Dzidziso yaKristu Onawo Hurongwa hweRununuro; Vhangeri Hurongwa nedzidziso dzevhangeri raJesu Kristu. Dzidziso yangu ichadonha semvura, Deut. 32:2. Avo vakanyunyuta vachadzidza dzidziso, Isa. 29:24. Vanhu vakashamiswa nedzidziso yake, Mat. 7:28. Dzidziso yangu haizi yangu, asi ndeye uyo akandituma, Joh. 7:16. Rose gwaro dzvene rine rubatsiro rwedzidziso, Ⅱ Tim. 3:16. Iyi ndiyo dzidziso yaKristu, uye ndiyo chete yechokwadi dzidziso yaBaba, 2 Ni. 31:21 (2 Ni. 32:6). Hapazova nekupokana pakati penyu maererano nezvinongedzo zvedzidziso yangu, 3 Ni. 11:28, 32, 35, 39–40. Satani anokuchidzira mwoyo yevanhu mukukakavadzana maererano nezvinhu zviri mudzidziso yangu, D&Z 10:62–63, 67. Dzidzisai vana dzidziso yekutendeuka, nerutendo muna Kristu, rubhabhatidzo, uye nechipo cheMweya Mutsvene, D&Z 68:25. Dzidzisanai dzidziso yeumambo, D&Z 88:77–78. Dzidziso yehupirisita ichadururirwa pamweya wako, D&Z 121:45.