2015
Hunhu hweHumwari hwaJesu Kristu: Akazadzwa neTsitsi neRudo
Gumiguru 2015


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Gumiguru 2015

Hunhu hweHumwari hwaJesu Kristu: Akazadzwa neTsitsi neRudo

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga kuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa hunhu hweumwari hweMuponesi kunozowedzera sei rutendo rwako maAri nekuropafadza avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda kuwww.reliefsociety.lds.org.

Ruvimbo, Mhuri, Rubatsiro

Nhungamiro kuMagwaro Matsvene inodudzira tsitsi se “Rudzi rwerudo rwepamusoro-soro, hunhu hwakanakisisa, rudzi rwerudo rwakasimbisa” (“Rubatsiro”). Ndirwo rudo rutsvene rwaJesu Kristu. Apo patinodzidza nezva Jesu Kristu uye toedza nesimba rose kuva saIye, tinozotanga kunzwa rudo rutsvene Rwake muupenyu hwedu uye tokurudzirwa kuda nokushandira vamwe sezvaAngaita. “Tsitsi kuva nemoyo murefu nemumwe munhu atigumbura.” vakadaro Mutungamiri Thomas S. Monson. “Kukunda chido chokuva unogumburwa zvirinyore. Kutambira utera nezvikanganiso zvidiki. Kutambira vanhu sezvavari chaizvo. Kutarisa zvinopfuura chimiro chokunze chomunhu kuenda kuhunhu uhwo hwusingazodereri kuburikidza nenguva. Kukunda chido chokufunga vanhu sevari muzvikwata nokuda kwezvavari kana zvavainazvo.”1

Mubhuku raMormoni, tinodzidza chokwadi chikuru chokuti “tinonamata kuna Baba nesimba rose romwoyo, kuti [ti]zadzwe norudo urwu, urwo rwaakapa kune avo vose vateveri vechokwadi voMwanakomana wavo, Jesu Kristu; kuti [ti]zova vanakomana [nevanasikana] vaMwari; kuti kana ava kuzviratidza tichazova saiye, nokuti tichamuona sezvaari; kuti tive netariro iyi; kuti tigoitwa vatsvene saiye mutsvene” (Moronai 7:48).

ZvimweZvinyorwaZvitsvene

Johane 13:34–35; 1 Vakorinte13:1–13; 1 Nifai 11:21–23; Eta 12:33–34

Kubva muNhoroondo Yedu

“Mumwe sisita akanga achangofirwa nemurume akatenda nevadzidzisi vekushanyirana avo vakachema naye uye nokumunyaradza. Akanyora: ‘Ndakanga ndichida zvikuru mumwe munhu wandaikwanisa kutarira kwaari kuti ndiwane rubatsiro; munhu aizonditeerera. … Uye vadzidzisi vekushanyirana vangu vakateerera. Vakandinyaradza. Vakachema neni. Uye vakandimbundikira nemaoko avo … Vakandibatsira kubuda mumanzwiro ekurasa moyo nokusuwa kukuru kwemwedzi iyoyo yokutanga yekusurukirwa.’

“Mumwe mudzimai akatsanangura manzwiro aakaita pamusoro pekuva mutambiri werubatsiro rwechokwadi kubva kumudzidzisi wekushanyirana paakati: ‘Ndakaziva kuti ndakanga ndisingori munhu waaishanyira kuitira kuti agova nenhamba yakanaka yekurekodha parekodhi yekudzidzisa kwekushanyirana. Ndaiziva kuti aiva nehanya neni.”2

Samasisita aya, Vatendi Vamazuva Ekupedzisira vakawanda vanokwanisa kupupura nezve chokwadi cheshoko iri rakataurwa naMutungamiri Boyd K. Packer (1924–2015), Mutungamiri weChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri rinoti: “Zvinonyaradza zvikuru kuziva kuti zvisinei nekunoendwa [nemhuri], vanozova nhengo dzemhuri yeChechi. Kubva pazuva ravanosvika, baba vanova nhengo yechikwata chehupirisita uye amai vanova nhengo yeChita Chorubatsiro.”3

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Thomas S. Monson, “Charity Never Faileth,” Liahona, Mbudzi 2010, 124.

  2. Daughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 119-120.

  3. Daughters in My Kingdom, 87.

Funga Izvi

Kristu muenzaniso wedu wakarurama werudo nerubatsiro nenzira ipi?

Dhinda