2023
Vayananisi Vanodikanwa
Chivabvu 2023


Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona Chivabvu 2023

Vayananisi Vanodikanwa

Une rusununguko rwako rwekusarudza gakava kana yananiso. Ndinokukurudzirai kuti musarudze kuva muyananisi, iyezvino uye nguva dzose.

Mabhuratha nemasisita angu anodiwa, chinhu chinofadza kuva nemi. Munguva yemwedzi mitanhatu yapfuura iyo, manga muri mupfungwa dzangu uye muminamato yangu nguva dzose. Ndinonamata kuti Mweya Mutsvene uzokutaurirai izvo Ishe zvavanoda kuti munzwe apo pandinotaura kwamuri iyezvino.

Munguva yandaidzidzira kuva chiremba wokuvhiya makore mazhinji akapfuura ayo, ndakabatsira chiremba wokuvhiya uyo akanga achidimbura gumbo rakanga rakazara neutachiona hwunopomeranwa zvikurusa. Oparesheni yacho yakanga yakaoma zvikuru. Zvino, kuwedzera kukunetsekana kukuru kwaivapo, mumwe weboka raibatsira paoperasheni akaita basa zvisina kunaka, uye chiremba wokuvhiya akashatirwa zvikurusa. Pakati pokushatiriswa kwake, akapotsera banga rake rokuvhiyisa iro rakanga rakazara neutachiona. Rakawira paruoko rwangu!

Vanhu vose vaiva mumupanda wokuvhiyira—kusara kwachiremba uyu akanga atadza kuzvibata—vakavhundutswa zvikuru nekutyorwa kwemitemo yekuvhiya kune njodzi uku. Ndinovonga kuti handina kubatwa neutachiona hwacho. Asi chiitiko ichi chakasiya manzwiro asingaperi pandiri. Muawa iyoyo chaiyo, ndakazvivimbisa kuti chipi nechipi zvacho chaizoitika mumupanda wekuvhiyira wangu, ini handaizombofa ndakatadza kudzora manzwiro angu. Ndakapikawo zuva iroro kusazombofa ndakapotsera chinhu chipi zvacho muhasha—kana angava mapanga okuvhiyisa kana mashoko.

Kunyangwe iyezvino, makumi amakore pashure, ndinozviwana ndichishama kana banga rokuvhiyisa raiva neutachiona iro rakawira paruoko rwangu raiva nechepfu yakanyanya kupfuura gakava rineuturu uhwo hwunoipisa nhaurirano dzedu sevagari vemunyika uye nehukama hwevanhu pachavo hwuzhinjisa nhasi. Ruremekedzo nehunhu hwakanaka zvinotaridzika kunge zvakaparara munguva ino yekupesana nokusawirirana kukurusa.

Kutaura zvisina hunhu, kuwana zvikanganiso, uye kutaura zvakaipa pamusoro pavamwe zvazara pakati pavanhu. Nyanzvi dzemisoro yenyaya, vezvematongerwo enyika, vavaraidzi, uye nevamwe vakurudziri vakawandisa vanoshandisa mutauro wekutuka nguva dzose. Ndinonetsekana zvikurusa kuti vamwe vakawandisa vanotaridzika kutenda kuti chinhu chinotambirwa zvakazara kushoropodza, kuzvidza, uye nokunyomba munhu upi zvake asingabvumirani navo. Vakawanda vanotaridzika kuva nechido chikuru chokukanganisa mbiri yemumwe nemashoko eupenzi okunyomba.

Hasha hadzimbofi dzakanyengetedza. Ruvengo haruna warwunovaka. Gakava harimbofi rakatungamirira kugadziriso dzakafemerwa. Zvinosuwisa ndezvokuti, dzimwe nguva tinoona hunhu hwegakava kunyangwe pakati pedu isu senhengo dzeChechi. Tinonzwa nezve avo vanodupikisa vakadzi kana varume vavo uye nevana vavo, nezve avo vanoshandisa kutuka nehasha kuisa vamwe pasi pesimba ravo, uye nezve avo vanoranga nhengo dzemhuri “nokuramba kutaura nadzo.” Tinonzwa nezve vechidiki nevana avo vanoshungurudza vamwe uye nezve vashandi vanosvibisa mazita evashandidzani vavo.

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa, izvi hazvifaniri kunge zvakadai. Savadzidzi vaJesu Kristu, tinofanira kuva mienzaniso yamadyidzaniro okuita navamwe—kunyanya apo patinenge tiine maonero akasiyana. Imwe yenzira dzakanyanya kureruka yokuziva nayo muteveri wechokwadi waJesu Kristu ndeye kuti munhu iyeye anobata vamwe vanhu netsitsi zvakadii.

Mufananidzo
mhuri ichiona musangano mukuru

South Africa

Muponesi akajekesa izvi mumharidzo Dzake kuvateveri mumativi maviri ose. “Vakaropafadzwa vanyoro,” Akadaro.1 “Ani nani anokurova padama rorudyi, umurinzire rimwevo.”2 Uye zvino, chokwadi, Akapa yambiro iyo inoedza mumwe nemumwe wedu “Idai vavengi venyu, muropafadze vanokutukai, muitire zvakanaka vanokuvengai, uye munyengeterere avo vanokushandisai neruvengo, uye vanokutambudzai.”3

Asati Afa, Muponesi akaraira vaApositora Vake Vane Gumi neVaviri kuti vadanane sokuda kwaAkanga avaita.4 Uye zvino Akawedzera achiti, “Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana munorudo pakati penyu.”5

Shoko reMuponesi raiva rakajeka: vadzidzi Vake vechokwadi vanovaka, vanosimudzira, vanokurudzira, vanonyengetedza, uye vanokurudzira—zvisinei nemaomero akaita mamiriro ezvinhu. Vadzidzi vaJesu Kristu vechokwadi vayananisi.6

Nhasi iSvondo yeMichindwe. Tinogadzirira kupemberera chiitiko chakanyanya kukosha zvikurusa uye chinopfuura zvose zvakambonyorwa panyika, icho chinova Rudzikinuro noKumuka Kuvakafa kwaIshe Jesu Kristu. Imwe yenzira dzakanakisisa dzatinokwanisa kukudza nadzo Muponesi ndeye kuva muyananisi.1

Rudzikinuro rweMuponesi rwakaita kuti zvikwanisike kuti tikunde huipi hwose—kusanganisira gakava. Musanyengerwa kufunga zvakasiyana neizvi: gakava rine huipi. Jesu Kristu akataura pachena kuti avo “vane mweya wegakava” havasi Vake asi “ndeva dhiabhorosi, uyo anova baba vegakava, uye [dhiabhorosi] anomutsidzira mwoyo yavanhu kuti vakakavadzane nehasha, mumwe kune mumwe.”8 Avo vanotsigira gakava vari kutora peji kubva mubhuku redambo raSatani, kunyangwe vachizviziva kana kuti kwete. “Hapana munhu angashandira vatenzi vaviri.”9 Tinokwanisa kutsigira Satani nemashoko ekutuka edu zvatinotaura uye zvino tofunga kuti tinokwanisa zvakare kushandira Mwari.

Mufananidzo
baba nemwanakomana vari paNzvimbo yeMusangano Mukuru

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa, mabatiro atinoita mumwe nemumwe wedu akakosha zvikuru. Matauriro atinoita kuna vamwe uye pamusoro pavamwe kumba, kuchechi, kubasa, uye paindaneti akakosha zvikuru. Nhasi, ndiri kukumbira kuti tidyidzane navamwe nenzira yapamusoro uye tsvene. Ndapota nyatsoteererai zvakanaka. “Kana paine chipi zvacho chakarurama, chakanaka, kana chinotaurwa nezvacho zvakanaka kana chinorumbidzwa”10 chatinokwanisa kutaura pamusoro pemumwe munhu—kana achizviziva kana kuti asingazvizivi—uyu ndiwo unofanira kuva mwero wedu wekutaura.

Kana vaviri vakachata vemuwadhi yako vakarambana, kana kuti mushumiri wechidiki akadzoka kumba nguva yake yokudzoka isati yasvika, kana kuti wechidiki akasava nechokwadi neuchapupu hwake, havadi shoropodzo yako. Vanoda kuwana rudo rwakarurama rwaJesu Kristu runotaridzwa mumashoko ako nezviito zvako.

Kana shamwari pasocial media aine maonero akasimba ezvematongerwo enyika kana emagariro avanhu ayo anopikisana nezvese zvaunotenda mazviri, mhinduro ine hasha, isina tsitsi inobva kwauri haizobatsiri. Kuumba manzwiro akanaka enzwisiso kunozoda zvakawanda kubva kwauri, asi izvi ndizvo chaizvo zvinodikanwa neshamwari yako.

Gakava rinotandanisira kure Mweya—nguva dzose. Gakava rinosimbisa pfungwa yenhema yokuti kukakavadzana ndiyo nzira yokugadzirisa kusawirirana; asi haisiriyo zvachose. Gakava isarudzo. Kuyananisa isarudzo. Une rusununguko rwako rwekusarudza gakava kana yananiso. Ndinokukurudzirai kusarudza kuva muyananisi, iyezvino uye nguva dzose.11

Mabhuratha nemasisita, tinokwanisa kushandura nyika zvechokwadi chaizvo—munhu mumwechete uye kudyidzana kumwechete panguva. Sei? Nokutaridza magadziriso atingaita kusawirira kwechokwadi chemafungiro neruremekedzo uye nekutaurirana zvine mutsigo.

Kusawirirana pamafungiro chikamu choupenyu. Ndinoshanda zuva nezuva nevashandi vakazvipira vaIshe avo vasingagari vachiona nyaya nenzira imwecheteyo nguva dzose. Vanoziva kuti ndinoda kunzwa mazano avo uye manzwiro echokwadi avo pamusoro pezvinhu zvose zvatinokurukura—kunyanya nyaya dzakaoma.

Mufananidzo
Mutungamiri Dallin H. Oaks naMutungamiri Henry B. Eyring

Vatevedzeri vangu vanoremekedzwa, Mutungamiri Dallin H. Oaks naMutungamiri Henry B. Eyring, mienzaniso yakanakisisa munzira yavanotaura nayo manzwiro avo—kunyanya apo pavanenge vasingabvumirane. Vanoita kudaro nerudo rwakarurama kune mumwe nemumwe wavo. Hapana wavo anoti anonyanya kuziva uye naizvozvo anofanira kudzivirira nesimba guru mafungiro ake. Hapana wavo anoratidza faniro yokukwikwidzana nemumwe. Nokuda kwokuti mumwe nemumwe wavo akazadzwa nerudo rwakadzama “rudo rwakarurama rwaKristu,”12 nhaurirano dzedu dzinokwanisa kutungamirirwa neMweya waIshe. Ndinoda nokukudza varume vakuru ava zvikurusa!

Mufananidzo
Vatungamiri Vokutanga vari pamusangano mukuru

Rudo rwakadzama ndirwo mushonga wegakava. Rudo rwakadzama ndirwo chipo chezvepamweya chinotibatsira kubvisa munhu wenyama, uyo ane undingoveni, anokakava, anodada, uye ane shanje. Rudo rwakadzama ndirwo hunhu hukuru hwemuteveri wechokwadi waJesu Kristu.13 Rudo rwakadzama runotsanangura muyananisi.

Apo patinozvininipisa pamberi paMwari uye tonamata nesimba rose remwoyo yedu, Mwari vanozotipa rudo rwakadzama.14

Avo vakaropafadzwa nechipo chehumwari ichi vane mwoyo murefu uye vane tsitsi. Havachivi vamwe uye havazvitutumadzi. Havatsamwi nokukurumidza uye havafungiri vamwe zvakaipa.15

Mabhuratha nemasisita, rudo rwakarurama rwaKristu ndirwo mhinduro kugakava iro rinotitambudza nhasi. Rudo rwakadzama runotikurudzira “kutakurirana mitoro”16 pane kututira mitoro pamusoro pemumwe nemumwe wedu. Rudo rwakarurama rwaKristu runotibvumira “kumira sezvapupu zvaMwari panguva dzose uye muzvinhu zvose”17kunyanya mumamiriro ezvinhu akaipa. Rudo rwakadzana runotibvumira kuratidza matauriro nemaitiro anoita varume nemadzimai aKristu—kunyanya apo pavanenge vachipikiswa nokushoropodzwa zvikuru.

Zvino, handisi kutaura pamusoro “perunyararo nemutengo upi zvawo.”18 Ndiri kutaura pamusoro pekubata vamwe nenzira idzo dzinoenderana nokuchengeta zvibvumirano zvaunoita apo paunotora sakaramende. Unobvumira kurangarira nguva dzose Muponesi. Mumamiriro ezvinhu akaoma zvikurusa uye azere negakava, ndinokukokai kurangarira Jesu Kristu. Namatai kuti muve neushingi uye neungwaru hwokutaura kana kuita izvo Muponesi zvaAnozoita. Apo patinotevera Jinda reRunyararo, tinozova vayananisi Vake.

Panguva ino ungangofunga kuti shoko rino rinozobatsira chaizvo mumwe munhu waunoziva. Pamwe uri kutarisira kuti rinozomubatsira kuva anokubata zvakanaka. Ndinovimba kuti rinozodaro! Asiwo ndinovimba kuti iwe unozotarisa zvakadzama mumwoyo mako kuti uone kana muine zvidimbu zvidiki diki zverudado kana ruchiva izvo zvinozokudzivirira iwe kubva mukuva muyananisi.19

Kana uchida zvechokwadi kubatsira kuunganidza Israeri uye kuvaka ukama hwunoramba hwuripo nokusingaperi, ino ndiyo nguva yokuisa padivi ukasha. Iyezvino ndiyo nguva yokuregera kusimbirira kuti mumwe munhu anofanira kubvumirana nenzira yako nokuda kwokuti haudi kukurukura imwe nzira ipi zvayo. Iyezvino ndiyo nguva yokuregera kuita zvinhu izvo zvinoita kuti vamwe vazengurire kutaura newe vachitya kuti vangakutsamwisa. Iyezvino ndiyo nguva yokuviga zvombo zvako zvehondo.20 Kana zvombo zvemutauro zvako zvakazadzwa nerutuko nekupomera mhosva, iyezvino ndiyo nguva yokuzviisa kure.21 Unozomuka semurume kana mudzimai akasimba panezvemweya waKristu.

Temberi inokwanisa kutibatsira mukuedza kwedu. Imomo tinoropafadzwa nesimba raMwari, richitipa kwaniso yokukunda Satani, mutangisi wegakava rose.22 Mudzingire kure kubva muukama hwako! Cherechedzai kuti tinotukawo muvengi nguva yoga yoga yatinogadzirisa kusanzwisisana kana yatinoramba kugumbuka. Pane kudaro, tinokwanisa kuratidza ngoni dzerudo idzo dzinova hunhu hwavadzidzi vechokwadi vaJesu Kristu. Vayananisi vanovhiringidza muvengi.

Isu savanhu ngative chiedza chechokwadi pachikomo—chiedza icho “chisingakwanisi kuvigwa.”23 Ngatiratidzei kuti kune nzira ine runyararo uye ine ruremekedzo yokugadzirisa nayo nyaya dzakaoma uye nzira yakajekeserwa yokugadzirisa kusawirirana. Apo pamunotaridza rudo rwakadzama irwo vateveri vechokwadi vaJesu Kristu rwavanotaridza, Ishe vanozokudziridza kuedza kwenyu kupfuura fungidziro dzenyu dzepamusoro soro.

Mufananidzo
musikana achiona musangano mukuru

Uruguay

Chaunga chevhangeri ndicho chaunga chikurusa munyika. Mwari vakakoka vose kuti vauye kwaVari, “vatema nevachena, nhapwa nevakasununguka, vanhurume navanhukadzi.”24 Pane nzvimbo yemunhu wose. Asi zvisinei, hapana nzvimbo yerusaruro, shoropodzo, kana gakava zverudzi rupi zvarwo.

Mabhuratha nemasisita angu anodiwa, zvakanakisisa zvichiri kuuya kuna avo vanorarama upenyu hwavo vachisimudzira vamwe. Nhasi ndinokukokai kuti muwongorore hudzidzi hwenyu maererano nenzira yamunobata nayo vamwe. Ndinokuropafadzai kuti muite gadziriso dzipi nedzipi zvadzo dzingangodikanwa kuitira kuti maitiro enyu ave anoratidza rukudzo, rumekedzo, uye humiririri hwemuteveri wechokwadi waJesu Kristu.

Ndinokuropafadzai kuti mutsivanise hunhu hwerwisano nehunhu weteterero, ruvengo nenzwisiso, uye gakava nerunyararo.

Mwari vanorarama! Jesu ndiye Kristu. Amire kumusoro kweChechi ino. Tiri varanda Vake. Anozotibatsira kuva vayananisi Vake. Ndinopupura kudaro nemuzita rinoyera raJesu Kristu, ameni.

Dhinda