Riahona
Basa Guru raIshe uye Mukana Wedu Mukuru
Chikunguru 2024


“Basa Guru raIshe uye Mukana Wedu Mukuru,” Liahona (Riahona), Chikunguru 2024.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona), Chikunguru 2024

Basa Guru raIshe uye Mukana Wedu Mukuru

Apo isu patinoda, patinogovera, uye patinokoka, tinenge tichishanda naIshe kubatsira mweya unokosha woga woga kuuya kwaVari.

Mufananidzo
vakadzi vaviri vachitaura apo pavanofamba vachidzika nenzira

Muporofita woga woga mumukuwo uno mukuru uye wekupedzisira, akadzidzisa nhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira kugovera vhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu. Muupenyu hwangu, mienzaniso yakati wandei inouya mupfungwa:

Mutungamiri David O. McKay (1873–1970), muporofita wemuhuduku hwangu, vakazivisa kuti, “Nhengo yoga yoga mushumiri.”

Mutungamiri Spencer W. Kimball (1895–1985) vakadzidzisa kuti, “Zuva rekutakura vhangeri kunzvimbo zhinjisa nokuvanhu vakawanda zvikuru rasvika uye ndiiyezvino,” uye “tinofanira kurebesa nhanho dzedu” mukugovera vhangeri navamwe.

Mutungamiri Gordon B. Hinckley (1910–2008) vakati: “iGuru basa redu, mukurusa mushando wedu mukubatsira kuwana avo vekudzidzisa. Ishe vakagadza patiri rairo yokudzidzisa vhangeri kuchisikwa choga choga. Izvi zvinozoda kuedza [kwedu] nesimba rose.”

Uye Mutungamiri Russell M. Nelson vakadzidzisa kuti: “Basa rehushumiri chikamu chinokosha chekuunganidzwa kukuru kweIsraeri. Kuunganidzwa ikoko ndiro basa rinokosha zvikurusa riri kutora nzvimbo panyika nhasi. Hapana chimwe chinoenzaniswa muhukuru. Hapana chimwe chinoenzaniswa mukukosha. Vashumiri vaIshe—vadzidzi Vavo—vari kutora chinhanho mudaidzo hurusa, muchinangwa chikurusa, mubasa gurusa panyika nhasi.”

Ndakasvika pakuzvizivira izvi pachangu semushumiri wechidiki muHushumiri hwekuBritain. Ndine chokwadi chikurusa nezvazvo nhasi. SeMuapositora waIshe Jesu Kristu, ndinopupura kuti mikana iriko kwese kwese yekubatsira vamwe kuuya kuna Kristu kuburikidza nokuratidza rudo rwedu, kugovera zvatinotenda, uye nokuvakoka kuti vabatane nesu kuti vanzwe mufaro wevhangeri raJesu Kristu.

Basa Rinoenderera Mberi

Ndakava neropafadzo yokuva pabasa muBazi reHushumiri reChechi apo chinyorwa chekutanga chePreach My Gospel pachakasumwa muna 2004, uye zvekare apo chinyorwa chechipiri chakaburitswa muna 2023. Ndinotenda kuti Preach My Gospel rakaropafadza basa rehushumiri nenzira yakakosha zvikurusa.

Bhuku idzva rePreach My Gospel rinosanganisira zvose zvatakadzidza kubvira muna 2004, nhungamiro yakafemerwa kubva kunhengo yoga yoga yeHutungamiri Hwokutanga neChikwata chaVaapositora vane Gumi naVaviri, uye neshanduro dzakaitwa dzekugovera vhangeri munguva ino inoshandiswa tekinoroji zvikuru. Dzimwe dzeshanduro idzi dzakagumisira nebudiriro hurusa.

Takawana kuti kugovera vhangeri nenzira dzirinyore, dzemazuva ose, uye dzemusikirwo wedu kuburikidza nemisimboti “yerudo, kugovera, kukoka” kunoropafadza zvikuru humambo. Jesu Kristu akagovera vhangeri rake nenzira iyi apo paAirarama panyika. Akagovera hupenyu Hwake uye rudo Rwake uye Akakoka vanhu vose kuti vauye kwaAri (ona Mateo 11:28). Kuda, kugovera, uye kukoka sezvaAkaita iropafadzo rakakosha uye ibasa renhengo yoga yoga yeChechi.

Tanga neRudo

Mubindu reGetsemani uye nepamuchinjikwa, Jesu Kristu akatora paAri zvivi zvenyika uye akatambura rusuwo rwose uye “marwadzo nematambudziko nezviedzo zvemarudzi ose” (Aruma 7:11). Izvi “zvakamukonzera [Iye], … mukurusa kuna vose, kudedera nokuda kwamarwadzo, uye nokubuda ropa nepamaburi ose eganda” (Dzidziso neZvibvumirano 19:18). Kuburikidza neRudzikinuro neKumuka Kuvakafa Kwake, Jesu Kristu akaita kuti ruponeso nekusimudzirwa kumusoro-soro zvikwanisike kuna vose.

Kutendeukira kuMuponesi uye kufingisisa zvose zvaAkatiitira kunosika matiri mwoyo wakazara nerudo kwaAri. Zvino Anotendeutsira mwoyo yedu kuna vamwe uye otiraira kuti tivade (ona Johane 13:34–35) uye kugovera vhangeri Rake navo (ona Mateo 28:19; Marko 16:15). Kana avo vari pedyo nesu vakakwanisa kunzwa kuti tinovada uye tinehanya navo zvechokwadi, vanozozarura mwoyo yavo kumashoko edu, sekuzarura kwakaita Mambo Ramoni mwoyo wake kuti agamuchire vhangeri nokuda kwerudo nokushandira kwaAmoni (ona Aruma 17–19).

Apo patinogovera vhangeri, ngatitangei nerudo. Apo patinonanavira kuna vamwe murudo—tichirangarira kuti ihama dzedu uye vana vaBaba Vokudenga vanodiwa—mikana inozotizarukira kuti tigovere izvo zvatinoziva kuti ndezvechokwadi.

Shingairai Zvikuru uye Mugovere

Hakuna mumwe munhu aiva akazvipira kugovera vhangeri kupfuura Mutungamiri M. Russell Ballard (1928–2023). Mumashoko avo ekupedzisira emumusangano mukuru, vakapupura, “Chimwe chezvinhu zvinoshamisa uye chakanaka zvikurusa icho ani nani zvake chaanokwanisa kuziva panyika pano [ndecheokuti] Baba Vokudenga naIshe Jesu Kristu Vakazviratidza muzuva rino rekupedzisira uye kuti Joseph [Smith] akasimudzirwa kudzorera kuzara kwevhangeri rokusingaperi raJesu Kristu.”

Muupenyu hwavo hwose, uye nepanyika pose, Mutungamiri Ballard vaishingaira zvikuru mukugovera shoko rakakosha iri nemunhu wose. Vakatikurudzira kuita zvimwechetezvo. Vakadzidzisa kuti tinogovera vhangeri “nokuva vavakidzani vakanaka uye nekuva nehanya uye nokuratidza rudo.” Mukuuita saizvozvo, “tinovhenekera vhangeri muupenyu hwedu pachedu, uye … tinovhenekera kuna [vamwe] maropafadzo ayo vhangeri raanopa.” “Tinopupurawo uchapupu hweizvo [isu] zvatinoziva uye zvatinotenda uye izvo [isu] zvatinonzwa.” Mutungamiri Ballard vakadzidzisa kuti, “Uchapupu hwakarurama … hwunokwanisa kutakurwa nesimba reMweya Mutsvene kumwoyo yevamwe avo vanoda kuhugamuchira.”

Kugovera vhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu chaiva chido chikurusa chemwoyo waMutungamiri Ballard. Tinokwanisa kushingaira—sezvavaiva vari—mukugovera vhangeri zvose mushoko uye nemuzviito. Hatikwanisi kuziva kuti ndiani pakati pedu angange achitsvaga chiedza chevhangeri asi asingazivi kwekuchiwana (ona Dzidziso neZvibvumirano 123:12).

Mufananidzo
varume vaviri vachifamba vachikwira manera

Ipai Kokero Dzemwoyo Wose

Mukubatsira vamwe kuuya kuna Kristu, tinovakoka kunzwa mufaro unounzwa neMuponesi nevhangeri Rake. Tinokwanisa kuita izvi nekuvakoka kuti vauye kuchiitwa, kuverenga Bhuku raMormoni, kana kusangana nevashumiri. Tinokwanisawo kupa kokero dzemwoyo wose kwavari kuti vapinde musangano wesakaremende nesu.

Tinopinda mumusangano wesakaramende vhiki roga-roga kuti “tinamate Mwari uye nokutora sakaramende kuti tirangarire Jesu Kristu neRudzikinuro Rwake.” Iyi inguva yakanaka yokuti vanhu vanzwe Mweya, vauye pedyo neMuponesi, uye vasimbise Rutendo rwavo maAri.

Patinotsvaka nzira dzekuda, kugovera, uye kukoka nadzo, kuronga nekuedza kwedu zvinofanira kusanganisira kubatsira vanhu kupinda mumusangano wesakaramende. Kana vakabvuma kokero yedu uye vakapinda mumusangano wesakaramende, vanozonyanya kuva vanoramba vari mugwara rerubhabhatidzo uye rerutendeuko. Ndinotenda nemwoyo wangu wose kuti budiriro huru inozouya apo patinokoka vamwe kupinda musangano wesakaramende uye nokuvabatsira kuona maropafadzo avanokwanisa kugamuchira kubva mukuita saizvozvo.

Ishe Vanozotitungamirira

Hatimbozivi budiriro kana zvinetso zvatinozova nazvo apo patinoda, patinogovera, uye patinokoka. Vanakomana vaMosaya “vakaenda kubva kuguta neguta, uye kubva kuimba yekunamatira kuenda kune imwe, … pakati pevaRamani, kunoparidza nokudzidzisa shoko raMwari pakati pavo; uye nokudaro vakatanga kuva nebudiriro huru.” Kuburikidza nesimba ravo, “zviuru zvakaunzwa kuruzivo rwaIshe,” uye vakawanda “vakatendeutswa … [uye] havana kuzombotsaukira kure” (Aruma 23:4–6).

Apo ichii chisingazovi chiitiko chedu nguva dzose, Ishe vakativimbisa kuti Vanozoshanda nesu nokuda kwokuti mweya wose wakakosha kwavari. Apo patinoisa ruvimbo rwedu muna Ishe uye toshingaira mumushando Wavo, Vanozotitungamirira mukuti tingagovera sei vhangeri Ravo nevamwe kuburikidza nokuvada, kugoverana upenyu hwedu nouchapupu hwedu navo, uye kuvakoka kuti vabatane nesu mukuVatevera.

“Kuchava kukuru kufara kwedu” (Dzidziso neZvibvumirano 18:15) apo patinotora mikana yose yakatikomberedza kubatsira Ishe Jesu Kristu mubasa Ravo guru rekuunza mweya kwaVari.

Noti

  1. Teachings of Presidents of the Church: David O. MacKay (2003), xxii.

  2. Teachings of Presidents of the Church: Spencer W. Kimball (2006), 261, 262.

  3. Gordon B. Hinckley, “Find the Lambs, Feed the Sheep,” Liahona, Chikunguru 1999, 121. Shoko iri rakapuwa musi waKukadzi. 21, 1999, panguva yenhepfenyuro yesetiraiti kubva kuSalt Lake Tabernacle.

  4. Russell M. Nelson, “Chibvumirano Chisingaperi,Liahona, Gumiguru 2022, 9.

  5. M. Russell Ballard, “Praise to the Man,” Liahona, Mbudzi 2023, 74.

  6. M. Russell Ballard, “The Essential Role of Member Missionary Work,” Liahona, Chivabvu 2003, 40.

  7. M. Russell Ballard, “Remember What Matters Most,” Liahona, Chivabvu 2023, 107.

  8. Preach My Gospel: A Guide to Sharing the Gospel of Jesus Christ (2023), 88.

  9. Ona Preach My Gospel, 172.

Dhinda