Misimboti yeKushumira, Ndira 2020
Kuunganidza Israeri kuburikidza noKushumira
Kushumira mukana wekutevera rairo yemuporofita yekuti tiunganidze Israeri.
Mutungamiri Russell M. Nelson vakatikoka kuti tibatsire kuunganidza Israeri—“chinhu chakakoshesesa chirikuitika panyika nhasi.”1
Kune avo vanoda kuva chikamu chebasa iri rekuunganidza Israeri, kushumira kunogona kuva mukana wakanaka chaizvo. Inzira yakafemerwa yekushandura hupenyu hwevanhu. Kunyange tiri kushumira kunhengo dzisisina kusimba muchechi kana kuvakoka kuti vatibatsire apo patinoshandira avo vasiri nhengo dzeChechi yedu, kushumira kunotipa mikana yekuunganidza Israeri.
Kununura Nhengo Dzirikudzoka
“Nerudo ruriirwo kurudziro, zvishamiso zvinozoitika, uye tinozowana nzira dzokuunza ‘masisita nemabhuratha edu avo vanoshayikwa pakati pedu mukumbundirwa kwavese kwevhangeri raJesu Kristu.” —Jean B. Bingham 2
“Ndainge ndisisina kusimba paunhengo hwangu kwemakore angangosvika matanhatu apo murume wangu neni patakatamira kune dhorobha idzva. Mutungamiri wangu mutsva weChita cheRubatsiro akandishanyira,achibvunza kana aigona kuti atumire umwe sisita kuti azondishanyira. Nekakunetseka, ndakabvuma. Sisita iyeyu akandishanyira mwedzi wega wega, kunyange nekusawirirana kwemuviri wake nemvere dzembwa—nokuti ndaive neimbwa yaida vanhu zvikuru! Kushumira kwake kwakaenderera mberi kwemakore maviri, uye kwakava neshanduro huru kwandiri.
“Kunyange zvazvo kushanya kwake kwainge kungori kwekufambidzana, dzimwe dzenguva aindibvunza mibvunzo yaititungamira kuhurukuro dzezvemweya. Hurukuro dzezvemweya idzi dzaiita kuti ndive nekusagadzikana kushoma,asi dzakandikurudzira kuti ndisarudze zvingave kuenderera mberi muvhangeri kana kuramba ndiri pandaive. Sarudzo iyi yangaisiri nyore, asi ndakasarudza kusangana nevashumiri vechisisita.
“Pazuva randakaenda kunopinda musangano wesakaramende kekutanga mumakore matanhatu,ndakatya kupinda mukati meChechi. Apo pandakapinda mukati meChechi, mushumiri wangu wechisisita aive akandimirira, uye akafamba neni kupinda muimba yekunamatira. Mushure mekupedza, akafamba neni kudzokera kumotokari yangu, achindibvunza kuti angaitei kuti andibatsire zvakanakisa apo pandaikura kuva pedyo neMuponesi.
“Nguva neRudo zvemushumiri wangu wechisisita zvakabatsira kunditungamirira kuva nhengo yakasimba, uye ndinoona kuedza kwake sechimwe chezvipo chikurusa zvati zvambopihwa kwandiri. Ndinotenda zvikuru kuti akanga aripo parutivi rwangu achindibatsira apo pandaidzoka kuve nhengo yakasimba kuChechi yeMuponesi.”
Zita harina kupihwa, British Columbia, Canada
Misimboti yekuFunga
“Akandishanyira mwedzi wega wega”
Ungagone sei kuratidza kuti une hanya neavo vaunoshumira kwavari kukunda zvimwe zvinhu? (ona Dzidziso neZvibvumirano 121:44).
“Mibvunzo”
Kubvunza mibvunzo kwayo kunogona kubatsira kukurudzira kuzviongorora. Rangarira kuti kushumira kwedu kune chinangwa chinopfuurira kungofambidzana.3
“Akandimirira”
Munhu wose anofanirwa kunzwa kugamuchirwa (ona 3 Nifai 18:32).
“Aripo parutivi rwangu achindibatsira apo pandaidzoka kuve nhengo yakasimba”
Rutsigiro rwedu rwunogona kuita mutsauko wakakosha kune avo vakanetseka kudzokera kune Muponesi kuti vaponeswe (ona VaHeberu 12:12–13).
Kushumira uye Kuunganidza
“Munzira dzipi hadzo dzinoratidzika sedzamazuva ose uye dzatinowanzoita, goverana nevamwe chikonzero chekukosha kwakaita Jesu Kristu neChechi Yake kwauri. …
“… Basa rako nderekugovera zviri mumwoyo wako uye nokurarama zvionenderana nezvaunotenda mazviri.” —Gosa Dieter F. Uchtdorf4
Kushumira uye nekugoverana vhangeri zvinhu zvinofambidzana. Hedzino dzimwe nzira dzatinokwanisa kuunza kuna Ishe shamwari dzedu nevavakidzani vedu apo patinenge tichishumira—kana kushumira apo patinenge tichiuya pamwechete neshamwari dzedu nevavakidzani vedu:
-
Shandirai pamwechete. Tsvaga mikana yekukoka shamwari kana vavakidzani kuti vabatane newe mukushumira kuzvidikanwi zvemumwe munhu. Vakumbirei kuti vakubatsirei kugadzirira kudya kwemumwe mai mutsva, kushanyira muvakidzani akwegura, kana kuchenesa imba yemumwe munhu arikurwara.
-
Dzidzisai pamwechete. Funga kukoka shamwari kana muvakidzani asingaende kuChechi kazhinji kuti aronge kuitira chidzidzo chevashumiri mumba mavo kuitira mumwe munhu arikusangana nevashumiri. Kana kuti shamwari yako inogona kukutsigira mukuronga kuita chidzidzo mumba mako kana kuenda newe kuchidzidzo mumba meumwe munhu.
-
Zvipire kupa rubatsiro kune vamwe kana ukaona chidikanwi. Zvipire kuronga chekufambisa kuenda kuchechi. Koka vana kumitambo yevechidiki kana yeVana vaDiki. Ndedzipi dzimwe nzira dzaungagone kushumira nadzo nekuunza vanhu kunaIshe?
-
Shandisa zvishandiso zvakapihwa neChechi. Chechi ine zvishandiso zvakawanda zvenhengo zvainopa kuvabatsira nekugoverana vhangeri. Unogona kuverenga chikamu “cheHushumiri” muGospel Library app uye woenda kuComeUntoChrist.org kuti uwane mazano emaunganidziro aungaita vanhu kunaIshe munzvimbo maugere.
© 2020 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yeMuchirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro ye Ministering Principles, January 2020. Shona. 16984 731