2012
Kutungamirwa neMuporofita Mupenyu
Kurume 2012


Vechidiki

Kutungamirwa neMuporofita Mupenyu

Pandakanga ndiine nemakore gumi nematanhatu, ndakava nemukana wekupinda musangano mukuru ini pachangu kekutanga. Mhuri yangu yaigara kumadokero kweOregon, USA, uye takafamba nemota kuenda kuUtah kunopinda musangano uye kunosiya hanzvadzi yangu huru kunzvimbo inodzidzisirwa vashumiri.

Ndakaenda kumusangano ndiine chido chekudzidziswa neMweya Mutsvene. Nokudaro, ndakatambira chiratidzo kubva kuMweya icho chandinofunga kuti handaikwanisa kutambira dai ndakanga ndisina kuzvigadzirira.

Munguva yemumwe wemisangano, munhu wese akasimuka kuimba rumbo rwegungano rose, “Guide Us, O Thou Great Jehovah.” Apo pataiimba, ndakava nemanzwiro akasimba ekuti nditarise kwese muNzvimbo yeMusangano. Ndakatarisa ndikashamiswa nesimba rekubatana rezviuru zvevanhu vaivapo apo patakakwidza tose mazwi edu murumbidzo kuna Mwari.

Zvino ndakava nechiitiko apo pandakanzwa saNifai paakaona chiratidzo chemuti weupenyu, nokuti Mweya wakandiudza, “Tarisa” (ona 1 Nifai 11–14). Ndakatarisa Mutungamiri Thomas S. Monson ndikanzwa kuti kubatana kweChechi kuripo nokuti tinotungamirwa nemuporofita mupenyu. Kuburikidza neuchapupu hweMweya Mutsvene, ndinoziva kuti Mutungamiri Monson muporofita wechokwadi wenguva yedu,uye ndinoziva kuti Jesu Kristu anotungamira Chechi ino kuburikidza naye.

Dhinda