2018
Kuvaka Ukama Hwakakosha
Nyamavhuvhu 2018


Mufananidzo
ministering

Misimboti yeKushumira, Nyamavhuvhu 2018

Kuvaka Ukama Hwakakosha

Kwaniso yedu yokutarisira vamwe inowedzera apo patinenge tine ukama hwakakosha navo.

Kukokwa kwekushumira kuna vamwe mukana wekuvaka ukama hune hanya navo—rudzi rweukama hunozoita kuti zvive nyore kwavari kukumbira kana kutambira rubatsiro rwedu. Apo patinenge taedza nesimba redu rose kuvaka rudzi rweukama rwakadaro, Mwari vanokwanisa kushandura upenyu hwevanhu vese vari muukama hwacho.

“Ndinobvuma zvechokwadi kuti hakuna shanduro yakakosha inoitika kana pasina ukama hwakakosha,” akadaro Sharon Eubank, Mutevedzeri Wekutanga Muhutungamiri Hukuru hweChita cheRubatsiro. Uye kuti mabasa edu ekushandira ave neshanduko muhupenyu hwevamwe, akati, anofanira kunge “akadzikwa muchido chechokwadi chokuporesa nokuteerera nokubatana nokuremekedza.”1

Ukama hwakakosha hahwusi zviito zvakarongwa neunyanzvi. Hunovakwa patsitsi, kuedza kwechokwadi, uye “rudo rusina kunyengedza”D&Z 121:41).2

Nzira Dzokuvaka Nokusimbisa Ukama

“Tinovaka [ukama] munhu mumwechete panguva,” vakadaro Gosa Dieter F. Uchtdorf veChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri.3 Apo patinoedza nesimba rose kuvaka ukama hwakakosha neavo vatinoshumira kwavari, Mweya Mutsvene unokwanisa kutitungamirira. Mazano anotevera akamisirwa pamuenzaniso wakapuwa naGosa Uchtdorf.4

  • Dzidza nezvavo.

    Mutungamiri Ezra Taft Benson (1899–1994) vakadzidzisa kuti, “Haukwanisi kushandira zvakanaka avo vausingazivi zvakanaka.” Vakapa zano rokuziva mazita enhengo yemhuri yega yega uye kuva unoziva zviitiko zvakakosha zvakaita semazuva avakazvarwa, avakaropafadzwa, avakabhabhatidzwa, uye avakachata. Izvi zvinopa mukana wekunyora tsamba kana wekuchaya runhare kukorokotedza nhengo yemhuri pabudiriro yakakosha kana chiito chakakosha chaanenge akunda pachiri.5

  • Pedzai Nguva Muri Pamwechete

    Ukama hunotora nguva kuvaka. Tsvaka mikana yokuramba muchitaurirana. Dzidzo dzinoratidza kuti kuzivisa vanhu kuti une hanya kwakakosha zvikuru kuukama hwakanaka.6 Shanyirana kazhinji neavo vawakadaidzwa kushandira. Taura navo kuchechi. Shandisa dzimwe nzira dzipi zvadzo kutaura navo—sezvakaita emeiri, Facebook, Instagram, Twitter, Skype, kuchaya runhare, kana kutuma kadhi. Gosa Richard G. Scott (1928-2015) veChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri vakataura pamusoro pesimba remitoo irinyore yokuratidza rudo nerutsigiro: “Kazhinji ndaivhura magwaro matsvene angu, … uye ndowana katsamba kerudo, norutsigiro ako [mudzimai wangu] Jeanene kainge aisa pakati pemapeji. … Zvitsamba zvakakosha izvozvo… zvinoramba zviri chinhu chinokoshesesa chenyaradzo nekurudziro.”7

    Uyewo, rangarira kuti ukama hunovakwa nevanhu vaviri pamwechete. Unokwanisa kupa rudo neushamwari, asi ukama hwacho hauzokuri kusara kwekunge rudo neushamwari ihwohwo hwaunenge wapa hwatambirwa uye hwadzorerwa kwauri. Kana munhu wacho achitaridzika seasingadi kuhutambira, usamanikidza ukama hwacho. Mupe nguva yokuona kuedza kwechokwadi kwako, uye kana zvakafanira, kurukura nevatungamiri vako pamusoro pokuti ukama hwakakosha huchiri kuratidzika sechinhu chinokwanisika here kana kuti kwete.

  • Taurirana navo nehanya.

    Kuvaka ukama hwakakosha kunoda kuti tiite zvinhu nemoyo wose kwete kugozviitira zvepamusoro kuitira kuti tigozikwanwa nokuda kwazvo. Kutaurirana kwepamusoro kwakazara nehurukuro dzezvinhu zvidiki nezvenguva dzokuonana, mamiriro ekunze, nezvimwe zvinhu zvisina kukosha, asi hakusanganisiri kukurukura pamwechete nezvemanzwiro enyu, zvitendero, zvinangwa nezvinetso zvenyu izvo zvinova zvinhu zvinodikanwa pakuvaka ukama hwakakosha. Baba Vokudenga vakapa muenzaniso werudzi rwekutaurirana kwakakosha uku pavakataura Manzwiro Avo nezvirongwa Zvavo kuMwanakomana Wavo (ona Johane 5:20) uye kwatiri kuburikidza nevaporofita Vavo (ona Amosi 3:7). Kuburikidza nokutaurirana zviitiko zvezuva nezuva uye nezvinetso zveupenyu sokutungamirirwa kwatinenge tichiitwa neMweya, tinowana ruremekedzo rukuru pakati pedu apo tinoona kuti tine zvinhu zvatinofarira zvakafanana uye kuti takasangana nezviitiko zvakafanana muupenyu hwedu.

    Kuteerera chikamu chakakosha zvikuru chokuzivisa vamwe kuti une hanya.8 Apo paunonyatsoteerera, mukana wako wekubatsira vamwe kuti vauye kuna Kristu unozowedzera apo paunowana nzwisiso neruzivo rwezvidikanwi zvavo uye apo pavanonzwa kudiwa, kunzwisiswa, nokuchengeteka.

  • Remekedza kusiyana kwenyu pamwepo nezvinhu zvamakafanana pazviri.

    “Vamwe … vanotenda kuti Chechi inoda kuti nhengo dzese dzive dzakafanana chaizvo—kuti mumwe nomumwe anofanira kutaridzika, kunzwa, kufunga, uye kuita zvinhu sevamwe vese,” vakadaro Gosa Uchtdorf. “Izvi zvingapikisa unyanzvi hwaMwari, avo vakasika munhu wese akasiyana nehama yake. …

    “Chechi inobudirira zvikuru apo patinoshandisa mukana unopuwa nokusiyana uku uye tokurudzirana kukudziridza nokushandisa zvipo zvedu kuti tisimudzire nokusimbisa vamwe vadzidzi vedu.”9

    Kuda vamwe nenzira Mwari yavanotida kunoda kuti tiedze kuona vamwe nenzira iyo Mwari yavanovaona nayo. Mutungamiri Thomas S. Monson (1927–2018) vakadzidzisa kuti “Tinofanira kukudziridza kwaniso yokuona [vamwe] kwete sezvavari parizvino asi sezvavangazova mune ramagwana.”10 Tinokwanisa kunamatira rubatsiro rwekuona vamwe nenzira Mwari yavanovaona. Apo patinobata vamwe maererano nekwaniso yavo yekukura, vanozokwanisa kuzadzikisa tarisiro idzodzo chaidzo dzatinge tichitarisira kubva kwavari.11

  • Vashandire

    Iva nehanya kuzvidikanwi zveavo vaunoshumira kwavari uye iva une chido chokupa nguva yako nezvipo zvako, kunyangwe muri munguva yekudikanwa kwazvo kana kuti nokuda kwengokuti une hanya. Unokwanisa kuvapo kupa nyaradzo, rutsigiro, uye rubatsiro runodikanwa apo pakunenge kuine dambudziko, urwere, kana mwamwe mamiriro ezvinhu asina kunaka. Asi muukama hwakawandisa tinomirira kuzopa rubatsiro kuzvinhu zvatoitika. Mwari vakatipa kwaniso yekuzvisarudzira kuitira kuti tigokwanisa kuita pane kuitirwa (ona 2 Nifai 2:14). Sokudzidzisa kwakaita muApositora Johane kuti tinoda Mwari nokuda kwekuti Vakatanga kutida (ona 1 Johane 4:19), apo vamwe pavanonzwa rudo rwechokwadi rwedu kuburukidza nezviito zvedu zvokushandira, zvinokwanisa kunyorovesa moyo uye nokuwedzera rudo nechivimbo.12 Izvi zvinokonzera kuwedzera kunoenderera kwezviito zvemutsa izvo zvinokwanisa kuvaka ukama.

Kushumira neNzira Yaiitwa neMuponesi

Jesu Kristu akavaka ukama hwakakosha nevadzidzi Vake (ona Johane 11:5). Aivaziva (ona Johane 1:47-48). Aipedza nguva ainavo (ona Ruka 24:13-31). Hurukuro Dzake navo dzakanga dzisingori dzepamusoro (ona Johane 15:15) Airemekedza kusiyana kwavo (ona Mateo 9:10) uye aiona kwaniso dzavo (ona Johane 17:23). Aishandira munhu wese, kunyangwe zvazvo aiva Ishe wavese, achiti Akanga auya kwete kuti azoshumirwa navo asi kuti azovashumira (ona Marko 10:42-45).

Chii chauchaita kuvaka ukama hwakasimba zvikuru neavo vawakadaidzwa kushandira?

Zvimwe Zvinyorwa

  1. Sharon Eubank, in “Humanitarian Acts Must Be Rooted in Relationship, Sharon Eubank Says,” mormonnewsroom.org

  2. ona “Ministering Principles: Reach Out in Compassion,” Liahona, Chikunguru 2018, 6–9.

  3. Dieter F. Uchtdorf, “You Matter to Him,” Liahona, Mbudzi 2010, 22.

  4. Ona Dieter F. Uchtdorf, “Of Things That Matter Most,” 22.

  5. Ona Ezra Taft Benson, “To the Home Teachers of the Church,”EnsignChivabvu 1987, 50

  6. Ona Charles A. Wilkinson and Lauren H. Grill, “Expressing Affection: A Vocabulary of Loving Messages,” in Making Connections: Readings in Relational Communication, ed. Kathleen M. Galvin, 5th ed. (2011), 164–73.

  7. Richard G. Scott, “The Eternal Blessings of Marriage,” Liahona, Kubvumbi 2011, 96.

  8. Ona “Ministering Principles: Five Things Good Listeners Do,” Liahona,Chikumi 2018, 6–9).

  9. Dieter F. Uchtdorf, “Four Titles,” Liahona, Kubvumbi 2013, 59.

  10. Thomas S. Monson, “See Others as They May Become,” Liahona,Mbudzi 2012, 68.

  11. Ona Terence R. Mitchell and Denise Daniels, “Motivation,” in Handbook of Psychology, vol. 12, ed. Walter C. Borman and others (2003), 229.

  12. Ona Edward J. Lawler, Rebecca Ford, and Michael D. Large, “Unilateral Initiatives as a Conflict Resolution Strategy,” Social Psychology Quarterly, vol. 62, no. 3 (Sept. 1999), 240–56.

Dhinda