2013
Nyika Inoda Vaparuri (Mapayoniya) Nhasi
Chikunguru 2013


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Chikunguru 2013

Nyika InodaVaparuri Nhasi

Mufananidzo
Mutungamiri Thomas S. Monson

Kune vakawanda, rwendo rwevaparuri rwa 1847 haruna kutangira paNauvoo, Kirtland, Far West, kana kuNew York asi kuti rwakatangira kure kuEngland, Scotland, Scandinavia, kana kuGermany. Vana vadiki vakanga vasingakwanisi kunyatsonzwisisa rutendo rukuru rwakakurudzira vabereki vavo kuti vasiye mhuri, shamwari, magariro akanaka, nedziviriro.

Mwana mudiki aikwanisa kubvunza kuti, “Amai, sei tiri kusiya musha? Tiri kuenda kupi?”

“Huya handei, mudikanwi; tiri kuenda kuZioni, guta raMwari wedu.”

Pakati pedziviriro yemusha nevimbiso yeZioni pakanga pamire matutu emvura anesimba uye anenjodzi egungwa guru reAtlantic. Ndiani angakwanisa kutsanangura kutya kwakabata mwoyo yevanhu panguva yekuyambuka ikoko? Vakurudzirwa nezevezero dzinyerere dzeMweya, vakatsigirwa nerutendo rwakareruka asi rwakasimba zvikuru, vaparuri veVatendi ivavo vakavimba munaMwari uye vakasimuka voenda parwendo rwavo.

Vakazosvika kuNauvoo asi ndokusimuka zvakare votarisana nematambudziko panzira. Matombo epabwiro aitaridza makuva nemunzira yose kubva kuNauvoo kuenda kuSalt Lake City. Uyo ndiwo waiva muripo wakaripwa nevamwe vaparuri. Miviri yavo yakavigwa murunyararo, asi mazita avo anoramba achiyeukwa nokusingaperi.

Madhonza akanga aneta akananaira, mavhiri engoro akatswikidza, varume vakashinga vakashanda nesimba rose vasina zororo, ngoma dzehondo dzakarira, uye makava akawuwura. Asi vaparuri ava vaikurudzirwa nerutendo uye vaimanikidzwa kuramba vachifamba nenguva dzakanga dzakaoma vakaenderera mberi nerwendo rwavo. Kazhinji vaiimba:

Uyai, uyai, imi Vatendi, musatya zviedzo kana basa rinorema;

Asi nerufaro fambirai mberi.

Kunyangwe rwendo urwu ruchitarisika serwakaoma,

Nyasha dzichaita kuti zvinhu zvitaridzike sezvirinani uye sezvakareruka. …

Zvose zvakanaka! Zvose zvakanaka!1

Vaparuri ava vakarangarira mashoko aIshe anoti: “Vanhu vangu vanofanira kuyedzwa muzvinhu zvose kuti vagokwanisa kugashira kubwinya kweZioni.”2

Kufamba kwenguva kunoita kuti tikanganwe uye kunoderedza kutenda kwedu kuna avo vakafamba rwendo rwairwadza urwu, vachisiya kumashure nzira yakatarwa nemisodzi yemakuva asina mazita. Asi ko tingatii pamusoro pezvinetso zvanhasi? Hakuna here nzira dzizere matombo dzinofanira kufambwa, makomo azere nematombo anofanira kukwirwa, makomba akadzika anofanira kuyambukwa, nzira dzinofanira kuparurwa, kana nzizi dzinofanira kuyambukwa? Kana kuti pane kudikanwa chaiko here kwemweya weuparuri uyu kuti utitungamirire kubva kunjodzi idzo dzinoda kutimedza uye wotitungamirira kuZioni yerudziviriro?

Mumakumi emakore kubvira kupera kweHondo yePanyika yeChipiri, mwero yehunhu yakadzikira kakawanda. Huwandu hwemhosva dzinoparwa hunoramba huchikwira; vanhu munyika vavakunyanya kubatana zvisina hunhu. Vazhinji varikutsvaka muupenyu zvinhu zvinokuvadza izvo zvinosimudzira rufaro nekuruderedzazve nenguva diki, vachitsvaka kufara kwenguva iyoyo asi vachirasikirwa nerufaro rwekusingaperi. Naizvozvo tinorasikirwa nerunyararo.

Tinokanganwa makwanisiro akaita maGiriki nemaRoma kurarama zvakanaka chaizvo munyika yakanga yakaipa zvikuru uye magumiro akaita kukunda ikoko—kuti usimbe nekushaya hanya muupenyu neutera zvakapedzisira zvavakurira zvikavaparadza. Pakupedzisira, kupinda kuda kwavaiita rusununguko, vaida dziviriro neupenyu hwakagarika; uye vakarasikirwa nazvose—rugare nedziviriro nerusunguko.

Musateerera kwezvo dzaSatani; asi, mirai zvakasimba kuchokwadi. Zvido zvisina kugutswa zvemweya hazvizadzikiswi nekutsvaka kusingaperi rufaro pakati pekunakirwa kunounzwa nokutora nokuita zvinenjodzi uye zvakaipa. Uyipi hahumbofa hwakatungamirira kuururami. Ruvengo harwumbofa rwakakurudzira rudo. Umbwende hahumbofa hwakapa ushingi. Kusava nechokwadi hakumbofa kwakakurudzira rutendo.

Vamwe vanozviwana zvakaoma kukunda mashoko ekunyomba uye asina kunaka evanhu mapenzi avo vanoseka kuzvibata, kuvimbika, nokuteerera kumirairo yaMwari. Asi nyika yakagara ichitarisa kuteerera kumurau wehunhu sechinhu chisina kukosha. Apo Nowa paakarairwa kuti avake ngarava, vanhu mapenzi vakatarisa kudenga rakanga risina makore uye vakanyomba nokuseka—kusvikira mvura yauya.

Tinofanira here kuramba tichidzokorora kudzidza zvidzidzo zvinomuripo mukuru kudaro? Nguva dzinoshanduka, asi chokwadi chinoramba chiripo. Apo tinotadza kudzidza kubva kuzviitiko zvakare, tine njodzi yekuzvidzokorora nerusuwo, matambudziko, nemarwadzo makuru azvo ose. Hatina here uchenjeri hwekuVateerera Ivo vanoziva mavambo kubva kumagumo—Ishe vedu, avo vakaronga chirongwa cheruponeso—pane kuteerera kunyoka iyo, yaivenga runako rwacho?

Duramanzwi rinotsanangura muparuri se “munhu anoenda mberi kunogadzirira kana kuvhura nzira kuitira kuti vamwe vagotevera.”3 Tingakwanisa here neimwe nzira kuwana ushingi nekusasuduruka pachinangwa, izvo zvaiva hunhu hwevaparuri vechizvarwa chakare? Iwe neni, tinokwanisa here, pachokwadi chaipo, kuva vaparuri?

Ndinoziva tinokwanisa. Chokwadi, madiro anoita nyika vaparuri nhasi makuru!

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. “Come, Come, Ye Saints,” {Hymns, no. 30.

  2. Dzidziso neZvibvumirano 136:31.

  3. Oxford English Dictionary, 2nd ed. (1989), “pioneer.”

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Magwaro matsvene anotsanangura kuti vadzidzisi vemumba vanofanira ku“yambira, nokutsanangura, kukurudzira, nokudzidzisa, uye nokukoka vose kuti vauye kuna Kristu(D&Z 20:59). Funga kutaura yambiro nekukoka kuri mushoko reMutungamiri Monson kuna avo vaunoshanyira. Ungangoda kukurukura navo nzira dzokuziva nokutevera mienzaniso yakarurama, dzokudzivirira kunyengedzwa, uye dzokudzidza kubva kuzvikanganiso zvevamwe. Bvunza avo vaunodzidzisa kuti vangava sei vaparuri nhasi.

Dhinda