Kuchiva Onawo Chiva Sekushandiswa kwarinoitwa mumagwaro matsvene, ruchiva kuda chemumwe kana kuve nekuda chimwe chinhu kwakapfuurikidza. Musachiva, Eks. 20:17 (Deut. 5:21; Mosaya 13:24; D&Z 19:25). Uyo anovenga ruchiva achapamhidzira mazuva ake, Zir. 28:16. Vakachiva minda uye vakaitora, Mika 2:2. Chenjererai ruchiva, Ruka 12:15. Mutemo wakati, Musaite ruchiva, VaR. 7:7. Mumazuva ekupedzisira, vanhu vachave neruchiva, Ⅱ Tim. 3:1–2. Rabhani paakaona pfuma yedu, akaita mwoyo, 1 Ni. 3:25. Musazochiva zvinhu zvenyu, D&Z 19:26. Regerai kuita ruchiva, D&Z 88:123. Usachive icho chinenge chiri chehama yako, D&Z 136:20.