2021
Chii Chinonzi Musoro weHumwari?
Chikumi 2021


“Chii Chinonzi Musoro weHumwari?,” Liahona, Chikumi 2021

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Chikumi 2021

Chii Chinonzi Musoro weHumwari?

Baba Vokudenga, Jesu Kristu, neMweya Mutsvene vanhu vatatu vakasiyana vane chinangwa chimwechete.

Mufananidzo
Chiratidzo Chekutanga

Detail from First Vision, [Mufananidzo kubva paChiratidzo Chekutanga] naJon McNaughton

Mupepeti webepanhau akambobvunza Muporofita Joseph Smith kuti nhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi Vamazuva-Ekupedzisira dzinotendera muchii. Mumhinduro, Muporofita akanyora zvirevo zvechitendero gumi nezvitatu zvatinodaidza kuti Misimboti yeChitendero. Chirevo chekutanga chinoti, “Tinotenda muna Mwari, Baba Vokusingaperi, uye nemuMwanakomana Wavo, Jesu Kristu, uye nemuMweya Mutsvene” (Misimboti yeChitendero 1:1). Vatatu ava vanoita uyo watinoti Musoro weHumwari.

Mwari, Baba Vokusingaperi

Mwari Vane muviri wakamutswa kuvakafa, wenyama nemapfupa. Mwari ndivo Baba vemweya yedu. Vanoda mumwe nemumwe wevana vavo zvakarurama. Mwari vakarurama, vane simba rose, uye vanoziva zvese. Vakarurama, vane ngoni, uye vane tsitsi. Tairarama semweya naMwari tisati tazvarwa. Vakatitumira panyika kuti tidzidze uye tikure. Chishuwo chikurusa chaMwari ndechekuti mumwe nemumwe wevana Vavo adzokere kunogara naVo zvakare mushure mekunge tafa. Mwari vanotidzidzisa kuti tinofanira kutevera Jesu Kristu kuitira kuti tidzokere pamberi paMwari.

Mufananidzo
Jesu Kristu Achiparidza Munyika yeMweya

Christ Preaching in the Spirit World [Jesu Kristu Achiparidza Munyika yeMweya], naRobert T. Barrett

Jesu Kristu

Jesu Kristu anewo muviri wakamutswa kuvakafa wenyama nemapfupa. Ndiye Mwanakomana dangwe raMwari. Apo pataiva tisati tazvarwa, Mwari Vakamusarudza kuti ave Muponesi wedu. Izvi zvinoreva kuti Jesu akauya panyika kuzove muenzaniso kwatiri, kudzidzisa vhangeri Rake, kudzikinura zvivi zvedu, uye kutinunura kubva murufu. Nokuda kwaJesu Kristu, tinokwanisa kuregererwa pazvivi zvedu apo patinotendeuka. Jesu Kristu akatambudzikawo muzvinhu zvizhinji kuitira kuti Agokwanisa kutinzwisisa uye nekutibatsira. Jesu Kristu akafa uye akararama zvakare, achiita kuti zvikwanisike kuti munhu wese ararame zvakare.

Mufananidzo
kuvigwa kwaKristu

Mifananidzo kubva kuGetty Images

Mweya Mutsvene

Mweya Mutsvene ndiwo nhengo imwechete yeMusoro weHumwari isina muviri wenyama. Iye mweya. Mweya Mutsvene unokwanisa kutaura kumweya yedu chaiko. Anopupura kwatiri kuti Mwari variko uye kuti Jesu Kristu ndiye Muponesi wedu. Mweya Mutsvene unoshanda semutumwa waMwari kutipa manzwiro erudo, nhungamiro, kana nyaradzo. Apo patinobhabhatidzwa uye nekusimbiswa, tinogashira chipo cheMweya Mutsvene. Mushure merubhabhatidzo rwedu, Mweya Mutsvene unokwanisa kugara nesu nguva dzose apo patinochengeta mirairo yaMwari.

Mufananidzo
Chiratidzo Chekutanga

First Vision [Chiratidzo Chekutanga], naWalter Rane

Chiratidzo Chekutanga chaJoseph Smith

Nekufamba kwenguva vanhu vanga vakavhiringidzika pamusoro peMusoro weHumwari. Vanhu havabvumirani pamusoro pekuti Mwari, Jesu Kristu, uye neMweya Mutsvene vakaita sei. Ichi ndicho chimwe chikonzero chekuti sei Chiratidzo Chekutanga icho Joseph Smith chaakava nacho chakakosha. Akaona kuti Baba Vokudenga naJesu Kristu vane miviri uye vanhu vaviri vakasiyana.

Mufananidzo
Kuteerera

Listening [Kuteerera], naMichael Jarvis Nelson

Vakasiyana asi Vakabatana

Magwaro matsvene nevaporofita vazvino vanotidzidzisa kuti Mwari, Jesu Kristu, uye neMweya Mutsvene vanhu vakasiyana vane chinangwa chimwechete: kusafa kwedu uye neupenyu hwekusingaperi hwedu. (ona Mosesi 1:39). Senhengo dzechikwata chimwechete, Vanoshanda pamwechete kutibatsira mazuva ese. Tinokwanisa kunzwa tiri pedyo Navo kana tikatendeuka pazvivi zvedu uye nekusarudza zvakanaka.

Magwaro matsvene pamusoro peMusoro weHumwari

Dhinda