Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Nyamavhuvhu 2014
Basa Dzvene raJesu Kristu: Mesia
Nemunamato dzidza shoko rino uye tsvaga kuziva zvekugovera. Kunzwisisa upenyu nebasa reMuponesi zvinowedzera sei rutendo rwako maAri nekuropafadza avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda kureliefsociety.lds.org.
Zvinyorwa zvitsvene zvinodzidzisa kuti tinokwanisa kugara pamberi paMwari “kuburikidza nekodzero, netsitsi, nenyasha dzaMesia Mutsvene” (2 Nifai 2:8). Mesia izwi “rechiAramaiki nechiHeberu rinoreva ‘akazodzwa.’ …. MuTestamente Itsva Jesu anodaidzwa kuti Kristu, izvo zvinova zvakafanana naMesia muchiGiriki. Zvinoreva kuti Muporofita, Mupirisita, Mambo, uye Mununuri akazodzwa.”1
Gosa Jeffrey R. Holland weChikwata cheVaApositora vane Gumi neVaviri akapupura: “Ndinoziva [Jesu Kristu] Ndiye Mutsvene weIsraeri, Mesia uyo nerimwe zuva achauya zvakare mukubwinya kukuru kwekupedzisira, kuzotonga pasi saIshe wemadzishe uye saMambo wamadzimambo. Ndinoziva kuti hapana rimwe zita rinopiwa pasi pedenga iro murume [kana mukadzi] angaponeswa naro.”2
“[Jesu Kristu] ndiye Muponesi neMununuri wepanyika,” vakadaro Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf, Mutevedzeri weChipiri muHutungamiri Hwekutanga. “Ndiye Mesia akavimbiswa. Akararama upenyu hwakarurama uye akadzikinura zvivi zvedu. Achagara nguva dzose ari parutivi rwedu. Acharwa hondo dzedu. Ndiye tariro yedu; Ndiye ruponeso rwedu; Ndiye nzira.”3
Zvimwe Zvinyorwa Zvitsvene
Kubva muMagwaro Matsvene
Vadzidzi vaKristu vechikadzi vakanga vari zvapupu zvebasa Rake saMesia. Maria Magdarene aiva mudzidzi waJesu Kristu. Ndiye akatanga kuona kuti “ibwe rabviswa pabwiro” pamangwanani eKumuka Kuvakafa kwaKristu. Aka “mira kunze kwebwiro, achichema” mushure mekunge aona kuti mutumbu Wake wakanga usisiri mubwiro.
Zvino “akatendeukira shure, akavona Jesu amire, asi haana kuziva kuti ndiJesu.
“Jesu akati kwaari, Mai, munochemeiko? munotsvaka aniko? Iye, achiti ndiye murimi womunda, akati kwaari; Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndivudzei pamamuisa, ndindomutora.
“Jesu akati kwaari, Maria. Iye akatendeuka, akati kwaari, Raboni; ndokuti, Mudzidzisi,” Maria akaziva kuti Akanga asiri murimi asi Jesu Kristu, Mesia. (See Johane 20:1–17.)
© 2014 neIntellectual Reserve, Inc. Ndiyo chete inekodzero dziripamutemo dzekushandiswa kwechinyorwa chino. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yeMuchirungu: 6/14. Mvumo yedudziro: 6/14. Dudziro yeVisiting Teaching Message, August 2014. Shona. 10868 731