2012
Kushandira muTemberi
Nyamavhuvhu 2012


Vechidiki

Kushandira muTemberi

Apo pandakasvika makore gumi nemanomwe, ndakatanga kufunga zvakasimba pamusoro peramangwana rangu, uye ndakanamata kuna Baba Vekudenga pamusoro pekuti ndezvipi zvandaikwanisa kuita kuti ndigadzirire kuenda kuushumiri uye nekutambira Hupirisita hwaMerkizedeki. Ndakanzwa kuti ndaifanira kuenda kutemberi kakawanda nokuti imba yaIshe uye yaizova nzvimbo iyo yandaikwanisa kunzwa kuva padyo padyo naBaba vangu Vekudenga.

Saka ndakamisa chinangwa chekuti ndiite rubhabhatidzo runokwana chiuru chimwechete mukati megore. Ndakanzwa pachokwadi faniro yekumisa chinangwa ichi; ndakatsanya kuti ndizive kana izvi zviriizvo zvandinofanira kuita. Baba vedu Vekudenga vakandipindura, uye ndikatanga kuenda kuTemberi yeTampico kuMexico zuva reMugovera wega wega.

Mushure mekunge ndaita rubhabhatidzo runokwana mazana mashanu, ndakamisa chinangwa chekutsvaga nhoroondo yemhuri pamusoro pemadzitateguru angu, uye ndakafarira kutsvaga ikoku zvakanyanya zvekuti handina kukwanisa kurara nokuti ndakanga ndichitsvaga mazita. Ndakawana mazita makumi mashanu uye zvizvarwa zvisere zvenhoroondo yemhuri yangu; ndakabatsira kuita basa remutemberi ravo vese.

Ndakapedzisira ndaita rubhabhatidzo runodarika chiuru chimwechete nemazana matatu, uye ndakagirajuweta kubva kuseminari, ndikatambira Hupirisita hwaMerkizedeki, uye iyezvino ndiri kushanda semushumiri azere, chinova chaiva chimwe chezvinangwa zvangu zvikurusa muupenyu hwangu.

Dhinda