MaJaredhi
Vanhu vari muBhuku raMormoni avo vaiva zvizvarwa zvaJaredhi, mukoma wake, neshamwari dzavo (Eta 1:33–41). Vakatungamirwa naMwari kubva kuShongwe yeBaberi kuenda kuAmerica, nyika yakavimbiswa (Eta 1:42–43; 2–3; 6:1–18). Kana dai zvazvo rudzi rwavo pane imwe nguva rwaive nemamirioni evanhu, vakaparadzwa vose vachirwa pachavo zvaunzwa nokuipa (Eta 14–15).