2012
Daidzo yeMuponesi Kuti Tishandire
Nyamavhuvhu 2012


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Nyamavhuvhu 2012

Daidzo yeMuponesi yeKuti Tishandire

Mufananidzo
NeMutungamiri Thomas S. Monson

Vose vakadzidza masvomhu vanoziva kuti dhinomineta chii. KuVatendi vaMazuva Ekupedzisira, pane komoni dhinomineta inotibatanidza pamwechete. Komoni dhinomineta iyoyo idaidzo yemunhu pachake inotambirwa neumwe neumwe wedu yekuti tizadzise mabasa muumambo hwaMwari pano panyika.

Unemhosva here yekunyunyuta kana daidzo yauya kwauri? Kana kuti unotambira here nerutendo mukana wega wega wekubatsira mabhuratha nemasisita ako, uchiziva kuti Baba vedu Vekudenga vanozokomborera avo vaVanodaidza?

Ndinoda kuvimba kuti hatizorasa chinangwa chaicho chemikana yedu inokosheswa yekushandira. Chinangwa ichocho, vavariro iyoyo yekusingaperi, ndiyo imwecheteyo inotaurwa nezvayo naIshe uye inowanikwa muDombo reMutengo Mukuru: “Nokuti tarisai, iri ndiro basa rangu nekubwinya kwangu—kuunza kusafa neupenyu hwokusingaperi hwevanhu.”1

Ngatigarei tichirangarira kuti nguwo yehunhengo muChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira hayisi nguwo yokudekara asi kuti inguwo yekuita basa. Basa redu, pamusoro pekuzviponesa isu pachedu, nderekutungamira vamwe kuumambo hweseresitiyaro hwaMwari.

Nokufamba munzira yekushandira Mwari tichida, hatizombofa takava mumamiriro ezvinhu aKadhinari Wolsey wemunyaya yemubhuku raShakespeare. Akururwa simba rake mushure mekupedza upenyu hurefu achishandira mambo wake, akachema achidunura kuti:

Dai ndakanga ndashandira Mwari wangu nehafu yesimba

randakashandira naro mambo wangu, Vangadai muupenyu hwangu

Vasina kundisiya pamhene kuvavengi vangu.2

Denga rinoda rudzi rwekushandira rwakadii? “Ishe vanoda mwoyo uye nepfungwa inoda; uye vanoda nevanoteerera vachadya zvakanaka zvenyika yeZioni mumazuva ano ekupedzisira.”3

Ndinodzamisa pfungwa apo pandinofunga mazwi eMutungamiri John Taylor ekuti (1808–87): “Kana mukasakudziridza kudaidzwa kwenyu, Mwari vachakupai mhosva pamusoro peavo vamungadai makaponesa dai makaita basa renyu.”4

Sechiyedza chakajeka chekutsvagisa runako nacho ndihwo upenyu hwaJesu apo paAiparidza pakati pevanhu. “Ini ndiri pakati penyu sounoshumira,”5 Jesu akataura apo paAiunza simba kumitezo yevakaremara, kuona kumaziso emapofu, kunzwa kunzeve dzematsi, uye upenyu kumuviri wevakafa.

Nengano yemuSamaria akanaka, Tenzi akatidzidzisa kuda vavakidzani vedu sezvatinozviita.6 Nemhinduro Yake kumutongi mupfumi wechidiki, Akatidzidzisa kurasa hundingoveni hwedu.7 Nekupa zvokudya kuzviuru zvishanu, Akatidzidzisa kuona zvidikanwi zvavamwe.8 Uye neMharidzo paGomo, Akatidzidzisa kutanga kutsvaga umambo hwaMwari.9

Munyika Itsva, Ishe akamutswa kuvakafa akataura kuti, “Munoziva zvinhu zvamunofanira kuita muchechi yangu; nokuti mabasa amakandiona ndichiita nemiwo munofanira kuaita; nokuti zvose zvamakandiona ndichiita nemiwo munofanira kuita.”10

Tinokomborera vamwe apo patinoshandira mumumvuri “waJesu weNazareta … iye waipote nyika achiita zvakanaka.”11 Mwari ngavatikomborere kuti tiwane rufaro mukushandira Baba vedu vari Kudenga apo patinenge tichishandira vana Vavo panyika.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

“[Ishe] havazotibvumira kuti tikundikane kana tikaita chikamu chedu. Vachatikudziridza kunyange kupfuura matarenda nekwaniso dzedu pachedu. … Chimwe chezviitiko zvakanakisisa chingakwanise kuuya kumunhu” (Ezra Taft Benson, mu Teaching, No Greater Call [1999], 20). Funga kugovera chiitiko apo iwe kana mumwe waunoziva paakanzwa Ishe vachikudziridza matarenda kana kwaniso dzake. Koka mhuri kuti vagovere zvimwe zviitiko zvakanaka zvavo pachavo apo pavakadaira “kudaidzo yeMuponesi yekuti tishandire.”

Dhinda