Mhandara Onawo Maria, Amai vaJesu Murume kana mukadzi ave pazera rekuwanikwa asina kumboziva murume kana mukadzi. Mumagwaro matsvene, mhandara kana jaya zvingangoreva munhu akachena (Zvaka. 14:4). Mhandara ichabata pamuviri yobereka mwana mukomana, Isa. 7:14 (Mat. 1:23; 2 Ni. 17:14). Umambo hwekudenga hunofananidzwa nemhandara gumi, Mat. 25:1–13. Muguta reNazareta ndakaona mhandara, yaive mai veMwanakomana waMwari, 1 Ni. 11:13–18. Maria aive mhandara, mudziyo wakasarudzwa unokosha, Aru. 7:10.