2015
Kuchengeta Rekodhi
Chikunguru 2015


Vechidiki

Kuchengeta Rekodhi

Mutungamiri Uchtdorf vanofananidza zuva redu ranhasi kunguva dzevaparuri. Kunyangwe musina kubira mhiri kwemapani, muri sevaparuri zvinopfuura zvamungangofungira! Munokwanisawo kutaridza mutsa, mushando unesimba, netariro. Uye semaziviro atinoita kuti vaparuri vakaratidza hunhu uhwu nokuda kwemarekodhi avakachengeta zvizvarwa zvako zvinokwanisa kukuziva kuburikidza nejenari rakowo.

Tora maminetsi mashoma kunyora zvishoma pamusoro pako mujenari rako. Unokwanisa kunyora pamusoro pezvinhu zvemweya, sokuwana kwawakaita uchapupu hwako kana makundiro awakaita zviedzo nerubatsiro rwaBaba Vokudenga. Unokwanisawo kubatsira vazukuru vako vezvizvarwa zvechitatu (avo vangangoverenga jenari rako nerimwe zuva!) kuti vazive kuti upenyu hwako hwezuva nezuva hwakanga hwakaita sei. Ndeapi mapurojekiti auri kuita kuchikoro? Mupanda wako wakaita sei? Ndeipi ndangariro yaunonyanya kuda yemhuri yako?

Apo paunotanga kunyora zvishomanana zuva rega rega, hauzongokwanisi chete kuona zvakanyanya kujeka mabatsirirwo aunoitwa naBaba Vokudenga nemuupenyu hwako hwemazuva ose, sezvaVakatungamirira vaparuri, asiwo unezenge uchisiya nhaka yezvizvarwa zvamagwana zvako pachako.

Dhinda