Kuponderwa Chitendero Munhu anopa upenyu pane kuti asiye Kristu, vhangeri, kana zvakarurama zvaanodaira kana nhungamiro dzake. Rose ropa rakarurama kubva kuna Aberi kusvika kuna Zakaria richapupura richirwisa vakaipa, Mat. 23:35 (Ruka 11:50). Ani zvake acharasikirwa neupenyu hwake pamusana paKristu nevhangeri achauchengetedza, Marko 8:35 (D&Z 98:13). Uye vakatema Stefano, Mabasa 7:59 (Mabasa 22:20). Pane uchapupu pakafanira kuve nerufu rwemupupuri, VaH. 9:16–17. Abhinadhai akapunzika, atambudzwa nerufu rwemoto, Mosaya 17:20. VaAmonaiha vakatendeuka vakakandwa mumoto, Aru. 14:8–11. Vazhinji vakauraiwa nokuti vakapupura pamusoro pezvinhu izvi, 3 Ni. 10:15. Uyo anoisa upenyu hwake pasi pamusana pangu achawana upenyu hwokusingaperi, D&Z 98:13–14. Joseph Smith naHyrum Smith vakave mhare mukudzorerwa pakare kwevhangeri, D&Z 135. Joseph Smith akasimbisa uchapupu hwake neropa rake, D&Z 136:39.