoona chete imi vaviri venyu panyika yose, asi mumuchato imi muri chibatanidzo mumutsetse wezvizvarwa, izvo Mwari zvavanokonzera kuuya uye kufa kuitira kubwinya kwavo, uye vovadaidza muumambo hwavo. Murudo rwenyu munoona chete runako rwedenga rwomufaro wenyu pachenyu, asi mumuchato munoiswa pachinzvimbo chebasa kunyika uye kuvanhu. Rudo rwenyu chinhu chomuchivande chenyu pachenyu, asi muchato unoreva zvakawanda kupfuura chinhu chenyu pachenyu—mamiriro, chigaro. Sokuva korona kwauri, uye kwete chete chido chokutonga, icho chinotsanangura hunhu hwamambo, zvakadarowo nemuchato, uye kwete chete rudo pakati penyu, urwo runokubatanidzai pamwechete mumaziso aMwari uye avanhu. … Saka rudo runouya kubva kwamuri, asi muchato unobva kudenga, unobva kuna Mwari.”2
Inzira dzipi idzo muchato pakati pemurume nemudzimai dzaunopfuura nadzo rudo rwavo pakati pavo uye mufaro wavo pachavo kuti uzova “chinzvimbo chebasa kunyika uye kuvanhu”? Munzira ipi yaunouya “kubva kudenga, kubva kuna Mwari”? Kuti tinzwisise, tinofanira kudzokera kumavambo.
Vaporofita vakazarura kuti pakutanga tairarama senjere uye kuti takapuwa chimiro, kana kuti miviri yemweya, naMwari, nokudaro tikava vana vemweya Vavo—vanakomana uye vanasikana vavabereki vokudenga.3 Kwakauya nguva mukuvapo kwemweya uku tisati tazvarwa panyika apo, mukukudziridza chido Chavo chokuti “tikwanise kuva nemukana wekukura kuva saivo pachavo,”4 Baba vedu Vokudenga vakagadzira chirongwa chaiita kuti zvikwanisike. Mumagwaro matsvene chinopuwa mazita akasiyana siyana, kusanganisira “chirongwa choruponeso,”5 “chirongwa chikuru chomufaro,”6 uye “chirongwa chorudzikinuro,”7 Zvinangwa zviviri zvikurusa zvechirongwa chacho zvakatsanangurwa kuna Abrahama mumashoko aya:
“Uye pakamira mumwe pakati pavo akanga akafanana naMwari, uye akati kune avo vakanga vainaye: Tinozoenda pasi, nokuti pane nzvimbo ipapo, uye tinozotora zvinhu izvi, uye tinozogadzira nyika apo pairi [mweya] iyi paingagara;
“Uye tichavayedza ipapo, kuti tione kuti kana vachizoita zvinhu zvose zviri zvipi nezvipi zvazvo Ishe Mwari wavo zvavachavaraira kuti vaite;
“Uye avo vanochengeta mamiriro avo okutanga vachapamhidzirwa; … uye avo vanochengeta mamiriro avo echipiri vachava nokubwinya kunopamhidzirwa pamisoro yavo nariinhi nariinhi.”8
Nokuda kwaBaba vedu Vokudenga, takanga tatova vanhu vomweya. Zvino Vakanga vava kutipa nzira yokuzadzikisa kana kururamisa munhu iyeye. Kuwedzerwa kwemuviri wenyama kwakakosha mukuva nokuzara kwekuvapo uye nokubwinya uko Mwari Pachavo kwavanako. Kana, apo pataiva naMwari munyika yomweya tisati tazvarwa muupenyu hunofa, taizobvuma kutora chinhano muchirongwa Chavo—kana kuti namamwe mashoko “kuchengeta mamiriro [edu] okutanga”—“taizopamhidzirwa” nemuviri wenyama apo pataiuya kuzogara panyika iyo yaVakatisikira.
Kana zvino munzira yezviitiko zvedu zvoupenyu hwunofa hwuno, tikasarudza “kuita zvinhu zvose zvipi nezvipi zvazvo Ishe Mwari [vedu] zvavanozoraira [kwatiri],” tinenge tachengeta “mamiriro echipiri” edu. Izvi zvinoreva kuti kuburikidza nesarudzo dzedu tinozoratidza kuna Mwari (uye kwatiri isu pachedu) kuzvipira kwedu uye kwaniso yedu yokurarama mutemo weseresitiyaro Wavo apo patinenge tirisi pamberi Pavo uye tiri mumuviri wenyama nemasimba awo ose, nehavi dzawo dzose, uye nezvido zvawo zvose. Tinokwanisa here kudzora miviri yedu yenyama kuitira kuti ive mudziyo pane kuti ive tenzi wemweya yedu? Tinokwanisa here kuvimbwa nesu zvose munguva ino uye nokusingaperi nesimba rohumwari, kusanganisira simba rokusika upenyu? Tinozokunda huipi here isu toga pachedu? Avo vanodaro “vanozova nokubwinya kunopamhidzirwa pamisoro yavo nariinhi nariinhi”—chinhu chikurusa chekubwinya ikoko chichiva muviri wenyama wakamuka kuvakafa, usingafi, uye unobwinya.9 Hazvishamisi kuti “takadaidzira nomufaro” pamikana nevimbiso dzakanaka zvikurusa idzi.10
Zvinhu zvisiri pasi pezvina zvinodikanwa kuitira budiriro yechinangwa chohumwari ichi:
Chokutanga chaiva Kusikwa kwenyika senzvimbo yedu yokugara. Rupi zvarwo ruzivo rwenzira yekusikwa, tinoziva kuti hazvina kuitika netsaona asi kuti zvakatungamirirwa naMwari Baba uye zvikazadzikiswa naJesu Kristu—“zvinhu zvose zvakaitwa naye; kunze kwake hakunakuitwa kunyangwe chinhu chimwe chakaitwa.”11
Chechipiri chidikanwi chokuva noupenyu hwunofa. Adama naEva vakamiririra avo vose vakanga vasarudza kutora chinhano muchirongwa chikuru chaBaba chomufaro.12 Kuputsika kwavo kwakamisa zvidikanwi zvaidiwa kuitira kuzvarwa kwedu kwapanyama uye kuitira zviitiko zvoupenyu hunofa uye kudzidza tirisi pamberi paMwari. Kuputsika kwakaunza ruzivo rwezvakanaka nezvakaipa uye simba rakapuwa naMwari rokusarudza.13 Chokupedzisira, Kuputsika kwakaunza rufu rwapanyama rwaidikanwa kuita kuti nguva yedu muupenyu hwunofa ive yechinguva chidiki kuitira kuti tisazorarama nariinhi nariinhi muzvivi zvedu.14
Chechitatu rununuro kubva kuKuputsika. Tinoona basa rorufu muchirongwa chaBaba vedu Vokudenga, asi chirongwa ichocho chinozova chisina basa kana pasina imwe nzira yokukunda rufu pokupedzisira, zvose rwapanyama nerwapamweya. Nokudaro, Mununuri, Mwanakomana waMwari Mumwechete Wakaberekwa, Jesu Kristu, akatambura uye akafa kuitira kudzikinura zvitadzo zvaAdama naEva, nokudaro akapa kumuka kuvakafa uye kusafa kuvanhu vose. Uye sezvo pasina mumwe wedu aizova anoteerera zvakakwana uye nguva dzose kumutemo wevhangeri, Rudzikinuro Rwake rwunotinunurawo kubva kuzvivi zvedu kana tikatendeuka. Nenyasha dzeMuponesi dzerudzikinuro dzichipa ruregerero rwezvivi uye kutsveneswa kwemweya, tinokwanisa kuzvarwa zvakare pamweya uye kuyananiswa kuna Mwari. Rufu rwedu rwapamweya—kuparadzana kwedu kubva kuna Mwari—kunozoguma.15
Chechina, uye chokupedzisira, mamiriro okuzvarwa kwedu kwapanyama uye nokuzozvarwa zvakare pamweya muumambo hwaMwari. Kuti basa Ravo ribudirire “[rokutisimudzira kumusoro-soro] pamwepo navo pachavo,”16 Mwari vakagadza kuti varume namadzimai vanofanira kuchata uye vozvara vana, nokudaro vanosika, mukushandirapamwe naMwari, miviri yenyama iyo yakakosha kuyedzo youpenyu hunofa uye yakakosha mukubwinya kwokusingaperi Navo. Vakagadzawo kuti vabereki vanofanira kumisa mhuri uye kurera vana vavo muchiedza nemuchokwadi,17 vachivatungamirira kutarisiro muna Kristu. Baba vanotiraira kuti:
“Dzidzisai zvinhu izvi makasununguka kuvana venyu, muchiti:
“Kuti … uye sekuzvarwa kwamakaitwa imi munyika nemvura, neropa, uye nemweya, uyo wandakaita, uye saizvozvo guruva rikava mweya mupenyu, kunyangwe zvakadaro imi munofanira kuzvarwa zvakare muumambo hwekudenga, nemvura, neMweya [Mutsvene], uye mugoshanangurwa neropa, kunyangwe ropa rewangu Mumwechete Wakaberekwa; kuti mugotsveneswa kubva muzvivi zvose, uye mugofadzwa namashoko eupenyu hwokusingaperi munyika ino, uye noupenyu hwokusingaperi munyika ichauya, kunyangwe kubwinya kokusafa.”18
Kuziva kuti sei takabva pamberi paBaba vedu Vokudenga uye zvazvinotora kudzokera uye kusimudzirwa kumusoro-soro Navo, zvinobva zvava zvakajeka zvikuru kuti hapana chinoenderana nenguva yedu panyika chinokwanisa kunyanya kukosha kupfuura kuzvarwa panyama uye kuzvarwa zvakare pamweya, zvidikanwi zviri zveupenyu hwokusingaperi. Ichi ndicho, kushandisa mashoko aDietrich Bonhoeffer, “chigaro” chemuchato, “chinzvimbo chebasa … kuvanhu,” icho hurongwa hwohumwari uhwu “hwunobva kudenga, hwunobva kuna Mwari” chahwunacho. “Ndicho chibatanidzo mumutsetse wezvizvarwa” zvose pano uye mushure mapano—hurongwa hwekudenga.
Mhuri yakamisirwa pamuchato wemurume nomudzimai inopa mamiriro akanakisisa echironga chaMwari kuti chibudirire zvikurusa—mamiriro okuzvarwa kwevana, avo vanouya muutsvene uye mukusava nemhosva kubva kuna Mwari, uye mamiriro okudzidziswa nokugadzirirwa kwavanozoda kuitira kuti vave noupenyu hwepanyika ino hunobudirira uye upenyu hwokusingaperi munyika ichauya. Huwandu hwushoma hwemhuri dzakamisirwa pamichato yakadaro hwakakosha zvikuru kuitira kuti vanhu vararame uye nokubudirira. Ndiko kusaka nzanga uye nyika kazhinji dzakakurudzira uye nokudzivirira muchato uye mhuri sehurongwa hwakakosha. Hazvina kumbenge zvakava pamusoro porudo uye norufaro rwavakuru.
Tsananguro yedzidzo dzamagariro avanhu yemuchato uye yemhuri dzinotungamirirwa nemurume nomudzimai vakachata inoshamisa.19 Uye nokudaro “tinoyambira kuti kuparara kwemhuri kunozounza pavanhu, nzanga, uye nyika njodzi huru dzakafanotaurwa navaporofita vechinyakare uye navanhasi.”20 Asi zvatinotaura pamusoro pebasa remuchato uye mhuri hazvina kumisirwa padzidzo dzamagariro avanhu asi pachokwadi chokuti zvisikwa zvaMwari. Ndivo pamavambo vakasika Adama naEva nomufananidzo Wavo, munhurume nomunhukadzi, uye vakavabatanidza semurume nomukadzi kuti vave “nyama imwechete” uye kuti vabereke vawande uye vazadze nyika.21 Munhu woga woga ane mufananidzo wehumwari, asi zviri murubatano rwomuchato rwomunhurume nemunhukadzi semunhu mumwechete kuti tinowana pamwe revo yakanyanyisa kuzara yokuti takaitwa nomufananidzo waMwari—munhukadzi uye nomunhurume. Isu kana mumwe munhu zvake hatikwanisi kushandura chirongwa chehumwari ichi chemuchato. Hachisi chinhu chakagadzirwa navanhu. Muchato wakadaro chokwadi “unobva kudenga, unobva kuna Mwari” uye uriwo chikamu chomufaro sezvakaita Kuputsika uye Rudzinikuro.
Munyika tisati tazvarwa muupenyu hunofa, Rusifa akapandukira Mwari nechirongwa Chavo, uye rupikiso rwake rwunonyanya kukura mukusimba. Anorwa kuti atadzise muchato uye kuumbwa kwemhuri, uye apo michato nemhuri pazvinoumbwa, anoita zvose zvaanokwanisa kuzvikanganisa. Anorwisa zvinhu zvose zvinoera pamusoro pokuva munhurume kana munhukadzi kwavanhu, achizviparadzanisa nesimba kubva munzwisiso yamamiriro emuchato nendudzi dzinotaridzika sedzisingaperi dzepfungwa uye nezviito zvisina hunhu. Anotsvaka kupwisa varume namadzimai kuti kukoshesa muchato uye mhuri kunokwanisa kushayirwa hanya nako kana kusiiwa, kana kuitwa chinhu chisingakoshi kupfuura mabasa, dzimwe budiriro, uye tsvago yokuzadzikisa zvido zvako uye yokuzvitonga kwako pachako. Zvirokwazvo muvengi anofara apo vabereki pavanoregerera kudzidzisa nokurairidza vana vavo kuti vave norutendo muna Kristu uye kuti vazvarwe zvakare pamweya. Mabhuratha namasisita, zvinhu zvakawanda zvakanaka, zvakawanda zvakakosha, asi zvishoma chete ndizvo zvakakoshesesa.
Kuzivisa pachena zvokwadi zvakakoshesesa zviri maererano nemuchato nemhuri hakusi kukanganwa kana kuderedzera kuzvipira uye nokubudirira kweavo vane mamiriro ezvinhu mumhuri dzavo asiri akarurama parizvino. Vamwe venyu vanoshaiswa ropafadzo remuchato nezvikonzero zvinosanganisira kushaikwa kwemikana inokodzera, hungochani, kuremara pamuviri kana papfungwa, kana kungotya kusabudirira uko, kwechinguva chino, kunodzivirira rutendo. Kana kuti mungange makachata, asi muchato iwoyo wakaguma, uye makasiiwa kuti muite zvinhu moga izvo vanhu vaviri pamwechete zvavanotambura kuramba vachiita. Vamwe venyu vakachata havakwanisi kubereka vana zvisinei nezvido zvikurusa uye minamato yokuteterera.
Kunyangwe zvakadaro, munhu wose ane zvipo; munhu wose ane matarenda, munhu wose anokwanisa kutora chinhanho muchirongwa chehumwari chiri kuitika muchizvarwa choga choga. Zvakawanda izvo zvakanaka, zvakawanda izvo zvakakosha—kunyangwe pane dzimwe nguva zvose izvo chete zvakafanira parizvino—zvinokwanisa kubudirirwa pazviri mumamiriro ezvinhu asina kururuma. Vakawanda venyu muri kuita zvose zvamunokwanisa kuita. Uye apo imi munotakura mitoro inoremesesa yeupenyu hunofa huno pamunomira mukudzivirira chirongwa chaMwari chokusimudzira kumusoro-soro vana Vavo, tose tinenge takagadzirira kukutsigirai. Nechivimbo tinopupura kuti Rudzikunuro rwaJesu Kristu rwakafanoona uye, pokupedzisira, runozoripira zvose zvakashayiswa uye zvakarasikirwa kuna avo vose vanotendeukira kwaAri. Hapana akafanotarirwa kugamuchira zvishoma kupinda zvose izvo Baba zvavanazvo zvevana Vavo.
Vamwe amai vechidiki nguva pfupi yapfuura iyo vakanditaurira kunetsekana zvikuru kwavo pamusoro pokuva vasina kwaniso mudaidzo iyi yakakoshesesa kupfuura dzimwe dzose. Ndakanzwa kuti zvinhu zvaivanetsa zvaiva zvidiki uye vaiva vasingafaniri kunetsekana zvachose; vaiva varikukwanisa zvakanaka. Asi ndaiziva kuti vaingoda chete kufadza Mwari uye kukudza ruvimbo Rwavo. Ndakamupa mashoko orusimbiso, uye mumwoyo mangu ndakateterera kuti Mwari, Baba vake Vokudenga, vaizomusimbisa norudo Rwavo uye nouchapupu hwemvumo Yavo apo paanoita basa Ravo.
Uyo ndiwo munamato wangu kwatiri tose nhasi. Mumwe nomumwe wedu ngaawane mvumo mumaziso Avo. Michato nemhuri ngazvibudirire, uye zvisinei nokuti ramagwana redu ndiro rine kuzara kwemaropafadzo aya muupenyu hunofa kana kuti kwete, nyasha dzaIshe ngadziunze mufaro iyezvino uye rutendo muvimbiso dzechokwadi dzichauya. Muzita raJesu Kristu, ameni.