2017
Chinangwa cheChita cheRubatsiro
Ndira 2017


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Ndira 2017

Chinangwa cheChita cheRubatsiro

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga femero yekuziva izvo zvekugovera.

Rutendo , Mhuri, Rubatsiro

Chinangwa cheChita cheRubatsiro “ndechekugadzirira madzimai kuti vawane makomborero ehupenyu husingaperi,” akadaro Linda K. Burton, Mutungamiri Mukuru weChita cheRubatsiro.1 Kuburikidza nekutenda, mhuri, nerubatsiro ndiko kunoita kuti titore chinhanho muchikamu chedu chinokosha mubasa raMwari.2

Chita cheRubatsiro “ibasa renyama nemweya,” akadaro Carol M. Stephens, Mutevedzeri Wekutanga Muhutungamiri Hukuru hweChita cheRubatsiro. “Izvi ndizvo zvakaitwa nemadzimai munguva yeMuponesi, uye ndizvo zvatinoramba tichiita”.3

Apo patinotarisa kumudzimai weSamaria patsime, uyo akasiya chirongo chake chemvura akamhanyira kundoudza vamwe kuti Jesu akanga ari muporofita.(ona Johane 4:6–42), kana kuna Fibhi uyo aishandira vamwe vanhu hupenyu hwake hwose achifara (ona Varoma 16:1–2 ), tinoona mienzaniso yevadzimai munguva yeMuponesi vakatora chinhano chizere mukuuya kuna Kristu. Ndiyeyu anozarura gwara redu kuupenyu husingaperi (ona Johane 3:16)

Apotinotarisa kuvaparuri vechidzimai muNauvoo, Illinois, avo vakaungana mumba maSarah Kimball mugore ra1842 kuti vaumbe bato ravo pachavo, tinoona chirongwa chaMwari mukumisa Chita cheRubatsiro uye chichitevera misimboti yeHufundisi. Mushure mekunge Eliza R. Snow anyora bumbiro remitemo Muporofita Joseph Smith akariongorora. Akacherechedza kuti Chechi yakanga isina kuumbwa zvizere kusvikira madzimai arongwa kuita chita. Akati iye Ishe agamuchira mupiro wavo asi pakanga pane zvimwe zvirinani. “Ndicharonga madzimai vari pasi pehufundisi, zvichitevedza gwara rehufundisi,”4 akadaro.

“Chita cheRubatsiro raisangove rimwewo boka remadzimai ari kuedza kuita zvakanaka munyika. Raive nemusiyano Raive ‘chinhu chirinani’ nekuti rakaumbwa riripasi pemasimba nemvumo yehufundisi. Kuumbiwa kwaro kwaive danho rakafanira mukubuditsa pachena basa raMwari panyika.”5

Zvimwe Zvinyorwa Zvitsvene neRuzivo

Dziziso neZvibvumirano 25:2–3, 10; 88:73; reliefsociety.lds.org

Zvinyorwa

  1. Linda .K Burton, in Sarah Jane Weaver,“ Relief Society Celebrates Birthday and More March 17,” Church News, Mar. 13, 2015,news.lds.org

  2. Linda K. Burton, in Weaver, “Relief Society Celebrates Birthday.”

  3. Carole M. Stephens, in Weaver, “Relief Society Celebrates Birthday.”

  4. Joseph Smith, mu Daughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 11–12.

  5. Daughters in My Kingdom 16.

Funga Izvi

Chita cheRubatsiro chinobatsira sei madzimai kuzadzisa basa rehumwari raBaba Vokudenga rakanangana navo nekuvatungamirira kuhupenyu husingaperi?