2015
Kutevera Muenzaniso weVaparuri
Chikunguru 2015


Vana

Kutevera Muenzaniso weVaparuri

Mutungamiri Uchtdorf vanogovera nzira shoma idzo vaparuri dzavakataridza rudo rwaBaba Vokudenga. Unokwanisa kutevera muenzaniso wavo. Haano mazano mashoma okuti utange:

Mutsa

Nyora tsamba inetsitsi kana kuti ita chimwe chinhu chakanaka kumunhu akasuwa.

Batsira mumwe wako wemukirasi nebasa rake rekuchikoro rinoitirwa kumba.

Basa

Misa chinangwa Ita chimwe chinhu zuva roga roga mwedzi uno kukubatsira kuti usvike pachinangwa chako.

Batsira vabereki vako kubika kudya kwamanheru.

Tariro

Nyora mudongorodzwa wezvinhu gumi zvinofadza muupenyu hwako.

Nyemwerera kumunhu wese waunoona.

Dhinda