2022
Sarudza
Chikumi 2022


“Sarudza,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Zvita 2022.

Shoko reMwedzi Woga Woga, For the Strength of Youth (reRusimbiso rweVechidiki) Chikumi 2022

Sarudza

Joshua akakurudzira vanhu vake kuti vaite sarudzo yakanaka—yokutevera Ishe.

sarudza

Kwaniso yedu yokusarudza uye nokuzviitira zvinhu isu pachedu inonzi kwaniso yokuzvisarudzira. Chikamu chakakosha chechirongwa chaBaba Vokudenga. Chinangwa chimwechete cheupenyu hwuno ndechekuratidza kuti tinozosarudza kuteerera kumirairo yaMwari kuitira kuti tikwanise kunyanya kuva saIvo. Tinozotongwa maererano nesarudzo dzedu. (Ona 2 Nifai 2:27; Dzidziso neZvibvumirano 101:78; Abrahama 3:25.)

nhasi

Joshua akakurudzira vanhu vake kuti vasarudze “nhasi,” kana iyezvino. Tinoita sarudzo dzakakosha kamwechete uye zvino toedza kuramba takazvipira kwadziri. (Ona Pisarema 37:5.)

shandira

Mundima ino, kushandira zvinoreva kunamata, kuyamura, kuteerera, uye kuzvipira iwe pachako kune mumwe munhu. Tinofanira kushandira Ishe (ona Mosesi 1:15).

vamwari

Israeri yakanga yarairwa kushandira chete Mwari vechokwadi uye vanorarama, Jesu Kristu (ona Eksodo 20:2–5). Joshua akapa mienzaniso yavamwe vamwari avo vanhu vake vavasingafaniri kunamata. Vamwe vamwari vari muupenyu hwedu vanokwanisa kusanganisira upfumi, pfungwa dzavamwe, zvimwe zvido—chinhu chipi zvacho chinotitora kubva kuna Ishe.

ini neveimba yangu

Joshua akazvitaurira iye neveimba yake. Akati vaizoshandira Ishe. Aida kutungamira mhuri yake noururami uye kuvadzidzisa kutevera Ishe (ona Dzidziso Nezvibvumirano 93:40).

Dhinda