Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Kukadzi 2014
Basa Dzvene raJesu Kristu: Mufudzi Akanaka
Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga kuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa upenyu nebasa reMuponesi zvinowedzera sei rutendo rwako maAri nekuropafadza avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda kuwww.reliefsociety.lds.org.
Jesu Kristu, Mufudzi Akanaka, akadzidzisa kuti:
“Ndiyaniko kwamuri unamakwai anezana, kana akarashikirwa nerimwe rawo, ungasasiya makumi mapfumbamwe namapfumbamwe murenje, akatevera rarashika kusvikira ariwana? …
“Ndinoti kwamuri, naizvozvo … mufaro uchava kudenga pamusoro pomutadzi mumwe anotendeuka”(Ruka 15:4, 7).
Apo patinosvika pakunzwisisa kuti Jesu Kristu ndiye Mufudzi Akanaka, chido chedu chinowedzera chekutevera muenzaniso Wake nekushandira avo vanoshaya. Jesu akati: “Ndini mufudzi wakanaka, ndinoziva makwai angu, namakwai angu anondiziva ini. … Ndinorashira makwai angu upenyu hwangu” (Johane 10:14–15). Nokuda kweRudzikinuro rwaKristu, hakuna mumwe wedu achafa akarasika zvekuti hatikwanise kuwana nzira yedu yekuenda kumba (ona Ruka 15).
Mutungamiri Thomas S. Monson vakati, “Redu ibasa rekutaririra makwai. … Mumwe nemumwe wedu ngaatore mukana wekushandira.”1
Kubva muMagwaro Matsvene
Kubva muNhoroondo Yedu
Elizabeth Ann Whitney, uyo akapinda musangano wekutanga weChita cheRubatsiro, achitaura nezverutendeuko rwake muna 1830 akati: “ apo pandakangonzwa Vhangeri paraiparidzwa neMagosa, ndakariziva kuti raiva izwi reMufudzi Akanaka.”2 Elizabeth akatevera izwi reMufudzi Akanaka uye akabhabhatidzwa nekusimbiswa.
Nesuwo tinokwanisa kunzwa izwi reMufudzi Akanaka uye togoverana nevamwe dzidziso Dzake. Mutungamiri Monson vakati, “Tiri maoko aIshe pano panyika, tiine mvumo yekushandira nekusimudza vana Vavo.”3
Sekutsvaga kunoita mufudzi hwai yakarasika, vabereki vangangotsvaga mwana akabva padzidziso dzevhangeri. Mutungamiri James E. Faust (1920–2007), Mutevedzeri weChipiri muHutungamiri hweKutanga, vakati: “Kune vabereki avo vakasuwa vangavakatendeka, vakashinga, uye vaine munamato mukudzidzisa vana vavo vasingateerere, tinoti kwamuri, Mufudzi Akanaka arikuvatarira. Mwari Vanoziva uye Vanonzwisisa rusuwo rwenyu rwakadzama. Tariro iripo.”4
© 2014 neIntellectual Reserve, Inc. Ndiyo chete inekodzero dziripamutemo dzekushandiswa kwechinyorwa chino. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yeMuchirungu: 6/13. Mvumo yedudziro: 6/13. Dudziro yeVisiting Teaching Message, February 2014. Shona. 10862 731