Anoteerera Onawo Famba, Famba naMwari; Kuropafadzwa; Mirairo yaMwari; Mutemo; Rufaro; Teerera Mupfungwa dzemweya, kuteerera kunoreva kuita kuda kwaMwari. Noa akaita maererano nezvose zvakanga zvarairwa naMwari, Gen. 6:22. Abrahama akateerera Ishe, Gen. 22:15–18. Zvose izvo Ishe zvavakataura tinoita, Eks. 24:7. Teerai nokudaro, Israeri, mutarisise kuzviita, Deut. 6:1–3. Idai Ishe muteerere izwi ravo, Deut. 30:20. Kuteerera kuri nani pane kuzvipira, â… Â Sam. 15:22. Ityai Mwari, muchengetedze mirairo yavo, Mpa. 12:13–14. Haasi wose achapinda muumambo hwekudenga, asi uyo anoita kuda kwaBaba, Mat. 7:21 (3 Ni. 14:21). Kana munhu akaita kuda kwavo, achaziva kana dzidziso iri yaMwari, Joh. 7:17. Takafanira kuteerera Mwari pane vanhu, Mabasa 5:29. Vana, teererai vabereki venyu, VaE. 6:1 (VaKoro. 3:20). Ndichaenda kunoita zvinhu izvo zvakataurwa naIshe, 1 Ni. 3:7. Ndakateerera izwi reMweya, 1 Ni. 4:6–18. Kana vana vevanhu vakachengeta mirairo yaMwari vanovachengetedza, 1 Ni. 17:3. Chenjererai nokuti mungateerere mweya wakaipa, Mosaya 2:32–33, 37 (D&Z 29:45). Vanhu vanokohwa mubairo wavo maererano nemweya wavanoteerera, Aru. 3:26–27. Vanhu vakafanira kuita zvinhu zvizhinji nekusunguka kwavo vega, D&Z 58:26–29. Hapana munhu chaanokanganisira Mwari, kunze kweavo vasingarumbidze ruoko rwavo uye vasingateerere mirairo yavo, D&Z 59:21. Ini Ishe ndinosungirwa kana muchiita zvandinotaura, D&Z 82:10. Wose mweya unoteerera izwi rangu uchaona chiso changu ugoziva kuti Ndini, D&Z 93:1. Vanhu vakafanira kurangwa kudakara vadzidza kuteerera, D&Z 105:6. Kana tikawana maropafadzo api zvawo kubva kuna Mwari, zvinoitwa nokuteerera kumutemo uya wakamiswa, D&Z 130:21. Adama aiteerera, Mos. 5:5. Tichavaedza kuti tione kuti vachaita here zvose zvinhu zvazvo Ishe zvaachavaraira, Abr. 3:25.