Raira Sekushandiswa mumagwaro matsvene, rairo rinoreva kupa mazano kana kudzidzisa. Ndinokurairai kutenga kwandiri goridhe rakayedzwa mumoto, Zvaka. 3:18. Musatsvage kuraira Ishe, Jak. 4:10. Vanoraira noungwaru pamusoro pemabasa avo ose, Aru. 37:12. Zvitema zvenyu zvakwira kwandiri pamusana pekuti munotsvaka kuraira nenzira dzenyu mega, D&Z 56:14.