Huyai, Munditevere 2024
Kukadzi 12–18: “Takararama maererano neMutoo weMufaro.” 2 Nifai 3–5


Kukadzi 12–18: ‘Takararama maererano neMutoo weMufaro.’ 2 Nifai 3–5,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Kukadzi 12–18. 2 Nifai 3–5,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
Nifai nemukadzi wake

Kukadzi 12–18: “Takararama maererano neMutoo weMufaro”

2 Nifai 3–5

Uchiverenga 1 Nifai, ungangowana manzwiro okuti Nifai neimwe nzira aiva mukuru kupfuura upenyu. “Ari mukuru mumumhu” zvose panyama nepamweya (1 Nifai 2:16), aitaridza kusazungunutswa nezviedzo zvaaitarisana nazvo. Kana kuti ndizvo zvatingangofungidzira. Apo rutendo rwaNifai rwaishamisa, mashoko ake manyoro muna 2 Nifai 4 anoratidza kuti kunyangwe vanhu vakatendeka dzimwe nguva vanonzwa “kusuruvara kukurusa” uye “kutambudzwa zviri nyore” nezviedzo. Pano tinoona mumwe munhu arikuedza, anoda kufara, asi uyo “mwoyo wake unogomera nokuda kwezvivi [zvake].” Tinokwanisa kuzvinzwisisa izvi uye ushingiriri hwetariro uhwo hwunotevera “Asi zvisinei, ndinoziva avo vandakavimba mavari” (ona 2 Nifai 4:15–19

Apo Nifai navanhu vake pavakadzidza kurarama “maererano nemutoo wemufaro” (2 Nifai 5:27), vakadzidzawo kuti mufaro hauuyi zviri nyore kana kuti pasina nguva dzorusuwo. Pokupedzisira runouya kubva mukuvimba naIshe, “dombo reururami [rwedu]” (2 Nifai 4:35).

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

2 Nifai 3:6–24

Joseph Smith akasarudzwa naMwari kudzorera vhangeri.

Rihai akagoverena nemwanakomana wake Joseph huporofita hwakapuwa naJosefa weEjipita. Huporofita hwacho hwaiva pamusoro “pemuoni akasurudzwa,” wemune ramangwana Joseph Smith. Chii chinotaurwa nendima 6–24 icho Joseph Smith, chaaizoita kuropafadza vanhu vaMwari? Funga pamusoro pokuti basa raJoseph Smith ranga “rakakosha zvikuru” kwauri sei? ­ Funga pamusoro pemibvunzo yakaita seiyi, uye funga nezvekunyora pasi mhinduro dzako:

  • Chii chaunoziva pamusoro paBaba Vokudenga naJesu Kristu nokuda kweizvo Joseph Smith zvaakadzidzisa?

  • Upenyu hwako hwasiyana sei nokuda kweizvo zvakadzorerwa kuburikidza naJoseph Smith?

  • Upenyu hwako hungadai hwakaita sei dai Kudzorerwa kwakanga kusina kuitika?

Chikamu chimwechete chakakosha chebasa raJoseph Smith chaiva chokuunza mberi Bhuku raMormoni. Chii chaunodzidza kubva muchitsauko ichi pamusoro pekukosha kweBhuku raMormoni? Kunyanya, unokwanisa kutsvaka zvikonzero mundima 7, 11–13, 18–24.

Onawo Dudziro yaJoseph Smith Genesi 50:24–38 (muNhungamiro kuMagwaro Matsvene); Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Joseph Smith,” Rhaibhurari yeVhangeri; “Mbiri kuMunhu,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba 98

Mufananidzo
Muporofita Joseph Smith

Prophet of the Lord [Muporofita waIshe], naDavid Lindsley

2 Nifai 4:15–35

“O Ishe, ndakavimba nemi.”

Nifai akati “ndinozonyora zvinhu zvemweya wangu” (ndima 15). Apo paunoverenga izvo zvaakanyora muna 2 Nifai 4:15–35, zvibvunze kuti, “Ndezvipi zvinhu zvemweya wangu?” Funga pamusoro pekuzvinyora pasi, sezvakaitwa naNifai, uye nokuzvigoverana navanhu vaunoda.

Kuona mawaniro akaita Nifai nyaradzo apo paakanzwa kukurirwa nokunetsekena kunokwanisa kukubatsira apo paunova nemanzwiro akafanana naiwayo. Tsvaka mundima 15–35 kuti uwane ndima dzinokuunzira nyaradzo. Unoziva here mumwe munhu angangowana nyaradzo mundima idzi?

2 Nifai 5

Ndinokwanisa kuwana mufaro mukurarama vhangeri raJesu Kristu.

Chii chaunofunga kuti zvinoreva kuva unofara? Nifai akanyora kuti vanhu vake vakararama “maererano nemutoo wemufaro” (2 Nifai 5:27). Ungangotsvaka sarudzo idzo Nifai navanhu vake dzavakaita dzakavabatsira kuva vanofara (ona, somuenzaniso 2 Nifai 5:6, 10–17). Chii chinokwanisa kukubatsira kuvaka upenyu hwemufaro sezvakaitwa navanhu vaNifai?

2 Nifai 5:20–21

Chaiva chituko chipi icho chakauya pavaRamani?

Muzuva raNifai chituko chavaRamani chaiva chokuti “vakabviswa kubva pamberi [paIshe] … nokuda kwezvitema zvavo” (2 Nifai 5:20–21). Izvi zvinoreva kuti Mweya waIshe wakabviswa kubva muupenyu hwavo. Apo vaRamani pavakazotambira pashure vhangeri raJesu Kristu, “chituko chaMwari hachina kuzovatevera zvakare” (Aruma 23:18).

Bhuku raMormoni rinotaurawo kuti mucherechedzo weganda dema wakauya pavaRamani mushure mokunge vaNifai vaparadzana navo. Chimiro nechiratidziko chemucherechedzo uyu hazvinyats onzwisiswa zvakazara. Mucherechedzo wacho pokutanga waisiyanisa vaRamani kubva kuvaNifai. Pashure, apo vaNifai navaRamani vamwe navamwe vavo pavakava nenguva dzounyangadzi uye nedzoururami, mucherechedzo wacho wakava usisina kukosha.

Vaporofita vanosimbisa muzuva redu kuti ganda dema harisi chiratidzo chekusafarirwa kana kutukwa kwehumwari. Mutungamiri Russell M. Nelson vakataura pachena kuti: “Ndinokuvimbisai kuti mamiriro enyu pamberi paMwari haasarudzwi neruvara rweganda renyu. Kufarirwa kana kusafarirwa naMwari kuri pakuzvipira kwenyu kuna Mwari uye nokumirairo Yavo uye kwete ruvara rweganda renyu” (“Let God PrevailLiahona, Mbudzi 2020, 94).

Sokudzidzisa kwakaita Nifai kuti, Ishe “havana wavanoramba uyo anouya kwavari, mutema nemuchena, musungwa neakasungunuka, munhurume nemunhukadzi; … vose vakafanana kuna Mwari” (2 Nifai 26:33).

Mazano eKudzidzisa Vana

2 Nifai 3:6–24

Joseph Smith aiva muporofita.

  • Funga pamusoro pamadzidzisiro aunokwanisa kuita vana vako pamusoro pebasa guru iro Mwari ravakaita kuburikidza naJoseph Smith. Kutanga, unokwanisa kubatsira vana vako kuwana shoko rinoti “muoni” muna 2 Nifai 3:6 uye wotsanangura kuti vaporofita vanodaidzwa kunzi vaoni nokuda kwokuti Baba Vokudenga vanovabatsira kuona zvinhu zvatisingakwanisi kuona. Govera kuti sei uchitenda nokuva nemuoni anotungamirira Chechi.

  • Bhuku reMifananidzo yeVhangeri rine mifananidzo yakati wandei yaunokwanisa kushandisa kudzidzisa pamusoro pebasa Mwari ravakaita kuburukidza naJoseph Smith (ona mifananidzo 89–95). Ita kuti vana vako vagovere izvo zvavanoziva pamusoro pemifananidzo yacho. Sei Joseph Smith achidaidzwa kunzi “muoni akasarudzwa”? Chiii chakaitwa naJoseph Smith icho “chakakosha zvikuru”? (ndima 7).

2 Nifai 4:15–35; 5

Ndinoda “zvinhu zvaIshe.”

  • Chii chinoita kuti tifare? Fungai pamusoro pokuverenga pamwechete ndima kubva muna 2 Nifai 4 kuti muwane izvo zvakafadza Nifai kana zvakamuita kuti afare (ona ndima 15–16, 20–25, 34–35). ­ ­

  • 2 Nifai 5 inotsanangurawo zvinhu izvo zvakabatsira vaNifai kurarama “maererano nemutoo wemufaro” (ndima 27). Unokwanisa kupa mamwe mashoko kana mifananidzo izvo zvinomiririra zvinhu izvi uye wobatsira vana vako kuzvifananisa kundima dziri muChitsauko 5. Mimwe mienzaniso inosanganisira mhuri (ndima 6, mirairo yaMwari (ndima 10), magwaro matsvene (ndima 12), basa (ndima 15 uye 17), matemberi (ndima 16), uye daidzo dzemuChechi (ndima 26). Zvinhu izvi zvinotiunzira sei mufaro?

2 Nifai 5:15–16

Temberi imba yaIshe.

  • Apo paunoverenga 2 Nifai 5:15–16 kuvana vako, vanokwanisa kunyepedzera kuti vari kubatsira Nifai kuvaka temberi. Unokwanisawo kuvaratidza mifananidzo yezvivako zvakasiyana siyana, kusanganisira temberi. Matemberi akasiyana sei kubva kune zvimwe zvivako? Goveranai kuti sei temberi yakakosha kwamuri (onaiwo “Ishe Vakandipa Temberi, Nziyo neDzevana Vadiki, 120).

Nguva ipi zvayo inokwanisa kuva nguva yokudzidzisa. Usafunga nezve kudzidzisa mhuri yako sechimwe chinhu chaunoita kamwechete pavhiki munguva yechidzidzo chakatarwa. Zvifunge sechimwe chinhu chaunoita nguva dzose.

Mufananidzo
VaNifai vachivaka temberi

The Temple of Nephi [Temberi yaNifai], naMichael T. Malm

Dhinda