Chitsauko 22
Munguva yeMireniamu vose vanhu vacharumbidza Ishe—Vachange achigara pakati pavo—Enzanisa naIsaya 12. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.
1 Uye muzuva iroro muchati: Imi Ishe ndichakurumbidzai; kana dai manga makandishatirirwa kushatirwa kwenyu kwafuratidzwa, uye mave kundinyaradza.
2 Tarisai, Mwari ndivo ruponeso rwangu; vandichavimba navo, uye ndigosatya; nokuti Ishe Jehova ndivo musimboti wangu nerwiyo rwangu; uye vavewo ruponeso rwangu.
3 Naizvozvo, norufaro muchachera mvura inobva mumatsime oruponeso.
4 Uye muzuva iroro muchati: Rumbidzai Ishe, daidzai zita ravo, taurai kuita kwavo kuvanhu, muudze vanhu kuti zita ravo rinokudzwa.
5 Imbirai Ishe; nokuti vakaita zvinhu zvakanaka zvikuru; izvi zvinozivikanwa pasi pose.
6 Chemai mudaidzire, imi vagari veZioni; nokuti mukuru Mutsvene waIsraeri ari pakati penyu.