2023
Jesu Kristu Anonyaradza Dutu
Kurume 2023


“Jesu Kristu Anonyaradza Dutu,” Friend (Shamwari), Kurume. 2023, 46–47.

Mashoko eMwedzi Woga Woga eFriend (Shamwari), Kurume 2023

Jesu Kristu Anonyaradza Dutu

Mufananidzo
Jesu Kristu akarara muchikepe apo vadzidzi Vake vakatarisa mugungwa

Mifananidzo naApryl Stott

Humwe usiku Jesu Kristu nevadzidzi Vake vakayambuka gungwa vari muchikepe. Jesu akanga aneta uye akarara.

Mufananidzo
Dutu richirova chikepe china Jesu nevadzidzi Vake

Dutu remhepo rakauya. Masaisai akaramba achiwedzera kukura! Vadzidzi vakatya. Vakamutsa Jesu vakamukumbira kuti Avaponese.

Mufananidzo
Jesu anonyaradza dutu

Jesu akasimuka ndokuti, “Nyarara, mira.” Mhepo yakamira. Mvura yakadzikama.

Mufananidzo
Kakomana kadiki kakapeta maoko kakavhara maziso ako

Rutendo rwangu muna Jesu Kristu runokwanisa kundiunzira runyararo. Kana ndichitya, Jesu anogona kundibatsira kuti ndinzwe kudzikama.

Peji Yekuisa Ruvara

Ndinofarira Kudzidza pamusoro paJesu

Mufananidzo
peji yekuisa ruvara yemwanasikana wechidiki akatarisa bhuku pamusoro paJesu

Mufananidzo naPatricia Geis

Unozivei pamusoro paJesu?

Dhinda