Huyai, Munditevere 2024
Ndira 1–7: Imwe Testamente yaJesu Kristu. Mapeji eChisumo eBhuku raMormoni


“Ndira 1–7: Imwe Testamente yaJesu Kristu. Mapeji eChisumo eBhuku raMormoni,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Ndira 1–7. Mapeji eChisumo eBhuku raMormoni,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
Mormoni achinyora pamahwendefa egoridhe

Ndira 1–7: Imwe Testamente yaJesu Kristu

Mapeji eChisumo eBhuku raMormoni

Usati watombosvika kuna 1 Nifai chitsauko 1, unozocherechedza kuti Bhuku raMormoni harisi bhuku ramazuva ose. Mapeji aro echisumo anotsanangura nhoroondo isina kufanana neimwe ipi zvayo—kusanganisira kushanyirwa nengirozi, rondedzero yechinyakare yaiva yakavigwa kwamazana amakore pazasi pechikomo, uye murume wechidiki achidudzira rondedzero yacho kuburikidza nesimba raMwari. Bhuku raMormoni harisi chete nhoroondo yevanhu vekuAmerica vechinyakare. Rinotsvaka kupwisa vanhu vose “kuti Jesu ndiye Kristu” (peji yechisumo yeBhuku raMormoni), uye Mwari Pachavo vakatungamira manyorerwo arakaitwa, machengeterwo arakaitwa, uye maitirwo arakaitwa kuti riwanikwe kwatiri. Gore rino, apo paunoverenga Bhuku raMormoni, namata pamusoro paro, uye shandisa dzidziso dzaro, unozokoka simba reMuponesi muupenyu hwako. Uye unogona kunzwa kukurudzirwa kutaura, sezvakaita Zvapupu Zvitatu muuchapupu hwavo, kuti “Rinoshamisa mumaziso [angu].”

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Peji yemusoro wenyaya yeBhuku raMormoni

Kunzvera Bhuku raMormoni kunokwanisa kusimbisa rutendo rwangu muna Jesu Kristu.

Peji yemusoro wenyaya yeBhuku raMormoni inopa zvakawanda kupfuura musoro wenyaya chete. Pakati pezvimwe zvinhu, rinodorongodza zvinangwa zvakasiyana siyana zverondedzero inoera iyi. Tsvaka zvinangwa izvi mupeji yemusoro wenyaya. Mibvunzo yakaita seiyi inokwanisa kukubatsira apo paunofungisisa nezvekuti: Sei tiine Bhuku raMormoni? Bhuku raMormoni rakasiyana sei nemamwe mabhuku?

Iyezvino ingangova nguva yakanaka yekuita chirongwa chako pachako kana chemhuri chekuverenga Bhuku raMormoni gore rino. Unozoverenga riinhi uye uri kupi? Unozokoka Mweya sei mukunzvera kwako? Pane chimwe chinhu chaicho here chaunozotsvaka apo paunonzvera? Semuenzaniso, ungangotsvaka ndima dzinozadzisa zvinangwa zvawakawana papeji yemusoro wenyaya. Ungangochengeta mudorongodzwa wendima idzo dzinovaka rutendo rwako muna Jesu Kristu.

Onawo 2 Nifai 25:26; Mosaya 3:5–8; Aruma 5:48; 7:10–13; Hiramani 5:12; 3 Nifai 9:13–18; 11:6–14; Moronai 10:32–33.

Vimbiso yeHuporofita. Mutungamiri Russell M. Nelson vakati, “Ndinovimbisa kuti apo paunofungisisa izvo zvaunonzvera [muBhuku raMormoni], mahwindo ekudenga anozovhurika, uye unozogamuchira mhinduro kumibvunzo yako pachako uye nhungamiro kuupenyu hwako pachako” (“The Book of Mormon: What Would Your Life Be Like without It?,” Liahona, Mbudzi 2017, 62–63).

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

Chisumo kuBhuku raMormoni; “Uchapupu hweZvapupu Zvitatu”; “Uchapupu hweZvapupu Zvisere

Ndinokwanisa kuva chapupu cheBhuku raMormoni.

Mweya Mutsvene unokwanisa kupupura kwauri kuti Bhuku raMormoni ndere chokwadi, kunyangwe zvazvo usina kuona mahwendefa egoridhe sezvakaita Zvapupu Zvitatu uye neZvapupu Zvisere. Apo paunoverenga mashoko avo, funga pamusoro pekuti uchapupu hwavo hunosimbisa sei hwako.

Chii chinokukurudzira pamusoro penzira iyo zvapupu izvi yavakagovera nayo uchapupu hwavo hweBhuku raMormoni? Fungisisa kuti ungakwanisa sei kugovera uchapupu hwako hweBhuku raMormoni—kunyanya uchapupu hwaro hwaJesu Kristu. Semuenzaniso, fungidzira kuti uri kutaura neshamwari iyo isati yambonzwa nezveBhuku raMormoni. Chii chaunozomuudza pamusoro paro? Unozoedza kukurudzira sei shamwari yako kuti iriverenge? Funga pamusoro pekuwongorora Chisumo kuBhuku raMormoni. Ungangowana ruzivo ipapo rwunozobatsira kugoverana neshamwari yako. ­

Funga pamusoro pekuita mudorongodzwa wezvinhu zvaunozogoverana neshamwari pamusoro peBhuku raMormoni. Edza kugovera Bhuku raMormoni uchishandisa apu yeBhuku raMormoni.

Mufananidzo
Joseph Smith neZvapupu Zvitatu vachinamata pamwechete.

Zvapupu Zvitatu zvakapa uchapupu hweBhuku raMormoni.

Uchapupu hweMuporofita Joseph Smith

Kuuya mberi kweBhuku raMormoni kwaiva chishamiso.

Kana mumwe munhu akakubvunza kuti Bhuku raMormoni rakabva kupi, chii chaunozotaura? Unozotsanangura sei kutora chinhanho kwaMwari mukutipa Bhuku raMormoni? Apo paunoverenga uchapupu hwaJoseph Smith, nyatsoteerera matsananguriro aakariita. Maererano nezvawaverenga, unofunga kuti Mwari vanonzwa sei pamusoro pekukosha kweBhuku raMormoni?

­

Mazano eKudzidzisa Vana

Peji yemusoro wenyaya yeBhuku raMormoni

Kuverenga Bhuku raMormoni kunondibatsira kuva nerutendo muna Jesu Kristu.

  • Ita kuti vana vako vatarise uye vabate kopi yeBhuku raMormoni. Vabatsire kunongedza kumusoro wenyaya mudiki unoti, Imwe Testamente yaJesus Kristu. Ungavabatsirawo kuwana, papeji yemusoro wenyaya, ndevo yokuti “Jesu ndiye Kristu, Mwari Wokusingaperi, achizviratidza kumarudzi ose.” Vabatsire kunzwisisa kuti izvi zvinoreva kuti Bhuku raMormoni rinotidzidzisa pamusoro paJesu Kristu. Vaudze muchidimbu masimbisiro akaita Bhuku raMormoni rutendo rwako munaJesu Kristu. Unokwanisawo kuvabvunza pamusoro penyaya dzavanonyanya kufarira dzeBhuku raMormoni. Kuimba “Mahwendefa” (Nziyo neDzeVana Vadiki, 118–19) kunokwanisa kuvayeuchidza nezvedzimwe dzenyaya idzi.

Chisumo kuBhuku raMormoni

Bhuku raMormoni ndiro ibwe rakakosha rechitendero chedu.

  • Peji yechiitwa chevhiki rino uye nemufananidzo uri pazasi zvinokwanisa kubatsira vana vako kunzwisisa mashoko aya aJoseph Smith muchisumo kuBhuku raMormoni: “Bhuku raMormoni [ndiro] ibwe rakakosha rechitendero chedu.” Zvingangonakidza kuvaka kana kudhirowa arch ine ibwe rakakosha pamusoro. Chii chingangoitika kana ibwe rakakosha racho rikabviswa? Chii chaizoitika dai taiva tisina Bhuku raMormoni? Mungangoverenga pamwechete ndima yekupedzisira yechisumo kuti muwane kuti ndezvipi zvimwe zvatinodzidza apo patinogamuchira chokwadi cheBhuku raMormoni. Tinokwanisa sei kuita Bhuku raMormoni ibwe rakakosha rerutendo rwedu muna Jesu Kristu?

Mufananidzo
arch yamabwe iine ibwe rakakosha rinoisimbisa munzvimbo

Bhuku raMormoni ndiro ibwe rakakosha rechitendero chedu.

Uchapupu hweZvapupu Zvitatu”; “Uchapupu hweZvapupu Zvisere

Ndinokwanisa kuva chapupu cheBhuku raMormoni.

  • Kuti ubatsire vana vako kunzwisisa izvo zvazvinoreva kuva chapupu, unokwanisa kutsanangura kwavari chimwe chinhu chawakaona icho ivo chavasina kuona. Zvino woita kuti ivo vaite zvimwechetezvo kwauri. Izvi zvinokwanisa kutungamirira kuhurukuro pamusoro pevanhu gumi nemumwechete vakaona mahwendefa egoridhe ayo kubva paari Bhuku raMormoni rakadudzirwa. Apo pamunoverenga uchapupu uhwu pamwechete, munokwanisa kutaura pamusoro pekuti sei zvapupu izvi zvaida kuti vamwe vanhu vazive pamusoro peuchapupu hwazvo. Ndiani watinoda kuudza pamusoro peBhuku raMormoni?

Uchapupu hweMuporofita Joseph Smith

Bhuku raMormoni rakapuwa kwatiri kuburikidza nesimba raMwari.

­

Mufananidzo
Joseph achigamuchira mahwendefa egoridhe kubva kuna Moronai

Moroni Delivers the Golden Plates [Moronai Anokumikidza Mahwendefa eGoridhe], naGary L. Kapp

Dhinda