“Joseph Smith neMahwendefa eGoridhe,” Friend, Ndira 2021, 42–44
Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Joseph Smith neMahwendefa eGoridhe
Joseph Smith aiva muporofita. Akabatsira Jesu kudzorera Chechi Yake panyika.
Mufananidzo
Chiratidzo Chekutanga
Joseph akanamata kuti azive kuti ndeipi chechi yaaifanira kupinda. Jesu akati haaifanira kuenda kune chechi ipi zvayo. Hapana yadzo yaive Chechi Yake.
Mufananidzo
Joseph achitora mahwendefa egoridhe
Ngirozi Moronai yakashanyira Joseph. Moronai akataurira Joseph pamusoro pebhuku rakakakoshesa rakanga rakanyorwa pamahwendefa egoridhe. Raiva rakavigwa pachikomo chaiva padyo.
Mufananidzo
kududzira mahwendefa egoridhe
Nerubatsiro rwaBaba Vekudenga, Joseph akadudzira zvinyorwa zvaiva pamahwendefa. Zvinyorwa izvi zvakazova Bhuku raMormoni!
Mufananidzo
mhuri pachechi
Iyezvino tinokwanisa kuverenga Bhuku raMormoni. Uye tinokwanisa kuenda kuChechi yaJesu Kristu!