Chinonyangadza, Chinyangadzo Onawo Chitadzo Mumagwaro matsvene, chinhu chinokonzera kusemeswa kana ruvengo kune vakarurama nevakachena. Miromo inonyepa chinyangadzo kuna Ishe, Zir. 12:22. Kudada kunonyangadza mumaziso aIshe, Jak. 2:13–22. Vakaipa vanoiswa kwavanoona zvinyangadzo zvavo, Mosaya 3:25. Upombwe hunonyangadza zvakanyanyisa kudarika zvitadzo zvose kunze kweumhondi nokuramba Mweya Mutsvene, Aru. 39:3–5. Hasha dzaIshe dzinotungidzirwa zvinyangadzo zvavo, D&Z 97:24.