2022
Sakaramende: Nzira yeKurangarira Muponesi
Kubvumbi 2022


“Sakaramende: Nzira yeKurangarira Muponesi,” Liahona, Kubvumbi 2022.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Kubvumbi 2022

Sakaramende: Nzira yeKurangarira Muponesi

placeholder altText

The Last Supper [Chirairo Chokupedzisira], naSimon Dewey

Pausiku hwakateverwa nokurovererwa Kwake, Jesu Kristu akasangana nevaApositora Vake paChirairo Chokupedzisira. Ipapo Akavapa sakaramende kekutanga. Akatsanangura kuti yaiva iri nzira yokuti vaMurangarire nayo. Sakaramende ndicho chisungo apo patinotora chingwa nemvura kurangarira Rudzikinuro rwaKristu. Chingwa chinomirira muviri Wake, uye mvura inomirira ropa Rake.

Tinotora sakaramende musi weSvondo woga woga munguva yemusangano wesakaramende. Tinoimba rwiyo apo vane hupirisita pavanenge vachimedura chingwa kuita zvidimbu zvidiki.

Vane hupirisita avo vamedura chingwa vanotaura minamato yakakosha. Minamato iyi inowanikwa muDzidziso neZvibvumirano 20:77, 79. Minamato inotiyeuchidza zvatakavimbisa Baba Vokudenga uye izvo zvaVakativimbisa.

Vamwe vane hupirisita vanogovera sakaramende kunhengo dzewadhi kana dzebazi. Apo patinotora sakaramende, tinorangarira Muponesi nekuzvipira Kwake kwaakaitira isu. Tinotsidzira zvakare kuchengeta zvibvumirano (zvivimbiso) zvatakaita naBaba Vokudenga.

musikana achidya chingwa panguva yemusangano wesakaramende

Tinoita ruremekedzo apo sakaramende painoropafadzwa uye nekugoverwa. Inguva yekuti tifunge pamusoro poupenyu hwaJesu Kristu, uye neRudzikinuro. Tinokwanisawo kufunga pamusoro pokutevera kwatingaita muenzaniso Wake.