Kupakutenda Onawo Kunamata; Kuropafadzwa Kutenda kwemaropafadzo anogashirwa kubva kunaMwari. Kurakidza kutenda kunofadza Mwari, nekunamata kwechokwadi kunosanganisa kumutenda. Takafanira kupa kutenda kuna Ishe pamusoro pezvinhu zvose. Chinhu chakanaka kupa kutenda kuna Ishe, Mpi. 92:1. Uyai pamberi pake nokupa kutenda, Mpi. 95:1–2. Ivai nokutenda kwavari, muropafadze zita ravo, Mpi. 100:1–5. Musarege kupa kutenda, VaE. 1:15–16. Ivai munotenda, VaKoro. 3:15. Maropafadzo, nekubwinya, nekupa kutenda, nerukudzo ngazvive kuna Mwari vedu, Zvaka. 7:12. Kutenda kwamakafanira kuita Mambo wenyu wekudenga, Mosaya 2:19–21. Garai muri mukupa kutenda zuva nezuva, Aru. 34:38. Kana muchimuka mangwanani regai mwoyo wenyu uzare nokutenda kuna Mwari, Aru. 37:37. Imi, makafanira kuita zvose zvinhu nemunamato nekupa kutenda, D&Z 46:7. Imi, makafanira kupa kutenda kuna Mwari, D&Z 46:32. Itai zvinhu izvi nokupa kutenda, D&Z 59:15–21. Gashirai ropafadzo iri kubva muruoko rwaIshe, nemwoyo uzere nokutenda, D&Z 62:7. Uyo anogashira zvose zvinhu nekutenda kwakazara achaitwa kuti abwinye, D&Z 78:19. Muzvinhu zvose ipai kutenda, D&Z 98:1 (â… Â VaT. 5:18). Rumbidzai Ishe nemunamato wekurumbidza nekupa kutenda, D&Z 136:28.