Kumbira Onawo Munamato Kubvunza, bvunza, kana kuti kumbira kuna Mwari mutsa wakakosha. Kumbira, uchapiwa, Mat. 7:7. Kana pane mumwe wenyu asina ungwaru, ngaakumbire kuna Mwari, Jkb. 1:5 (Nh—JS 1:7–20). Ndikumbirei murutendo, 1 Ni. 15:11. Kana musinganzwisisi mazwi aya, chikonzero ndechekuti hamuna kukumbira, 2 Ni. 32:4. Kumbirai nemwoyo usina kunyengedza, Mosaya 4:10. Mwari anokupai chose zvacho chamunokumbira chakanaka chakarurama, murutendo, Mosaya 4:21. Bvunzai Mwari kuti zvinhu izvi hazvisi zvechokwadi here, Moro. 10:4. Vanoda rima kunze kwechiedza; saka, havandibvunze, D&Z 10:21. Munorairwa muzvinhu zvose kuti kumbirai kuna Mwari, D&Z 46:7.