“Chitsauko 3: Kokero yoKubhabhatidzwa noKusimbiswa,” Paridzai Vhangeri Rangu: Nhungamiro yoKugovera Vhangeri raJesu Kristu (2023)
“Kokero yoKubhabhatidzwa noKusimbiswa,” Paridzai Vhangeri Rangu
Chitsauko 3
Kokero yoKubhabhatidzwa noKusimbiswa
Misimboti yeDzidziso
Tose tiri vana vaBaba voKudenga. Takauya panyika kuti tive nemukana wokudzidza, kukura, uye kuva saIvo zvakanyanya kuitira kuti tikwanise kudzokera pamberi Pavo (ona Mosesi 1:39). Hatikwanise kuva saIvo kana kudzokera kwaVari tisina rubatsiro rwohumwari. Baba vedu Vokudenga vakatuma Mwanakomana Wavo, Jesu Kristu, kuti atidzikinure uye atyore majoko erufu (ona 3 Nifai 27:13–22).
Tinowana mukana wesimba rerununuro raKristu kuburikidza nokushandisa rutendo maAri rwunogumisira nerutendeuko, kubhabhatidzwa, kugamuchira chipo cheMweya Mutsvene, kuburikidza nekusimbiswa uye nokushingirira kusvika kumagumo. Kuchengeta chibvumirano cherubhabhatidzo inhanho yekutanga mukuzvisunganidza isu pachedu kuna Mwari kuitira kuti Mweya Mutsvene ugokwanisa kuchenesa, kusimbisa, uye kushandura hunhu hwedu kuti huve nani. Kuva nefemero inotsvenesa iyi kunonzi kuzvarwa patsva kwezvepamweya. (Ona 2 Nifai 31:7, 13–14, 20–21; Mosaya 5:1–7; 18; 27:24; 3 Nifai 27:20; Johane 3:5.)
Kuzvarwa patsva kwezvepamweya kunotanga apo patinobhabhatidzwa nemvura uye neMweya. Rubhabhatidzo chisungo chinofadza uye chine tariro. Apo patinobhabhatidzwa nemwoyo wakatyoka uye nemweya wekudemba, tinotanga upenyu patsva nesimba rinotsigira raMwari. Mushure mokunge tabhabhatidzwa uye nokusimbiswa, tinokwanisa kuramba tichisimbiswa kuburikidza nekutora sakaramende takakodzera. (Ona 2 Nifai 31:13; Mosaya 18:7–16; Moronai 6:2; Dzidziso neZvibvumirano 20:37.)
Kupa Kokero
Apo paunonzwa kutungamirwa neMweya, koka vanhu kuti vabhabhatidzwe nokusimbiswa. Izvi zvinogona kuitika panguva yechidzidzo chipi nechipi.
Dzidzisa dzidziso yerubhabhatidzo uye batsira vanhu kunzwisisa dzidziso yaKristu (ona chidzidzo 3). Dzidzisa pamusoro pekukosha nemufaro wechibvumirano cherubhabhatidzo, wekutambira ruregerero rwezvivi, uye wekutambira chipo cheMweya Mutsvene kuburikidza nerusimbiso.
Gadzirira vanhu kukokero yerubhabhatidzo kuburikidza nekuva nechokwadi chekuti vanonzwisisa zvawadzidzisa uye chibvumirano chavanozoita. Chibvumirano cherubhabhatidzo ndeichi chinotevera:
-
Kuva nechido chokutora patiri zita raJesu Kristu.
-
Kuchengeta mirairo yaMwari.
-
Kushandira Mwari navamwe.
-
Kushingirira kusvika kumagumo. (Ona chidzidzo 4.)
Ungangogovera zvinotevera:
“Apo patinenge tabhabhatidzwa, ‘tinopupura pamberi [paMwari] kuti [ta]pinda muchibvumirano navo, chokuti [ti]nozovashandira uye nokuchengeta mirairo yavo.’ Apo patinoita chibvumirano ichi, Vanovimbisa kuti Vanozodurura Mweya wavo pa[tiri] zvikurusa’ (Mosaya 18:10).”
Kokero yako yekubhabhatidzwa inofanira kuva yakajeka uye isingatendereri. Ungangoti:
“Munozotevera here muenzaniso waJesu Kristu kuburikidza nekubhabhatidzwa nemumwe munhu akagadzwa kuita chisungo ichi? Tinozokubatsirai kugadzirira rubhabhatidzo. Tinotenda kuti munokwanisa kunge magadzirira musi wa[dheti]. Munozogadzirira here kubhabhatidzwa padheti iroro?”
Sekukoka kupi zvako kwaunopa, vimbisa maropafadzo makuru anozogamuchirwa nevanhu apo pavanozogamuchira kokero yokubhabhatidzwa uye nokuchengeta zvibvumirano zvinoenderana nako. Govera uchapupu hwako hwemaropafadzo aya.
Dzidzisa kuti rubhabhatidzo norusimbiso hazvisi chinhu chokupedzisira chavanofanira kuita. Panekudaro, inguva mukufamba mugwara rerupinduko rinounza tariro, mufaro, uye simba raMwari zvakanyanya kuzara muupenyu hwomunhu (ona Mosaya 27:25–26). Mushure mokunge vanhu vabhabhatidzwa nokusimbiswa, vanokwanisa kutarisira kutsveneswa neMweya apo pavanofambira mberi vari mugwara rechibvumirano.
Kana zvichikwanisika, koka avo vauri kudzidzisa kuti vauye kumusangano werubhabhatidzo nekumusangano wesakaramende umo munenge muine mumwe munhu anosimbiswa.