2013
Kusimbisa Nhengo Dzisisina Kusimba Muchechi
Kurume 2013


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Kurume 2013

Kusimbisa Nhengo Dzisisina Kusimba Muchechi

Nomunamato dzidza chinyorwa chino uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsirei kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu. Kuwana rumwe ruzivo, enda kuwww.reliefsociety.lds.org.

Rutendo, Mhuri, Rubatsiro

Muporofita wedu, Mutungamiri S. Monson, vakatikurudzira kunanavira kuti tiponese avo vanoda rubatsiro rwedu uye tovasimudzira kunzira yepamusoro uye maitiro arinani. …Ibasa raIshe uye kana tiri pabasa raIshe, … tinekodzero yerubatsiro rwaIshe.”1

Makore mazhinji akapfuura LaVene Call nemufambidzani wake wedzidziso yekushanyirana vakashanyira sisita akanga asisina kusimba muchechi. Vakagogodza pamukova uye vakawana amai wechidiki akapfeka nguwo inopfekwa munhu achienda kunogeza. Aitaridzika sokunge airwara, asi nenguva diki vakaona kuti dambudziko rake rakanga riri redoro. Vadzidzisi vekushanyirana ava vakagara vakataura naamai wechidiki aitambudzika uyu:

Mushure mekunge vabva, vakati, “Mwana waMwari. Ibasa redu rokumubatsira.” Saka vakashanya kakawanda. Nguva yega yega, vaikwanisa kuona nekunzwa shanduko yakanaka. Vakakumbira sisita uyu kuti auye kuzopinda Chita cheRubatsiro. Kunyangwe akanga asingadi, pokupedzisira akatanga kuuya nguva nenguva. Mushure mekukurudzirwa, iye nemurume wake nemwanasikana wake vakaenda kuchechi. Murume wake akanzwa Mweya Mutsvene. Akati, “Ndiri kuzoita zvataurwa nabhishopi kuti ndiite.” Iye zvino vasimba muChechi uye vakasunganidzwa mutemberi.2

Kubva muMagwaro Matsvene

3 Nifai 18:32; Dzidziso and neZvibvumirano 84:106; 138:56

Kubva muNhoroondo Yedu

Kubatsira avo vakatsauka kuti vadzoke kuvhangeri raJesu Kristu kwakagara kuri chikamu chokuva Mutendi weMazuva Ekupedzisira uye chokuva nhengo yeChita cheRubatsiro. Mutungamiri Brigham Young (1801–77) vakati, “Ngativei nemutsa pane mumwe nemumwe wedu… Uye regai avo vanoona vatungamirire vakapofomara kusvikira vava kukwanisa kuzvionera nzira voga.”3

Eliza R. Snow, mutungamiri mukuru wechipiri weChita cheRubatsiro, nokutenda akataura kuedza nesimba kwamasisita muOgden, Utah, USA, pakusimbisana. “Ndinonyatsoziva kuti zvakawanda zvikuru zvinopuwa [maererano nemushando] izvo zvisingambosviki ku [rekodhi] mabhuku,” vakadaro. Asi vachiziva kuti rekodhi rekudenga rebasa remasisita rinochengetwa apo pavanonanavira kuna avo vane mwoyo yatonhora, vakati: “Mutungamiri Joseph Smith vakati chita ichi chakarongerwa kuponesa mweya. … Rimwe bhuku rinochengetwa rerutendo rwenyu, tsitsi dzenyu, mabasa nemashoko enyu akanaka. … Hapana chinorashika.”4

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Thomas S. Monson, “The Sacred Call of Service,” Liahona, Kubvumbi 2005, 55, 56.

  2. Tsamba kuvatungamiri vakuru veChita cheRubatsiro kubva kumwanasikana waLaVene Call.

  3. Brigham Young, muDaughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 107.

  4. Eliza R. Snow, muDaughters in My Kingdom, 83.

Chii Chandingaite?

  1. Ndine ushingi here hwekukumbira sisita asisina kusimba kuti auye kumusangano weChita cheRubatsiro neni?

  2. Masisita andinotaririra anonzwa kugadzikana here pakundibvunza mibvunzo pamusoro pevhangeri?

Dhinda