2012
Manheru Anoteverwa neZuva reKisimusi Akanaka
Zvita 2012


Vechidiki

Manheru Anoteverwa neZuva reKisimusi Akanaka

Apo pandaikura, chimwe chikamu chakanakisisa chegore rega rega chaiva Manheru Anoteverwa neZuva reKisimusi. Mhuri yangu neni taigadzira pitsa, toenda kunoimba nziyo dzeKisimusi, zvino taizoungana kuti tinzwe mashoko echechi pamusoro peKisimusi. Taiimba nziyo dzechechi nemazwi aisanyatsopindirana uye tichiridza zviri pamusoro-soro nziyo dzeKisimusi panezvekuridzisa mumhanzi zvakanga zvakasiyana-siyana. Baba vaigara vachizarira manheru acho neshoko reKisimusi raitisiya tiri mumisodzi yekufara. Upenyu hwakanga husinganakidze kupfuura Manheru Anoteverwa neZuva Kisimusi.

Apo pandakanga ndati kure zvishoma, amai vangu vakatanga kuchengeta muvakidzani wedu mudiki ainzi, Kelly. Kelly aiuya kumba kwedu mazuva ose mushure mekupedza chikoro apo amai vake, Patty, pavainge vachishanda. Kelly ainditeeredza kwese kwese sekambwanana—aineruzha uye ainezvaanoda. Tainzwa kuzorora nguva dzose apo Patty paainge atora mwanasikana wake uye vachisiya pamba pangu nemhuri yangu tava murunyararo.

Mumwe Zvita, ndakakatyamadzwa apo amai pavakakoka Patty naKelly kuti vabatane nesu paManheru Anoteverwa neZuva reKisimusi. Manheru Anoteverwa neZuva reKisimusi Angu. Amai vakanyemwerera vachindivimbisa kuti, “Hazvina chinhu chazvinoshandura.” Asi ndaiziva kuti zvaizoshandura zvinhu. Vaizodya pitsa yedu yose. Kelly aizoseka kuimba kwedu. Ndakatarisira uye ndikatambira kuti aya aizova Manheru Anoteverwa neZuva reKisimusi akaipisisa.

Apo pakasvika manheru aya, Patty naKelly vakava nesu, uye tikataura nekuseka uye tikaimba. Amai vangu vakanga vataura chokwadi. Akanga akanaka chaizvo. Pakati peusiku vakatitenda uye vakaenda vasingadi. Ndakaenda kunorara ndiine mwoyo wakazara nerudo nekutenda. Ndakaona kuti zvipo zvinokosha zvechokwadi zveKisimusi hazvideredzwi apo pazvinogoveranwa. Panzepaizvozvo zvinova zvirinani uye zvinowanda apo patinozvipa kune vamwe.

Dhinda