Vana
Govera Uchapupu Hwako
Unokwanisa kugovera chipo chevhangeri Kisimusi ino nekupa shamwari kana muvakidzani Bhuku raMormoni rakanyorwa uchapupu hwako mukati. Tevera nhano idzi kuti urigadzirire:
-
Pachidimbu chebepa, yera rekitengura ingaita mainjizi 4½ x 6½ (11½ x 16½ cm) uye ita kuti munhu mukuru akubatsire kucheka shepu iyoyo.
-
Isa mufananidzo wako—wekudhirowa kana foto—pamusoro pepeji.
-
Nyora uchapupu hwako pasi pemufananidzo wako.
-
Ita kuti munhu mukuru akubatsire kunamira bepa racho mukati mekavha yeBhuku raMormoni.