2013
Kuteerera Kunounza Maropafadzo
Chivabvu 2013


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Chivabvu 2013

Kuteerera Kunounza Maropafadzo

Ruzivo rwechokwadi nemhinduro kumibvunzo yedu mikurusa zvinouya kwatiri patinoteerera kumirairo yaMwari.

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa, ndinotenda zvikuru kuti ndinemi magwanani ano. Ndinokumbira ruvimbo neminamato yenyu apo ndinodavira kumukana wekutaura kwamuri.

Mumakore ese, varume nevakadzi vakatsvaga ruzivo nenzwisiso maererano neupenyu hunofa huno uye nenzvimbo yavo uye nechinangwa chavo mahuri, pamwepo nenzira yokuwana runyararo norufaro. Kutsvaka ikoko kunoitwa nemumwe nemumwe wedu.

Ruzivo nenzwisiso izvi zviripo kuvanhu vose. Zviri muzvokwadi izvo zvinova zvokusingaperi. Mu Dzidziso neZvibvumirano chikamu chokutanga, ndima 39, tinoverenga, “Tarisai, uye onai, Ishe ndiMwari, uye neMweya unopupura, uye uchapupu ndehwe chokwadi, uye chokwadi chinogara nariini nariini.”

Mudetembi Anomukurumbira akanyora:

Kunyangwe zvose zviri mudenga nepasi zvikatsakatika kana kuti zvikaparadzwa,

Chokwadi, uzari hweurarami, chichakunda zvakaipisisa zvingaitika,

Chokusingaperi, chisingashanduki, nariini nariini.1

Vamwe vangabunza kuti, “Chokwadi chakadaro chinowanikwa kupi, uye tingachiziva sei?” Muzvakazarurwa zvakapuwa kuburikidza neMuporofita Joseph Smith kuKirtland, Ohio, muna Chivabvu wa1833, Ishe vakaburitsa pachena:

“Chokwadi ruzivo rwezvinhu sezvazviri, uye nezvazvakange zviri, uye sekuzouya kwazvichaita. …

“Mweya wechokwadi ndewaMwari. …

“Uye hakuna munhu anogashira kuzara kunze kwekunge achichengeta mirairo yavo.

“Uyo anochengeta mirairo ya[Mwari] anogashira chokwadi nechiedza, kudakara abwinyiswa muchokwadi uye ave kuziva zvose zvinhu.”2

Chivimbiso chakanaka zvakadii! “Uyo anochengeta mirairo ya[Mwari] anogashira chokwadi nechiedza, kudakara abwinyiswa muchokwadi uye ave kuziva zvose zvinhu.”

Hazvidikanwi kunewe kana kuneni, munguva ino yatiine ruzivo rwakawanda chaizvo uye yakadzorerwa kuzara kwevhangeri, kuti titsvake chokwadi nenzira isati yamboshandiswa. Baba Vokudenga vanorudo vakaronga nzira yedu uye vakapa nhungamiri isingakundikani— iyo inova kuteerera.Ruzivo rwechokwadi nemhinduro kumibvunzo yedu mikurusa zvinouya kwatiri apo tinoteerera kumirairo yaMwari.

Tinodzidza kuteerera nemuhupenyu hwedu hwese. Tichitanga apo patinenge tiri vana vadiki, avo vane basa rokutirera vanomisa mirairo nemitemo kuitira kugara kwedu zvisina njodzi. Upenyu hunozova nyore kwatiri tose kana dai tikateerera mitemo iyoyo zvakazara. Vazhinji vedu, zvisinei, tinodzidza ungwaru hwekuteerera mushure mekutyora mitemo nokutambura nemibairo yako.

Apo pandaikura, zhizha roga roga kubvira kutanga kwaChikunguru kusvikira kutanga kwaGunyana, mhuri yangu yainogara kuimba yedu yamapango yezororo kuVivian Park muProvo Canyon muUtah.

Mumwe weshamwari dzangu dzepamoyo pamazuva ekuzorora aya munhika umu aiva Danny Larsen, uyo mhuri yake yaivawo neimba yemapango yezororo kuVivian Park. Zuva rega rega iye neni taiswera tichitenderera munzvimbo iyi yaiva nezvinhu zvakawanda zvinonakidza zvokuitwa nevakomana vechidiki, kuredza murukova nemurwizi, kunonga matombo nezvimwe zvinhu zvakakosha, kufamba pakareba, kukwira gomo, kana kungonakidzwa neminiti yoga yoga yeawa yoga yoga yezuva roga roga.

Mamwe magwanani Danny neni takafunga kuti taida kuvesa moto wepadare mukuru manheru iwayo neshamwari dzedu dzemunhika dzose. Taifanira chete kubvisa uswa mumunda waiva pedyo mataizokwanisa kuungana tose. Huswa hwaChikumi uhwo hwakanga hwakazara mumunda hwakanga hwaoma uye hwuchibaya, hwuchiita kuti munda uyu usave wakakodzera kuzvinangwa zvedu. Takatanga kudzura huswa hwakanga hwakareba uhwu, tichironga kubvisa nzvimbo huru, tichiita denderedzwa. Takakakata tikagwinha nesimba redu rose, asi zvose zvataikwanisa kudzura zvaingova zvitsama zvidiki zveuswa hwaigozha kudzura uhwu. Takaziva kuti basa iri raizotora zuva rose, uye simba redu nechido chedu zvakange zvoderera.

Zvino ipapo izvo zvandakafunga kuti zvaiva mhinduro yakanakisa zvakauya mupfungwa dzangu dzemakore masere. Ndakati kuna Danny, “Zvatinofanira kuita chete kupisa huswa uhwu nemoto. Tinongopisa denderedzwa muhuswa!” Akabvuma pakarepo, uye ndikamhanya kuimba yedu yamapango kunotora machisi mashoma.

Kuitira kuti musafunga kuti taibvumidzwa kushandisa machisi pazera diki remakore masere, ndinoda kutaura pachena kuti tose Danny neni tairambidzwa zvachose kushandisa machisi pasina munhu mukuru kutibatsira. Tose takanga tayambirwa kakawanda pamusoro penjodzi dzemoto. Zvisinei, ndaiziva paichengeterwa machisi nemhuri yangu, uye taida kubvisa huswa mumunda imomo. Ndisingambofungi kaviri, ndakamhanyira kuimba yedu yemapango ndikatora zvitanda zvemachisi zvishoma, ndichiita chokwadi kuti hapana aindiona. Ndakazviviga nokukurumidza mune imwe yehomwe dzangu.

Ndakamhanya kudzokera kwaiva naDanny, ndichifara zvikuru kuti muhomwe mangu ndaiva nemhinduro kudambudziko redu. Ndinoyeuka ndichifunga kuti moto wacho waizopisa kusvikira kwataida chete zvino neimwe nzira waizozvidzima wega.

Ndakakwenya machisi pabwe uye ndikatungidza huswa hwakanga hwakaoma chaizvo hwaChikumi uhwu. Hwakapfuta sokunge hwakanga hwadirwa parafini. Pokutanga Danny neni takafara zvikuru apo pataiona huswa huchipera kutsva, asi nenguva diki zvakava pachena kuti moto wakanga usiri kuzodzima woga. Takavhunduka apo patakaziva kuti hapana zvataikwanisa kuita kuudzima. Mirazvu yemoto yaityisa yakatanga kupisa huswa hwaikwira nedivi regomo, ichiisa munjodzi miti yemupaini nezvimwe zvose zvaiva munzira yawo.

Pokupedzisira takanga tisisina zvokuita asi kumhanya kunotsvaga rubatsiro. Nenguva diki varume nemadzimai vose vaivapo paVivian Park vakamhanya mhanya nemasaga manyoro, vachirova mirazvu yemoto mukuedza kuidzima. Mushure memaawa mazhinji mazimbe ekupedzisira akanga asara akadzimwa. Miti yemupaini iyo yainge yakura kwemakore akawanda yakanga yadzivirirwa kubva mukutsva, pamwepo nedzimba idzo moto uyu waizopedzisira wasvika kwadziri.

Danny neni takadzidza zvidzidzo zvakawanda zvakaoma asi zvakakosha musi iwoyo —kunyanya chidzidzo chekukosha kwekuteerera.

Kune mitemo nemirau inobatsira kuti tisave nenjodzi dzepanyama. Saizvozvo, Ishe vakapa mitemo nemirairo inobatsira kuti tisave nenjodzi dzepamweya kuitira kuti tigokwanisa kufamba zvinobudirira muurarami huno hunowanzova nenjodzi uye tigogumisira tadzokera kuna Baba vedu Vokudenga.

Mazana emakore akapfuura, Samueri akataura pachena neushingi kuchizvarwa chevanhu vakanga vadzidziswa zvakasimba pamusoro pemupiro wemhuka kuti: “Kuteerera kunokunda zvibairo, nokunzwa kunokunda mafuta amakondobwe.”3

Mumukowo uno, Ishe vakazarura kune Muporofita Joseph Smith kuti Vanoda “mwoyo uye nepfungwa inoda, uye avo vanoda uye vachiteerera vachadya zvakanaka zvenyika yeZioni mumazuva ano ekupedzisira.”4

Vaporofita vose, vakare nevanhasi, vakagara vachiziva kuti kuteerera kunofanirwa zvikuru kuruponeso rwedu. Nifai akataura pachena, “Ndichaenda ndonoita zvinhu izvo Ishe araira.”5 Kunyangwe vamwe vakakundikana muruvimbo rwavo nemukuteerera kwavo, Nifai haana kana kamwechete zvako kumbotadza kuita izvo Ishe zvaVakamuudza kuti aite. Zvizvarwa zvakawanda zvikuru zvakaropafadzwa nekudakwaizvozvo.

Nyaya yaAbrahama naIsaka inyaya yekuteerera inokurudzira zvikuru. Zvinofanira kunge zvaiva zvakaoma chaizvo uye zvichirwadza kuna Abrahama kuteerera kurairo yaMwari, kuti atore Isaka waaida chaizvo kuenda naye munyika yeMoria kunomupira sechibairo. Tinokwanisa here kufungidzira kusuwa kwaAbrahama apo paaifamba kuenda kunzvimbo yakanga yataurwa? Chokwadi kushunguruka kunofanira kunge kwakaita kuti zvose muviri wake nepfungwa dzake zvirwadze zvikurusa apo paaisunga Isaka, nokumuradzika paartari, uye nokutora banga kuti amubaye. Nerutendo rwakasimba nechivimbo chakazara muna Ishe, akadavira kurairo yaIshe. Kudanidzira kwakanakisa zvikuru, uye Abrahama anofanira kunge akafara zvisingatauriki pakwakauya: “Usaisa ruoko rwako kumwana, usamuitira chinhu; nokuti zvino ndinoziva kuti unotya Mwari, zvausina kundinyima mwanakomana wako, iye mwanakomana wako mumwe chete.”6

Abrahama akanga ayedzwa, uye nokuda kwekutendeka nekuteerera kwake Ishe vakamupa chivimbiso chakanakisa ichi: “ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako; zvawakateerera inzwi rangu.”7

Kunyangwe tisingakumbirwi kutaridza kuteerera kwedu nenzira yakakura uye inorwadza pamwoyo kudai, kuteerera kunofanirwa kwatiriwo.

Mutungamiri Joseph F. Smith vakataura pachena muna Gumiguru 1873, “Kuteerera ndiwo mutemo wokutanga wekudenga.”8

Mutungamiri Gordon B. Hinckley vakati, “Rufaro rweVatendi vaMazuva Ekupedzisira, runyararo rweVatendi vaMazuva Ekupedzisira, kufambira mberi kweVatendi vaMazuva Ekupedzisira, kubudirira kweVatendi vaMazuva Ekupedzisira, uye ruponeso rwekusingaperi nekusimudzirwa kwepamusoro-soro kwekusingaperi kwevanhu vano kuri mukufamba mukuteerera kumirairo ya … Mwari.”9

Kuteerera hunhu hunowanikwa muvaporofita vose; kwakavapa simba neruzivo mumakore ose. Zvakakosha kwatiri kuti tizive kuti isu, pamwepo, tinekodzero yenyuko iyi yesimba neruzivo. Inowanikwa zvirinyore kunemumwe nemumwe wedu nhasi apo patinoteerera kumirairo yaMwari.

Nemumakore ose apfuura, ndakaziva vanhu vasingaverengeki avo vainge vakatendeka uye vanoteerera. Ndakaropafadzwa nokukurudzirwa navo. Regai ndigoverane nemi rondedzero yevaviri vevanhu ava.

Walter Krause aiva nhengo yakatendeka yeChechi uyo, nemhuri yake, aigara munyika yakazozikanwa seEast Germany mushure meHondo yePanyika yeChipiri (Second World War). Zvisinei nematambudziko aakatarisana nawo nokuda kwekushayikwa kwerusununguko munzvimbo iyi yepanyika panguva iyoyo, Bhuratha Krause aiva murume aida uye aishandira Ishe. Nokutendeka uye nehanya inechido aizadzikisa basa roga roga raipuwa kwaari.

Mumwe wevarume ava, Johann Denndorfer, chizvarwa chekuHungary, akatendeukira kuChechi muGermany uye akabhabhatidzirwa ikoko muna 1911 pazero remakore gumi nemanonwe. Mushure menguva diki abhabhatidzwa akadzokera kuHungary. Mushure meHondo yePanyika yeChipiri, akava semusungwa munyika yake yekuzvarirwa, muguta reDebrecen. Rusununguko rwakanga rwatorwa kubva kuvanhu vemuHungary.

Bhuratha Walter Krause, avo vakanga vasingazive Bhuratha Denndorfer, vakatambira basa rokuti vave mudzidzisi wavo wekumba uye kuvashanyira nguva nenguva. Bhuratha Krause vakachaira runhare kumufambidzani wavo wedzidziso dzekumba uye vakati kwaari, “Tatambira basa rokushanyira Bhuratha Johann Denndorfer. Unokwanisa here kuenda neni vhiki ino kunovaona nokuvapa shoko revhangeri.?” Uye zvino vakawedzera, “Bhuratha Denndorfer vanogara muHungary.”

Mufambidzani wavo uyo akanga avhunduka akabvunza, “Tinosumuka kuendako riini?”

“Magwana,” yakauya mhinduro kubva kuna Bhuratha Krause.

“Tinozodzoka kumba riini?” mufambidzani akabvunza.

Bhuratha Krause vakapindura, “Aa, mushure mevhiki—kanatikadzoka.”

Vafambidzani vaviri ava vedzidziso dzekumba vakaenda kunoshanyira Bhuratha Denndorfer, vachifamba nechitima nebhazi kubva kunzvimbo yekuchamhembe yakaswedera nochokumabvazuva kweGermany kuenda kuDebrecen, Hungary— rwendo rwakanga rwakareba chaizvo. Bhuratha Denndorger vakanga vasina kumbova nevadzidzisi vekumba kubvira hondo isati yatanga. Zvino, pavakaona varanda vaIshe ava, vakabatwa zvikuru nerutendo rwekuti vakanga vauya. Pokutanga vakaramba kukwazisana navo nemaoko. Panokudaro, vakaenda kumupanda wavo wekurara uye vakatora kubva mukadhirowa bhokisi raiva nemari yechegumi yavo iyo yavakanga vachengeta kwemakore akawanda. Vakapa chegumi chavo kuvadzidzisi vavo vekumba uye vakati, “zvino ndazadzikisa chisungo changu chechegumi kuna Ishe. Zvino ndava kunzwa kuti ndakodzera kukwazisa ndichibata maoko evaranda vaIshe!” Bhuratha Krause vakazondiudza pashure kuti vakanga vabatwa pamwoyo zvisingatsananguriki kufunga kuti bhuratha akatendeka uyu, akanga asina kukwanisa kuenda kana kunzwa kubva kuChechi kwemakore akawanda, nekuteerera uye nguva nenguva asingakundikani akanga atora kubva kunezvaaitambira zvishomanana chikamu gumi kubva muzana icho chaaishandisa kubvisa chegumi chake. Akanga aichengeta asingazivi kuti ndirini kana kuti aizokwanisa here kuva nemukana wekuibvisa.

Bhuratha Walter Krause vakashaya makore mapfumbamwe apfuura pazera remakore makumi mapfumbamwe nemana. Vakashanda nekutendeka nekuteerera nemuupenyu hwavo hwose uye vaiva kurudziro kwandiri nokuna avo vose vaivaziva. Apo pavaikumbirwa kuzadzikisa basa, havaimbo bvunza, havaimbogunun’una, uye havaimbowana zvikonzero zvokusariita.

Mabhuratha nemasisita angu, chiyedzo chikuru choupenyu huno kuteerera. “Uye tichavayedza ipapo,” akadaro Ishe, “kuti tione kuti vachaita here zvose zvinhu zviri zvipi Ishe Mwari wavo zvaachavaudza kuti vaite.”10

Muponesi akataura, “Nokuti vose vanoda vachawana maropafadzo mumaoko angu vachateerera mutemo uyu wakamisirwa maropafadzo iwayo, nemirairo yacho iripo sezvayakaiswa yakaita hwaro hwenyika husati hwavepo.”11

Hakuna mumwe muenzaniso uripo wekuteerera wakakura kupinda uyo weMuponesi wedu. NeZvake, Pauro akati :

Kunyangwe aiva Mwanakomana, wakadzidza kuteerera nezvaakatambudzika;

“Uye akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kunavose vanomuteerera.”12

Muponesi akataridza rudo rwechokwadi rwaMwari nokurarama upenyu hwakarurama, nokukudza basa rinoera iro rakanga riri Rake. Haana kumbozvikudziridza pamusoro pavese. Haana kumbotutuma nekuzvikudza. Haana kumbova asina kutendeka. Aizvininipisa nguva dzose. Aiva muchokwadi nguva dzose. Aiteerera nguva dzose.

Kunyangwe Akaedzwa natenzi wekunyengedza uya, kunyangwe dhiyabhori, kunyangwe Akarukutika panyama nokuda kwekutsanya mazuva makumi mana neusiku makumi mana uye akanzwa nzara, asi apo muyipi paakaedza Jesu nemazano aitaridzika seakanaka chaizvo uye aikwezva, Akapa kwatiri muenzaniso mutsvene wekuteerera paakaramba kutsauka kubva pane zvaAiziva kuti ndizvo zvakanaka.13

Paakatarisana nemarwadzo makuru eGetsemani, umo maAkarwadziwa zvikuru zvokuti “ziya rake rakaita samadonwe eropa, akadonhera pasi,”14 Akava muenzaniso wakarurama weMwanakomana anoteerera nokuti, “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri! Asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.”15

Sekuraira kwakaita Muponesi Vaapositora Vake vokutanga, saizvozvo Anoraira iwe neni, “Unditevere iwe,”16 Tinoda here kuteerera?

Ruzivo urwo rwatinotsvaka, mhinduro idzo dzatinoshuvira, uye simba ratinoda nhasi kuti tisangane nezviedzo zvepanyika panonetsa kunzwisisa uye panochinja nguva dzose zvinokwanisa kuva zvedu kana tichinge tichida kuteerera kumirairo yaIshe. Ndinotapa zvakare manzwi aIshe “uyo anochengeta mirairo ya[Mwari] anogashira chokwadi nechiedza, kudakara abwinyiswa muchokwadi uye ave kuziva zvose zvinhu.”17

Munamato wangu wakaninipa wekuti tingaropafadzwa nemituso yakawanda chaizvo iyo yakavimbiswa kune vanoteerera. Nemuzita raJesu Kristu, Ishe neMuponesi wedu, Ameni.

Dhinda