Huyai, Munditevere 2024
Chivabvu 20-26: “Takapinda muChibvumirano Navo.” Mosaya 18–24


“Chivabvu 20–26: ‘Takapinda muChibvumirano Navo.’ Mosaya 18–24,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2024)

“Chivabvu 20–26. Mosaya 18–24,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024 (2024)

Mufananidzo
Vanhu vaRimuhai vachipukunyuka

Minerva Teichert (1888–1976), Escape of King Limhi and His People [Kupukunyuka kwaMambo Rimuhai naVanhu Vake]1949–1951, pendi yeoiri pabhodhi repuranga, mainji 35 7/8 × 48. Brigham Young University Museum yeArt, 1969.

Chivabvu 20-26: Takapinda muChibvumirano Navo

Mosaya 18–24

Rondedzero yaAruma navanhu vake muna Mosaya 18; 23–24 inoratidza zvazvinoreva “kuuya mudanga raMwari” (Mosaya 18:8). Apo vanhu vaAruma pavakabhabhatidzwa, vakaita chibvumirano naMwari “chokuvashandira uye nokuchengetedza mirairo yavo”(Mosaya 18:10). Kunyangwe zvazvo uku kwaiva kuzvipira kwomunhu pachake kuna Mwari, kwaivawo nechekuita nemabatiro avaiita mumwe nomumwe wavo. Hongu, rwendo rwekudzokera kuna Baba Vokudenga nderwe munhu pachake, uye hapana anokwanisa kutichengetera zvibvumirano zvedu, asi izvi hazvirevi kuti tiri toga. Tinoda mumwe nemumwe wedu. Senhengo dzechechi yaJesu Kristu, tinoita chibvumirano chekushandira Mwari uye nokubatsirana uye nokushandirana nemunzira yatiri kufamba, “tichitakurirana mitoro” (Mosaya 18:8–10). Vanhu vaAruma zvechokwadi vaiva nemitoro yekutakura, sezvatinayowo isu tose. Uye imwe nzira iyo Ishe yavanotibatsira nayo “kutakura mitoro [yedu] zviri nyore” (Mosaya 24:15) ndeye kuburikidza nekutipa nzanga yeVatendi avo vakavimbisa kuchema nesu uye nokutinyaradza, sezvatakavimbisawo kuvaitira.

Mazano eKudzidza Kumba uye kuChechi

Mufananidzo
mufananidzo weseminari

Mosaya 18:1–17

Apo pandinenge ndabhabhatidzwa, ndinoita chibvumirano naMwari.

Funga pamusoro pemanzwiro akadzama akava navatendi vanotsanangurwa muna Mosaya 18 pamusoro paJesu Kristu. Vaifanira kusangana muchivande, zvaiva nenjodzi huru, kuti vadzidze pamusoro Pake (ona ndima 3). Uye apo pavakapuwa mukana wekuratidza kuzvipira kwavo kuburikidza nechibvumirano cherubhabhatidzo, “vakaombera maoko avo nomufaro, vakadaidzira vachiti: Ichi ndicho chishuwo chemwoyo yedu”(Mosaya 18:11).

Kuverenga ndima idzi kunokwanisa kuva mukana wakanaka wekufungisisa makoshero akaita zvibvumirano zvako kwauri. Apo paunozvera Mosaya 18:8–14 kunyanya, funga pamusoro pemibvunzo yakaita seiyi:

  • Chii chaunodzidza kubva mundima idzi pamusoro pevimbiso dzawakaita parubhabhatidzo? Chii chaunovimbiswa naMwari? (ona ndima 10, 13).

  • Chibvumirano chekushandira Mwari chinoenderana sei nekuedza kwedu kushumira kune mumwe nemumwe wedu? (ona ndima 8–9).

  • Zvinorevei kwauri “kumira [sechapupu] chaMwari”? (ndima 9).

  • Kuchengeta chibvumirano chako cherubhabhatidzo kunokubatsira sei kuti “uzadzwe neMweya”? (Mosaya 18:14). Mweya unokubatsira sei kuchengeta chibvumirano chako?

Kupindura mibvunzo iyi kungangokutungamirira kufungisisa makoshero akaita zvibvumirano nezvisungo kuna Mwari. ­ Sei uchivonga nezvibvumirano zvako? Chii chauri kuita kuti uchengete vimbiso dzako?

Onawo Misoro yeNyaya yeVhangeri “Rubhabhatidzo,” Raibhurari yeVhangeri.

Dzidzisa chokwadi kubva mumagwaro matsvene uye mumashoko evaporofita vemazuva ekupedzisira. Apo paunodzidzisa—nokudzidza—rangarira kuti imwe yenzira dzakanakisisa dzekuwedzera rutendo muna Kristu kunangisa pfungwa pamagwaro matsvene nemashoko evaporofita vemazuva ekupedzisira (ona Mosaya 18:19).

Mosaya18:17–30

Mwari vanoraira vanhu vavo kuti vaungane, varonge, uye vave vakabatana.

Vamwe vanhu vanoshamisika kuti, sei tichida Chechi? Tsvagurudza muna Mosaya 18:17–31, uchitsvaka ukoshi hwakawanikwa nevanhu vaAruma mukuunganidza “chechi yaKristu” (Mosaya 18:17). Ndedzipi fanano dzaunoona muChechi yaJesu Kristu muzuva raAruma uye nemuzuva redu?

Ungazopindura sei kushamwari kana nhengo yemhuri isingabvumi kuti chechi yakarongwa inodikanwa. Sei uchitenda nekuva nhengo yeChechi yaJesu Kristu?

Funga pamusoro pechaunokwanisa kuita kubatsira nhengo dzewadhi yako kana dzebazi rako kuti dzive “dzakasunganidzwa pamwechete mukubatana nokudanana” (Mosaya 18:21).

Mosaya 21–24

Mwari vanondibatsira kutakura mitoro yangu.

Vanhu vaRimuhai nevanhu vaAruma vose vakawira muutapwa, kunyangwe zvavzo maiva mumamiriro ezvinhu akasiyana. Chii chaunokwanisa kudzidza kuburikidza nekuenzanisa rondedzero dzevanhu vaRimuhai muna Mosaya 19–22 nevanhu vaAruma muna Mosaya 18; 23–24? Apo paunenge uchiita izvi, tsvaka mashoko anoshanda kuupenyu hwako. Semuenzaniso, zvinorevei “kubudirira zvishoma nezvishoma”? (Mosaya 21:16). Ungashandisa sei musimboti uyu?

Mosiah 23:21–24; 24:8–17

Ndinokwanisa kuvimba naIshe.

Kunyangwe zvazvo vakanga vatendeuka kuzvivi zvavo, Aruma nevanhu vake vakazviwana vari muutapwa. Chiitiko chavo chinoratidza kuti kuvimba naIshe uye nekurarama zvibvumirano zvedu hazvibvisi nguva dzose zvinetso zvedu, asi zvinotibatsira kuzvikunda. Apo paunoverenga Mosaya 23:21–24 uye 24:8–17, cherechedza mashoko uye ndevo idzo dzinokwanisa kukubatsira kudzidza kuvimba naIshe, zvisinei nemamiriro ezvinhu ako.

Mazano eKudzidzisa Vana

Mosaya 18:7–17

Apo pandinenge ndabhabhatidzwa, ndinoita chibvumirano naMwari.

  • Imwe nzira yakakosha yekubatsira vana vako kugadzirira rubhabhatidzo ndeye kuvadzidzisa pamusoro pechibvumirano chavanozoita apo pavanenge vabhabhatidzwa. Izvi zvinokwanisa kuva zviri nyore sekuratidza mufananidzo uri kumagumo kwechidzidzo chevhiki rino uye kuverenga pamusoro pechibvumirano navo muna Mosaya 18:9–10. Funga pamusoro pekukoka mwana akabhabhatidzwa nechekare kuti adzidzise izvi kuvana vadiki Vana vako vangangonakidzwa nekunzwa pamusoro perubhabhatidzo rwako. Kuchengeta zvibvumirano zvako naMwari kwakakomborera upenyu hwako sei?

  • Vana vakabhabhatidzwa vanokwanisa kushandisa zviyeuchidzo nguva nenguva pamusoro pezvibvumirano zvavakaita uye zvavanovandudza vhiki roga roga kuburikidza nesakaramende. Zvimwe vana vako vanokwanisa kuenzanisa chibvumirano cherubhabhatidzo chakatsanangurwa muna Mosaya 18:8–10 neminamato yesakaramende (ona Dzidziso neZvibvumirano 20:77, 79). Tingaite sei kuti sakaramende ive nguva yakakosha, ine rukudzo, sezvakanga zvakaita rubhabhatidzo rwedu?

Mufananidzo
musikana wechidiki achibhabhatidzwa

Tinoita chibvumirano naMwari apo patinobhabhatidzwa.

Mosaya18:17–28

Apo pandinenge ndabhabhatidzwa, ndinobva ndava nhengo yeChechi yaJesu Kristu.

  • Vana vako vanoziva here zvazvinoreva kuva nhengo yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira? Funga pamusoro pekuvabatsira kuwana mifananidzo inomiririra zvinhu zvakaitwa nenhengo dzeChechi muna Mosaya 18:17–28. Semuenzaniso, mifananidzo yeRugadzo kuHupirisita uye Mubhadharo weChegumi (Bhuku reMifananidzo yeVhangeri, nhamba 106, 113) ingangomiririra ndima 18 uye 27–28. Vaudze kuti sei uchitenda nokuva nhengo yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira.

  • Kubatsira vana kunzwa kuti “vakasunganidzwa pamwechete mukubatana nemurudo” (Mosaya 18:21) kunovabatsira kuramba vakabatana neChechi muupenyu hwavo hwose. Funga pamusoro pekukoka vana vako kuverenga Mosaya 18:17–28. Chii chakaitwa nenhengo dzeChechi yaKristu muzuva raAruma kuti vadanane uye vashandirane? Tingakwanisa sei kuita izvi muwadhi medu mubazi redu, kana munharaunda yedu? ­

Mosaya 24:8–17

Mwari vanokwanisa kuita kuti mitoro yedu ireruke.

  • Chidzidzo chakareruka chinoshandisa zvinhu zvinobatwa chinokwanisa kuita kuti kudzidza kusangakanganikwa. Funga pamusoro pekuzadza bhegi nezvinhu zvinorema (zvinomiririra mitoro) uye wokoka mwana kuti abate bhegi racho. Apo paunoverenga Mosaya 24:8–17 nevana vako, vakumbire kuti vabvise chimwe chinhu kubva mubhegi nguva yose yavanonzwa pamusoro pechimwe chinhu chakaitwa naAruma nevanhu vake kutsvaka rubatsiro rwaMwari nemitoro yavo. Unokwanisa zvino kutaura navo pamusoro pekuti Baba Vokudenga vanokwanisa sei kuita kuti mitoro yedu ireruke apo patinotsvaka rubatsiro Rwavo.

Mufananidzo
vanhu vachibhabhatidzwa

The Waters of Mormon [Mvura dzaMormoni], naJorge Cocco

Dhinda