2013
Ndingakwanise Kugovera Bhuku raMormoni Here?
Zvita 2013


Vechidiki

Ndingakwanise Kugovera Bhuku raMormoni Here?

Munyori wenyaya anogara muWashington, USA.

Munguva yegore rangu rekutanga kuchikoro chesekondari, mudzidzisi wangu weseminari akakoka kirasi yangu kuti ipe maBhuku aMormoni kushamwari dzisiri nhengo. Kunyange ndakanga ndichinyara zvikuru, ndakagashira kukokwa uku.

Zvakanditorera mazuva maviri kuti ndive neushingi, asi pekupedzisira ndakapa shamwari yangu Britny bhuku racho panguva yekudya kwamasikati uye ndikapupura uchapupu hupfupi. Britny akanditenda nebhuku iri.

Pakupera kwegore iroro rechikoro, Britny akatama, asi takaramba tichitaudzana. Akanditaurira nezvechikoro chake chitsva uye kuti shamwari dzake zhinji dzakanga dziri nhengo dzeChechi, asi hana kumbotaura neni pamusoro pechinhu chipi zvacho chezvemweya.

Izvozvo zvakashanduka ndisati ndasimuka kuenda kuushumiri hwangu. Ndakagashira shoko kubva kuna Britny achiti akanga aine nhau huru dzekundiudza: akanga achizobhabhatidzwa, uye aida kunditenda nekuva shamwari yake uye nekumisa muenzaniso wakanaka.

Mwari vakatora mukomana anonyara anemakore gumi nemashanu aiva asina ruzivo rweushumiri uye vakamutungamirira kuti agovere vhangeri kune mumwe munhu waVaiziva kuti aizorigamuchira. Ndinoziva kuti nekuteerera kuMweya, tose tinokwanisa kuwana vanhu padyo nesu vakamirira kudzidza pamusoro pevhangeri rakadzorerwa. Ndinoziva kuti kana tikabatsira kuunza kuna Ishe kunyange munhu muwechete, “kufara [kwedu] kungave kukuru zvakadii muumambo hwaBaba [vedu]!” (D&Z 18:15).

Dhinda