2013
Ndapota Poresai Mwoyo Wangu
Kurume 2013


Vechidiki

Ndapota Poresai Mwoyo Wangu

Paanivhesari yerufu rwemukoma wangu, ndakafungisisa nezve upenyu hwangu kubvira paakafa. Ndakarangarira kwete chete kurwadziwa kukuru kwandakanzwa asiwo maropafadzo Mwari aVakandipa.

Handina kumbonzwisisa kuti sei vanhu vangati rufu rwemudikanwi runokwanisa kuunza maropafadzo. Handina kukwanisa kunzwisisa kuti ndaigona sei kuva nerufaro nekutenda nechinhu chaindirwadza zvakadzama kudaro. Pakava nemamwe manheru, zvisinei, akashandura manzwisisiro angu zvachose.

Ndakamuka pakati peusiku ndichiremerwa zvikuru pamwoyo zvandakanga ndisati ndamboita. Kurwadziwa uku kwainditadzisa kufema. Ndakawira pasi nemabvi angu ndikawuwura munamato kuna Baba vangu Vokudenga. Upenyu hwangu hwese ndakanga ndadzidziswa pamusoro peRudzikinuro uye simba rokuponesa rinoshamisa raJesu Kristu. Zvino rutendo rwangu rwakanga rwava kuedzwa. Ndaibvuma zvechokwadi here? Ndakakumbira Baba vangu Vokudenga kuti vaporese mwoyo wangu. Kurwadziwa uku kwakanga kwakanyanyisa kuti nditarisane nako ndonga.

Zvino kunzwa kwerunyararo, nyaradzo, nerudo kwakapinda nemumuviri wangu wose. Ndakanzwa sokunge Mwari Vakanga Vandimbundira nemaoko Avo uye Vachindidzivirira kubva kukurwadziwa kukuru kwandainzwa uku. Ndakanga ndichiri kusuwa mukoma wangu, asi ndakanga ndokwanisa kuzvitora nemamwe maonero. Paiva nezvakawanda zvikuru zvokuti ndidzidze kubva kuchiitiko ichi.

Ndinoziva kuti rudo nerunyararoro zvaIshe zviripo. Tinongofanira chete kuzvitora.

Dhinda