Kapernaume, inowanikwa kuchamhembe kwemahombekombe eGungwa reGarirea, yakange iri nzvimbo huru muhushumiri hwaJesu hwemuGarirea (Mat. 9:1–2; Marko 2:1–5). Nzvimbo inokosha uye yakabudirira yekuraura hove nekutengeserwa, yaive musha kuneJentairi neJuda zvakare. Makore zana okutanga huwandu hwevanhu hungange hwaisadarika vanhu vanokwana 1,000. Kapernaume yakange iri panosangana nzira dzekufambidzana kweupfumi dzinokosha, yakatenderedzwa nenzvimbo dzinemaguta. Mauto emaRoma akavaka dzimba dzekugezera nedzekuchengetera zvinhu pano, zvikawedzera kukurongeka kwezvemagariro evanhu nezvivako zveruzhinji zvakavakwa zvakanaka. Kunyangwe zvazvo zvishamiso zvakawanda zvakaitirwa pano, vanhu vaiwanzoramba Hushumiri hweMuponesi. Naizvozvo Jesu akatuka guta (Mat. 11:20, 23–24). Nenguva, Kapernaume yakave dongo uye haisi kugarwa.