“Jesu Kristu Akatikumbira kuti Titore Sakaramende,” Liahona (Riahona) Kurume 2021
Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona) Kurume 2021
Jesu Kristu Akatikumbira kuti Titore Sakaramende
Tinoshanangurwa nekuporeswa apo patinoyeuka Muponesi wedu vhiki rega rega.
Asati Afa, Jesu Kristu akadya kudya kwokupedzisira kunonzi Chirairo Chekupedzisira. Pakupera kwekudya uku, Akasuma sakaramende kuvateveri Vake. Akamedura chingwa akachiropafadza. “Izvi itai mukundirangarira,” Akadaro (Ruka 22:19). Zvino Akaropafadza uye akagovera mukombe wewaini.
Chikamu Chekushumira kweVhiki yega yega
Apo Chechi yaJesu Kristu payakadzorerwa panyika, sakaramende yakava chikamu chekushumira kwevhiki yega yega. Munguva yechechi, sakaramende inoropafadzwa uye inogoverwa neavo vane hupirisita. Vanonamata vachishandisa mashoko anobva mumagwaro matsvene (ona Moronai 4; 5). Zvino munhu mumwe nemumwe ari mugungano anodya chingwa nekunwa mvura kuti arangarire Jesu Kristu uye nekuzvipira Kwake kwaakatiitira, nenzira yaAkatikumbira kuti tiite.
Kugadzirira Kutora
Kuti tigadzirire kutora sakaramende, tinofanira kufungisisa pachokwadi nezve upenyu hwedu nesarudzo dzedu. Tinofanira kutendeuka kubva kuzvikanganiso nezvivi zvevhiki yapfuura, kusanganisira kukumbira Mwari ruregerero. Hatifanirwe kuve vakarurama kuti titore sakaramende, asi mwoyo yedu inofanira kuzvininipisa.
Zvinopfuura Kungova Chingwa neMvura
Kutora sakaramende inguva tsvene inoera Minamato yesakaramende inotiyeuchidza kuti apo patinotora chingwa nemvura, tiri kurangarira muviri neropa izvo Jesu Kristu zvaakapa kwatiri. Tinovimbisa kuMutevera uye kurarama upenyu hwechiKristu. Tinovimbisa kuedza kuchengeta mirairo yaMwari. Mukudzorera kwatiri, Mweya Mutsvene unozotinyaradza, kutitungamira, uye nokutiporesa.
Kuvandudza Zvibvumirano
Apo avo vedu vakabhabhatidzwa patinotora sakaramende nemwoyo wakachena, tinovandudza chisungo chatakaita parubhabhatidzo. Izvi zvinosanganisira kugamuchira Mweya Mutsvene uye nekushanangurwa kubva muchivi sekunge tabhabhatidzwa zvakare. Iyi ndiyo tariro netsitsi izvo Jesu zvaanopa kune mumwe nemumwe wedu. Hazvimbovi zvanonoka kuti titendeuke nokuregererwa.
Magwaro Matsvene Anotikudii pamusoro peSakaramende?
Tinofanira kuzviongorora pazvemweya, tichizvitarisa mukati pachokwadi, tisati tatora sakaramende (ona 1 Vakorinte 11:28).
Mushure meKumuka Kuvakafa, Jesu akaratidza vanhu Vake mumaAmerica matorero okuita sakaramende (ona 3 Nifai 18).
Vaporofita vemazuva ano vakatiudza kuti tishandise chingwa nemvura pasakaramende, asi zvatinodya kana kunwa hazvina mhosva zvakanyanya (ona Dzidziso neZvibvumirano 27:2). Dzimwe nguva avo vanotambura pautano kana vakadya chingwa vanofanira kushandisa zvimwe zvinhu zvakada kufanana nechingwa.
© 2021 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Liahona Message, March 2021. Shona. 17464 731