2010–2019
Sei Chechi Ichidikanwa
Gumiguru 2015


Sei Chechi Ichidikanwa

Zvakakodzera kumbomira kuitira kufunga kuti sei Jesu Kristu achisarudza kushandisa chechi, Chechi Yake, kuti iite basa Rake uye basa raBaba Vake.

Nemuhupenyu hwangu hwese, misangano mikuru yeChechi yakanga iri zviitiko zvemweya zvinofadza zvikurusa, uye Chechi pachayo yanga iri nzvimbo yekutambira uchapupu hwaIshe. Ndinoziva kuti kune avo vanozviti vanotenda mune zvechitendero uye mune zvemweya asi vanoramba kutora chinhano muchechi kana kunyangwe kudikanwa kwesangano rakadaro. Tsika yechitendero kwavari ndeye munhu pachezvake. Asi Chechi chisikwa Chake uyo maari zvemweya zvedu mazvakanangiswa—Jesu Kristu. Zvakakodzera kumbomira kuitira kufunga kuti sei Jesu Kristu achisarudza kushandisa chechi, Chechi Yake, Chechi yaJesu Kristu yaVatendi Vamazuva Ekupedzisira, kuti iite basa Rake uye basa raBaba Vake “kuunza kusafa neupenyu hwokusingaperi hwevanhu.”1

Kutanga naAdamu, vhangeri raJesu Kristu raiparidzwa, uye zvisungo zvakakosha zveruponeso, sezvakaita rubhabhatidzo, zvaipuwa kuburikidza nehurongwa hwehupirisita hwemumhuri.2 Apo mapoka evanhu paakakura kusanganisira vamwe vazhinji kunze kwevemhuri imweyo chete, Mwari vakadaidzawo vaporofita, vatumwa, nevadzidzisi. Munguva yaMoses, tinoverenga nezve chirongwa chepamutemo, chinosanganisira magosa, vapirisita, nevatongi. Munhoroondo yeBhuku raMormoni, Aruma akamisa chechi nevapirisita nevadzidzisi.

Zvino, pakati penguva, Jesu akaronga basa Rake nenzira yokuti vhangeri raikwanisa kumiswa panguva imwecheteyo munyika dzakawanda uye pakati pevanhu vakasiyana siyana. Sangano iroro, Chechi yaJesu Kristu, yakavakirwa “pavaapositora nevaporofita, Jesu Kristu pachake ariye ibwe remutsigiro guru.”3 Yaisanganisira zvimwe zvigaro zvakawedzerwa zvakaita sechikwata chemakumi manomwe, magosa, mabhishopi, vapirisita, vadzidzisi, nemadhikoni. Jesu saizvozvo akamisa Chechi kuMadokero kweNyika mushure muKumuka Kuvakafa Kwake.

Mushure mekutsauka nekuparadzika kweChechi yaAkanga aronga aripasi, Ishe akamisazve Chechi yaJesu Kristu zvakare kuburikidza neMuporofita Joseph Smith. Chinangwa chamanyakare chinoramba chiripo: icho chinova, chokuparidza nyaya dzakanaka dzevhangeri raJesu Kristu uye kutungamira zvisungo zveruponeso—nemamwe manzwi, kuunza vanhu kuna Kristu.4 Uye zvino, kuburikidza nekushandisa sangano reChechi yakadzorerwa iyi, vimbiso yerununuro inokwanisika kunyangwe kumweya yevakafa avo muupenyu hwavo hwepanyika vaiziva zvishomanana kana kuti vaisaziva nezve nyasha dzeMuponesi.

Chechi Yake inobudirira sei muzvinangwa zvaIshe? Zvakakosha kuziva kuti chinangwa chikurusa chaMwari ndeche kufambira mberi kwedu. Chido Chavo ndechekuti tifambire mberi “kubva munyasha kuenda munyasha, kusvikira [tatambira] kuzara”5 kwezvose zvaVanokwanisa kupa. Izvi zvinoda zvakawanda kupfuura kungova munhu akanaka kana kungonzwa mweya. Zvinoda rutendo muna Jesu Kristu, rutendeuko, rubhabhatidzo rwemvura nerweMweya, uye kushingirira murutendo kusvikira kumagumo.6 Munhu haakwanisi kubudirira zvakazara pazviri ari oga, saka chikonzero chikurusa Ishe vaine chechi ndeche kumisa boka reVatendi vanozotsigirana “munzira yakamanikana uye yakamanika iyo inotungamirira kuupenyu hwokusingaperi.”7

“Uye [Kristu] wakapa vamwe, kuti vave vaapositora; uye vamwe vaporofita, vamwe vaevhangeri, uye vamwe, vafudzi navadzidzisi;

“… Kuitira basa rokushumira, kuitira kuvaka muviri waKristu:

“Kudzamara isu tose tasvika mukubatana kwerutendo, uye nekweruzivo rweMwanakomana waMwari, kumurume akarurama, kuchiyero chowukuru hwekuzara kwaKristu.”8

Jesu Kristu “anova munyori nomupedzisi wokutenda [kwedu].”9 Kuzvibatanidza kumuviri waKristu—Chechi—chikamu chakakosha chekutora zita Rake patiri.10 Tinoudzwa kuti Chechi yemanyakare “yaigara ichisangana pamwechete, kuti vatsanye nokunamata, nokukurukurirana maererano nezvemagariro akanaka emweya yavo”11 “uye kunzwa shoko raIshe.”12. Izvi ndizvo zvazviriwo muChechi nhasi. Takabatana murutendo, tinodzidzisana uye tinoedza nesimba rose kurarama mwero wepamusoro-soro weudzidzisi, “chiyero chowukuru hwekuzara kwaKristu.” Tinoedza nesimba rose kubatsirana kusvika “pakuziva Mwanakomana waMwari,”13 kusvikira zuva iro apo “havachazodzidzisani mumwe nomumwe nowokwake, … vachiti, Ziva Jehova, nokuti vachandiziva vose, kubva kuvaduku pakati pavo kusvikira kuvakuru pakati pavo, ndizvo zvinotaura Jehova.”14

Muchechi hatisi tinodzidzisa dzidziso tsvene chete, tinowanawo kushanda kwadzo. Semuviri waKristu, nhengo dzeChechi dzinoshumirana muhuchokwadi hwezvezviitiko zveupenyu hwemazuva ose. Tose hatisi takarurama, tinogona kugumbura vamwe uye kugumburwa nevamwe. Kazhinji tinoyedzana nemaitiro edu pachedu akasiyana. Mumuviri waKristu, tinofanira kuita zvinopfuura kungodzidza pamusoro pepfungwa uye mashoko apamusoro-soro uye tooita kuti tive nechiitiko “chatinotora chinhano machiri isu pachedu” apo patinodzidza “kugara pamwechete murudo.”15

Chitendero chino hachisi choundingoveni chete; panzvimbo yokudaro, tose tinodaidzwa kushandira. Tiri meso, maoko, musoro, tsoka, uye mimwe mitezo yemuviri waKristu, uye kunyangwe “mitezo iyoyo … inotaridzika kusava nesimba, inodikanwa.”16 Tinofanira kuva nedaidzo idzi, uye tinofanira kushandira.

Mumwe wevarume vemuwadhi rangu akakura kwete chete asina tsigiro yevabereki asiwo aine kupikiswa kwaibva kuvabereki nekuda kwekuva kwake muChechi. Akataura izvi mune mumwe musangano wesakaramende: “Baba vangu havakwanisi kunzwisisa kuti sei munhu angaenda kuchechi iye achikwanisa kuenda kunonakidzwa nekuita mutserendende mumazaya echando, asi ini hangu ndinoda chaizvo kuenda kuchechi. MuChechi, tose tiri parwendo rumwecheterwo, uye ndinokurudzirwa murwendo irworwo nevechidiki vakasimba, vana vadiki vakarurama, uye zvandinoona nekudzidza kubva kune vamwe vakuru. Ndinosimbiswa nekubatana kwenhengo uye ndinofadzwa nemufaro wekurarama vhangeri.”

Mawadhi nemapazi eChechi anopa ungano yevhiki roga roga yezororo neruvandudzo, nguva nenzvimbo yokuisa padivi zvinetso nezviitwa zvenyika—Sabata. Izuva “rokuzvifadza muna Jehova,”17 rokuwana kuporeswa kwemweya uko kunouya nesakaramende, uye rokutambira vimbiso inovandudzwa yeMweya Wake kuti uve nesu.18

Rimwe remaropafadzo makurusa ekuva mutezo wemuviri waKristu, kunyangwe zvavo ringangosataridzika seropafadzo munguva iyoyo, ndere kutsiurwa kuzvivi nezvikanganiso. Tinowanzoda kunatsudzira nekuedza kutsanangura zvikanganiso zvedu, uye dzimwe nguva hatitongozivi izvo zvatinofanira kunatsurudza kana manatsudziro atingazviita. Pasina avo vanokwanisa kutitsiura “pakarepo zvakasimba, apo pavanofemerwa neMweya Mutsvene,”19 tingangoshayiwa ushingi hwekushanduka uye nokuzotevera Tenzi zvakanyanya kururama. Rutendeuko chinhu chemunhu pachake, asi kuwadzana panzira inorwadza pane dzimwe nguva iyoyo kuri muChechi.20

Muhurukuro iyi yeChechi semuviri waKristu, tinofanira nguva dzose kurangarira zvinhu zviviri. Chokutanga, hatiedzi nesimba redu rose kutendeukira kuChechi asi kuna Kristu nevhangeri Rake, rutendeuko runogoneswa neChechi.21 Bhuku raMormoni rinotaura zvakanakisisa zvaro apo parinoti vanhu “vakatendeukira kuna Ishe, uye vakabatanidzwa muchechi yaKristu.22 Chechipiri, tinofanira kurangarira kuti pokutanga, Chechi yaiva mhuri, uye kunyangwe nhasi semasangano ari pawo oga, mhuri neChechi zvinoshandirana nokusimbisana. Hapana rinotora nzvimbo yerimwe, uye chokwadi Chechi, kunyangwe pakunakisisa kwayo, haikwanisi kutora nzvimbo yevabereki. Chinangwa chekudzidzisa vhangeri neche zvisungo zvehupirisita zvinoitwa neChechi ndechekuti mhuri dzigokodzera upenyu hwekusingaperi.

Kune chikonzero chikuru chechipiri icho Muponesi anoshanda kuburikidza nechechi, Chechi Yake, uye ichi ndeche kubudirira pazvinhu zvinodikanwa izvo zvisingakwanisi kubudirirwa pazviri navanhu pachavo kana nemapoka madiki. Mumwe muenzaniso uri pachena ndewe pakubatsira varombo. Ichokwadi kuti sevanhu pachavo uye semhuri tinotaririra zvidikanwi zvepanyama zvevamwe, “vachipanana zvese panyama nepamweya maererano nezvidikanwi zvavo uye nezvido zvavo.”23 Asi pamwechete muChechi, kwaniso yokutaririra varombo nevanoshaya inowedzera kuitira kuzadzikisa zvidikanwi zvakawanda, uye kuzviriritira uko kunotarisirwa kunoitwa kuti kukwanisike kune vakawanda.24 Pamusoro paizvozvo, Chechi, Zvita Zvorubatsiro zvayo, uye zvikwata zvehupirisita zvayo zvine kwaniso yokupa rubatsiro kuvanhu vakawanda munzvimbo dzakawanda dzinosangana nenjodzi dzekunze kwedenga, hondo, uye kudzvinyirirwa.

Pasina kwaniso yeChechi Yake iripo, rairo yeMuponesi yokutora vhangeri kunyika yose hayaizokwanisa kubudirirwa pairi.25 Hakwaizokwanisa kuva nemakiyi ehuapositora, hurongwa, mari, uye rudo rukuru nokuzvipira kwezvuru nezvuru zvevashumiri izvo zvinodikanwa kuita basa iri. Rangarirai kuti, “iri Vhangeri reUmambo [rinofanira] kuparidzwa munyika mose, kupupura kumarudzi ose, uye zvino kuguma kunozouya.”26

Chechi inokwanisa kuvaka nokufambisa matemberi, dzimba dzaIshe, umo zvisungo nezvibvumirano zvakakoshesesa mazvinoitwa. Joseph Smith akataura kuti vavariro yaMwari mukuunganidza vanhu Vavo munguva ipi zvayo ndeyo “kuvaka kuna Ishe imba umo Mavanokwanisa kuzarura kuvanhu Vavo zvisungo zveimba Yavo uye kubwinya kweumambo Hwavo, uye nokudzidzisa vanhu nzira dzeruponeso; nokuti kune zvimwe zvisungo nemisimboti izvo, apo pazvinodzidziswa nekushandiswa, zvinofanira kuitwa munzvimbo kana muimba vakavakirwa chinangwa ichocho.”27

Kana munhu achitenda kuti nzira dzose dzinotungamirira kudenga kana kuti hakuna zvimwe zvidikanwi zvakakosha zveruponeso, munhu iyeye haazooni kudikanwa kwekuparidza vhangeri kana kwezvisungo nezvibvumirano mukununura vapenyu kana vakafa. Asi tinotaura kwete chete nezve upenyu husingafi asiwo nezve upenyu hwekusingaperi, uye nokuda kwaizvozvo nzira yevhangeri nezvibvumirano zvevhangeri zvakakosha zvikuru. Uye Muponesi anoda chechi kuti iite kuti zviwanikwe kuvana vose vaMwari—zvose vapenyu nevakafa.

Chikonzero chokupedzisira chandinotaura icho Ishe vakamisira Chechi Yavo ndicho chakanyanyisa kukosha—Chechi, mushure mazvose, ndiyo umambo hwaMwari pasi.

Apo Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira payaimiswa munana 1830, Ishe vakati kuna Muporofita Joseph Smith, “Simudzai mwoyo yenyu, uye mufare, nokuti kwamuri umambo, kana kuti nemamwe manzwi, makiyi echechi apihwa.”28 Mumvumo yemakiyi aya, vatungamiri vehupirisita veChechi vanochengetedza ururami hwedzidziso yeMuponesi uye rutendeko rwezvisungo zveruponeso Zvavo.29 Vanobatsira kugadzirira avo vanoda kuzvitambira, vanoyera zvikwanisiro nekukodzera kweavo vanozvitsvaka, uye zvino vanozviita.

Nemakii eumambo, varanda vaIshe vanokwanisa kudoma zvese chokwadi nemanyepo uye zvakare nemvumo vanotaura kuti, “Ndizvo zvinotaura Ishe.” Chinosuwisa ndechekuti, vamwe vanovenga Chechi nokuda kwekuti vanoda kutsanangura chokwadi chavo pachavo, asi muchokwadi iropafadzo rinoshamisa zvikuru kutambira “ruzivo rwezvinhu sezvazviri [chaizvo], uye nezvazvakange zviri, uye sekuzova kwazvichaita”30 kusvika padanho Ishe ravanoda kuzvizarura. Chechi inochengetedza nokushambadza zvakazarurwa zvaMwari—musimboti wemagwaro matsvene.

Apo Danieri paakadudzira chiroto chaMambo weBabironi Nebukadnezari, achizivisa mambo “zvaizovapo mumazuva ekupedzisira,”31 akataura pachena kuti “Mwari wokudenga uchamisa umambo, uhwo hwusingazombofa hwakaparadzwa: uye umambo hwacho hahwuzosiyirwi kune vamwe vanhu, asi hwuchaputsa nokuparadza [humwe] umambo hwose, uye ihwo hwuchamira nokusingaperi.”32 Chechi ndiyo umambo hwemazuva ekupedzisira ihwohwo hwakaporofitwa, hahwusi hwakasikwa nemunhu asi hwakamiswa naMwari vekudenga uye inokungurukira mberi sedombo “rakavezwa mugomo zvisingaitwi nemaoko” kuzadza pasi rose.33

Mugumisiro wayo ndewekumisa Zioni mukugadzirira kudzoka nekutonga kwemakore miriyoni kwaJesu Kristu. Zuva iroro risati rasvika, inenge isiri umambo mumanzwisisiro ezvematongerwe enyika api zvawo—sekutaura kwakaita Muponesi kuti, “Umambo hwangu hahwusi hwenyika ino .”34 Asi, ndiko kunobva mvumo Yake pasi pano, ndiyo mutungamiriri wezvibvumirano zvitsvene Zvake, muchengeti wetemberi Dzake, mudziviriri uye muparidzi wechokwadi Chake, nzvimbo yekuunganira yeIsraeri yakapararira, uye “dziviriro,uye … utiziro kubva kudutu, nekubva kuhasha apo padzichadirwa dzisina kusanganiswa pamusoro penyika yose.”35

Ndinogumisidza nechiteterero nemunamato zveMuporofita:

“Daidzirai kuna Ishe, kuti umambo hwavo huve hunoenda mberi munyika, kuti vagari varimo vazvigashire, kuti vave vakagadzirira kumazuva ari kuuya, umo munove Mwanakomana weMunhu achauya pasi kubva kudenga, akapfekedzwa kupenya kwekubwinya kwake, kuzosangana neumambo hwaMwari hwakadzikwa pano pasi.

“Nokudaro, umambo hwaMwari ngahufambire mberi, kuti umambo hwekudenga huuye, kuti imi Mwari mubwinyiswe kudenga kana nepano pasi, kuti vavengi venyu vakundwe; nokuti rwenyu rukudzo, simba nokubwinya, kusvika riini nariini.”36

Nemuzita raJesu Kristu, ameni.

Dhinda