“Kushandisa Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Dzidziso neZvibvumirano 2025 (2025)
“Kushandisa Huyai, Munditevere,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2025
Kushandisa Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi
Bhuku Rino Rinoshandiswa Nani?
Bhuku rino ndere munhu upi noupi zvake anoda kunzvera kubva muDzidziso neZvibvumirano—ari ega pachake, semhuri uye mumakirasi eChechi. Kana usina kunzvera magwaro matsvene nguva dzose munguva yakapfuura, bhuku rino rinokwanisa kukubatsira kuti utange. Kana wagara uchitova netsika yakanaka yokunzvera magwaro matsvene, bhuku rino rinokwanisa kukubatsira kuti uve nezviitiko zvakanyanya kukosha.
Vanhu paChavo neMhuri Kumba
Nzvimbo yakanakisisa yokudzidza vhangeri ndeye kumba. Vadzidzisi vako kuchechi vanokwanisa kukutsigira, uye unokwanisa kuwana kurudziro kubva kune dzimwe nhengo dzewadhi. Asi kuti upone pane zvepamweya, umwe neumwe wedu anoda zvokudya zuva nezuva kubva “kushoko rakanaka raMwari” (Moronai 6:4; onawo Russelll M. Nelson, “Mashoko eKuvhura,” Liahona, Mbudzi. 2018, 6–8).
Shandisa bhuku rino munzira ipi zvayo yarinobatsira kwauri. Zvidzidzo zvinosimbisa zvimwe zvokwadi zvokusingaperi zvinowanikwa muDzidziso neZvibvumirano. Zvinopawo mazano nezviitwa zvinokubatsira kunzvera magwaro matsvene wega pachako, nenhengo dzemhuri, kana neshamwari. Apo paunonzvera, tevera nhungamiro yeMweya kuti uwane zvokwadi zvokusingaperi izvo zvakakosha kwauri. Tsvaka mashoko aMwari kwauri, uye tevera femero dzaunogamuchira.
Vadzidzisi neVadzidzi kuChechi
Kana uchidzidzisa kirasi yePuraimari, Chikoro cheSvondo chevechidiki kana chavakuru, chikwata cheHupirisita hwaAroni, kana kirasi yeVasikana veChidiki, unokurudzirwa kushandisa zvidzidzo zviri mubhuku rino apo paunogadzirira kudzidzisa. Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi ndihwo hurongwa hwedzidzo yekirasi yako yeSvondo. Mazano ekudzidza ari mubhuku rino akagadzirirwa kudzidza kumba uye kuchechi. Apo paunogadzirira kudzidzisa, tanga nokuva nezviitiko zvako pachako mumagwaro matsvene. Gadziriro yakakoshesesa yako inozoitika apo paunotsvagurudza mumagwaro matsvene uye nokutsvaka femero yako pachako kubva kuMweya Mutsvene. Unokwanisawo kunzvera uine zvidikanwi zvevanhu vaunodzidzisa mupfungwa. Tsvaka zvokwadi zvokusingaperi. Huyai, Munditevere rinokwanisa kukubatsira kudoma zvimwe zvezvokwadi izvi uye kudzidza mashandisirwo angakwanisa kuitwa magwaro matsvene muupenyu hwako.
Chengeta mupfungwa kuti kudzidza vhangeri, pakunakisisa kwako, kunomisirwa kumba uye kuchitsigirwa neChechi. Nemamwe mashoko, basa rako gurusa ndere kutsigira vanhu vaunodzidzisa mukuedza kwavo kudzidza nokurarama vhangeri kumba. Usanetsekana pamusoro pokuva nezvidzidzo zvakasiyana nezvimwe zvose zvokuvapa mukirasi. Pane kudaro, vape mikana yokugovera zviitiko zvavo, pfungwa dzavo, uye nemibvunzo yavo pamusoro pendima dzemagwaro matsvene dzavakaverenga kumba. Vakoke kuti vagovere zvokwadi zvokusingaperi zvavakawana. Izvi zvakanyanya kukosha kupfuura kupedza humwe huwandu hwezvinyorwa.
Makirasi eChikoro cheSvondo eVechidiki neVakuru
Chikonzero chikurusa chimwechete chatinounganira mumakirasi eChikoro cheSvondo ndechekutsigirana nokukurudzirana apo patinoedza kutevera Jesu Kristu. Nzira yakareruka yokuita izvi ndeyokubvunza mubvunzo wakaita souyu “Chii chawakadzidziswa neMweya Mutsvene vhiki rino apo pawainzvera magwaro matsvene pamwepo neHuyai, Munditevere?” Mhinduro kumubvunzo uyu inokwanisa kutungamirira kuhurukuro dzakakosha idzo dzinovaka rutendo muna Jesu Kristu nevhangeri Rake.
Zvino unokwanisa kukoka hurukuro iri maererano nemazano okunzvera ari muna Huyai, Munditevere. Semuenzaniso, zano rokunzvera ringangopa pfungwa yokutsvagurudza muDzidziso neZvibvumirano 19:15–20, uchitsvaka matsananguriro akaita Muponesi kutambura Kwake. Ungangokumbira nhengo dzekirasi kuti dzigovere zvadzakanzwa apo padzaiverenga tsananguro Yake uye dzitaure pamusoro pemashanduriro ainoita mafungiro avo pamusoro Pake. Kana kuti munokwanisa kupedza nguva muchinzvera ndima idzi sekirasi.
Makirasi eZvikwata zveHupirisita hwaAroni uye eVasikana veChidiki
Apo makirasi ezvikwata zveHupirisita hwaAroni, uye eVasikana veChidiki paanosangana pamisi yeSvondo, chinangwa chawo chakati siyanei kubva kukirasi yeChikoro cheSvondo. Pamusoro pokubatsirana kudzidza vhangeri raJesu Kristu, mapoka aya anosanganawo kurairana pamwechete pamusoro pokuzadzikisa basa reruponeso nekusimudzirwa kumusoro-soro (ona General Handbook: Serving in The Church of Jesus Christ of Latter-day Saints, 1.2), sekurairwa kwavanoitwa nevatungamiri vekirasi yavo kana vechikwata chavo.
Nokuda kwechikonzero ichi, musangano woga woga wechikwata kana wekirasi unofanira kutanga nenhengo yevatungamiri vechikwata kana vekirasi ichitungamirira hurukuro pamusoro pezviedzwa zvavo. Semuenzaniso, vanokwanisa kurairana pamusoro pekuedza kwavo kurarama vhangeri, kushumira kuvanhu vanoshaiwa, kugovera vhangeri, kana kutora chinhanho mubasa remutemberi nenhoroondo yemhuri.
Mushure menguva iyi yokurairana pamwechete, murairidzi anotungamirira kirasi kana chikwata mukudzidza vhangeri pamwechete. Vatungamiri vechikuru kana nhengo dzekirasi kana dzechikwata vanokwanisa kupuwa basa rokudzidzisa. Vatungamiri vekirasi kana vechikwata, mukutaurirana nevatungamiri vechikuru, ndivo vanopa mabasa aya.
Vanhu vanenge vapuwa basa rokudzidzisa vanofanira kugadzirira vachishandisa mazano okudzidza ari muchidzidzo chevhiki yoga yoga cheHuyai, Munditevere. Muchidzidzo choga choga, mufananidzo uno unoratidza chiitwa icho chakanyanya kukodzera kune vechidiki uye chakanangana nezvavari kudzidza museminari. Zvisinei, api zvawo emazano ari muchidzidzo anokwanisa kushandiswa sechiitwa chokudzidza chevechidiki.
Kuti uwane muenzaniso wehurongwa hwemisangano yechikwata nekirasi, ona chiwedzerwa D.
Puraimari
Gadziriro yako yokudzidzisa Puraimari inotanga apo paunonzvera magwaro matsvene iwe pachako uye nemhuri yako. Apo paunodaro, iva nechido chokutambira femero nenzwisiso dzezvepamweya kubva kuMweya Mutsvene pamusoro pevana vari mukirasi yako yePuraimari. Iva unonamata. Mweya unokwanisa kukufemera nemazano okuvabatsira kudzidza vhangeri raJesu Christu.
Apo paunogadzirira kudzidzisa, ungangowana imwe femero nokuwongorora mazano okudzidzisa ari mubhuku rino. Chidzidzo choga choga chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi chine chikamu chine musoro wenyaya unoti “Mazano eKudzidzisa Vana.” Funga nezvemazano aya sepfungwa dzinokubatsira kutanga kunzwa femero. Unoziva vana vari mukirasi yako yePuraimari—uye unozovaziva zvakanyanya kuvanani paunotaurirana navo mukirasi. Mwari vanovazivawo, uye Vanozokufemera nenzira dzakanakisisa dzokuvadzidzisa nokuvaropafadza.
Vana vari mukirasi mako vangangova vakatoita nechekare zvimwe zvezviitwa zviri muHuyai, Munditevere nemhuri dzavo. Izvi ZVAKANAKA. Dzokororo yakanaka. Funga pamusoro pekukoka vana kuti vagoverane zvavakadzidza kumba. Unofanirawo kuronga nzira dzokuti vana vatore chinhanho kunyangwe vasiri kudzidza kumba. Vana vanodzidza zvokwadi zvevhangeri zvinonyanya kubudirira apo zvokwadi izvi pazvinodzokororwa kudzidziswa kuburikidza nezviitwa zvakasiyana siyana. Kana ukawana kuti chiitwa chokudzidza chinoshanda kuvana, funga kuchidzokorora, kunyanya kana uri kudzidzisa vana vadikisa.
Mumwedzi iyo ine maSvondo mashanu, vadzidzisi vePuraimari vanokurudzirwa kutsiva chidzidzo chakatarwa cheHuyai, Munditevere paSvondo rechishanu nechimwechete kana kupfuura chezviitwa zvekudzidza zviri “muChiwedzerwa B: ChePurairami—Kugadzirira Vana kuva Mugwara reChibvumirano raMwari kweUpenyu Hwose.”